RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 11/14 pp. 14-15
  • Deredza Mikana Yokubatwa Nechirwere Cheshuga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Deredza Mikana Yokubatwa Nechirwere Cheshuga
  • Mukai!—2014
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chirwere Cheshuga Chakamira Sei?
  • Basa Rakaoma Rokuchirapa
    Mukai!—2003
  • Chirwere Cheshuga—“Muurayi Anouraya Chinyararire”
    Mukai!—2003
  • Kubatsira Kungaita Bhaibheri Vanorwara Nechirwere Cheshuga
    Mukai!—2003
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2014
g 11/14 pp. 14-15
Murume nomudzimai vari kuekisesaiza
Murume nomudzimai vari kuekisesaiza

Deredza Mikana Yokubatwa Nechirwere Cheshuga

CHIRWERE cheshuga chiri kubata ruzhinji rwevanhu pasi rose. Vakawanda vacho vanobatwa netype 1 kana kuti type 2. Type 1 inobata vana uye vanachiremba havasati vaziva kuti ingadzivirirwa sei. Nyaya ino iri kutaura nezvetype 2 inova ndiyo ine vakawanda.

Kare vakuru chete ndivo vaibatwa netype 2, asi iye zvino yava kubatawo nevana. Chirwere ichi chinogona kukubata wakarivara, asi vanachiremba vanoti mikana yokubatwa nacho inogona kuderedzwa. Saka kuva nekaruzivo nezvechirwere ichi kunogona kukubatsira.a

Chirwere Cheshuga Chakamira Sei?

Chirwere ichi chinokonzerwa nokuwandisa kweshuga muropa. Kuti muviri ushande zvakanaka unoda simba, asi chirwere ichi chinokanganisa mafambiro eshuga mumuviri. Nhengo dzomuviri dzinokanganisika uye ropa rotadzawo kufamba zvakanaka zvoita kuti munhu ave nechirwere cheitsvo, upofu, kana kutozodimburwa zvigunwe kana tsoka. Varwere veshuga vakawanda vanofa nokutadza kushanda kwemwoyo kana stroke.

Kuwanda kwemafuta mumuviri ndechimwe chezvinonyanya kukonzera chirwere cheshuga. Vanachiremba vanoti kuwanda kwemafuta edumbu nechiuno, kunyanya parwatata nepachiropa, kunowedzera mikana yokubatwa nechirwere ichi. Mafuta aya anenge ava kukanganisa kufamba kweshuga. Ungaitei kuti uderedze mikana yokubatwa nechirwere ichi?

Zvinhu Zvitatu Zvaungaita Kuderedza Mikana Yokubatwa Nechirwere Cheshuga

1. Ongororwa kuti hauna shuga yakawandisa here. Munhu asati asvika padanho retype 2 anombopfuura nepadanho rinonzi prediabetes. Iri idanho apo shuga iri muropa inenge yakati wandei kudarika zvainofanira kuva. Matanho acho maviri haana kunaka asi akati siyanei. Kunyange zvazvo chirwere cheshuga chisati chava kurapika, pane zvaunokwanisa kuita kuti chisanyanya kukukanganisa. Vamwe vari padanho reprediabetes, vakakwanisa kuita kuti shuga iri muropa ravo idzike. Zvakaoma kuti munhu azive kuti ari padanho reprediabetes kusvikira atozoongororwa. Paongororo dzakaitwa pakaonekwa kuti vanhu vanosvika 316 miriyoni pasi rose vari padanho reprediabetes, asi vanga vasingazvizivi. Somuenzaniso, muUnited States, vanhu 10 pa100 ndivo chete vanoziva kuti vari padanho iri.

Hatifaniri kuona danho reprediabetes serisingatyisi nokuti ipapo ndipo pane mikana yakakura yokubatwa nechirwere chokurasika pfungwa. Unogona kunge utori padanho iri kana wakanyanya kufuta uye kana uchibva mumhuri ine vanhu vanorwara neshuga. Ongororwa ropa kuti uzive kuti wakamira sei.

2. Idya zvinhu zvine utano. Kana uchikwanisa, ita zvinhu zvinotevera: Idya zvishoma kwete kuti dumbu ribve rati ndi uye usapedza nguva yakareba usati wadya. Inwa mvura, tii kana kofi panzvimbo pemadhiringi ane shuga. Idya chingwa chebhurawuni, mupunga, sipageti nezvimwe zvakadaro asi usingadyi zvakawanda. Nyama isina mafuta, hove, nzungu uye bhinzi ndezvimwewo zvaunogona kudya.

1. Zvokudya zvinovaka muviri; 2. Munhu ari kuzviyera pachikero
1. Zvokudya zvinovaka muviri; 2. Munhu ari kuzviyera pachikero

3. Ita maekisesaizi. Maekisesaizi anogona kudzikisa shuga iri muropa rako uye kuita kuti usafutisa. Mumwe chiremba anokurudzira kuti vanhu kuti vaite maekisesaizi panzvimbo pokuswera vachiona TV.

Kunyange kana vanhu vari mumhuri yako vaine chirwere cheshuga, kana ukachinja mararamiro ako unogona kuderedza mikana yokubatwawo nacho. Ngatichengetedzei utano hwedu.

a Panyaya yokuti munhu oekisesaiza sei kana kuti odya zvipi, magazini ino yeMukai! haiudzi munhu zvokuita asi munhu woga woga achazvisarudzira zvaanoda, zvichienderanawo nokuti vanachiremba vamuudza kuti kudini.

‘Ndakateerera Zvandakaudzwa!’​—Nhaurirano

Wakaziva sei kuti ungangobatwa nechirwere cheshuga?

Pandakaongororwa ropa, chiremba akandiudza kuti ndakanga ndava pedyo nokubatwa nechirwere cheshuga. Pane zvinhu 4 zvaiita kuti ndigone kubatwa nechirwere ichi: Vanhu verudzi rwangu vanonyanya kubatwa nacho, mumhuri medu mune vanorwarawo nacho, ndaiva ndakafuta uye ndaisaita maekisesaizi. Sezvo ndaisagona kuchinja zvinhu 2 zvokutanga, ndakasarudza kuedza kuchinja zviviri zvokupedzisira.

Wakazoitei?

Ndakaenda kune vanoziva nezvechirwere cheshuga ndikatsanangurirwa kukosha kwekungwarira zvandinodya, kuita maekisesaizi uye nyaya yokufuta. Saka ndakabva ndateerera zvandakaudzwa. Ndakatanga kudya zvinhu zvisina mafuta akawanda. Ndikatangawo kuekisesaiza kwandanga ndamborega kwemakore.

Wakabudirira here?

Pakazopera gore nehafu ndakanga ndadzikira muviri uye ndiri kufara chaizvo. Handichadzokeri shure. Chirwere cheshuga hachisi chokutamba nacho!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe