Mhosva Dzechisimba—Chii Chiri Kumboitika?
FRANK naGabriella vaitwasanudza zvavo makumbo vachitevedza mhenderekedzo yegungwa yeOregon, U.S.A., munguva yorunyanhiriri, vachiona kubuda kwezuva. Vakanga vasina karuzivo zvako kezvakanga zvoda kuitika. Maminitsi mashomanana gare gare, vose vakanga vafa, vapfurwa mumusoro nomunhu aiva pedyo pedyo. Kwaiva kutsiva here? Yaiva shanje here? Kwete. Murume akapfura wacho, munhuwo zvake akanga asingavazivi, akanga aita zvaaigarofungidzira—aida kuziva kuti kuuraya munhu kwakamboita sei.
“Musi weSvondo, 28 April 1996 Martin Bryant akabata pfungwa dzevanhu vokuMadokero pamusana pokunakidzwa noupenyu hwake. Zvaaipfura chero munhu waaisangana naye paaifamba-famba muPort Arthur, Tasmania, akawana simba nokufarirwa zvinoshamisa.” (A Study of Our Decline, naPhilip Atkinson) Akakonzerawo rufu rwevanhu 35!
Mumwe munhu akanga arega basa aiva nemakore 65 kuCanada akabuda achichovha zvake bhasikoro rake mamwe mangwanani. Zvaaichovha, akarohwa shure nomutyairi wemota uyo akamusiya achifunga kuti afa. Bhasikoro rake rakakwekweredzwa mumugwagwa kwemamita anodarika 700. Pakutanga, vanhu vakafunga kuti yaiva tsaona yevatyairi vanorova munhu nemota vobva vatiza, asi kuongororazve kwakaratidza kuti ainge arohwa nomutyairi akanga aba mota, aitonakirwa zvake nokutambisa mota. Zvinoita sokuti, kurova nemota muchovhi webhasikoro uyu yakanga iri nzira yo“kufara.”
Imhosva Dzemhando Yakasiyana Here?
Mhosva dzange dziripo kwemazana emakore, asi mhando dzataurwa pamusoro apa dzinoita kuti vanhu vati: “Nei? Mumwe munhu angafungirei kuita zvakadaro?” Kunyange zvazvo mhosva dzinozivikanwa, dzakadai sokuba kana kubiridzira, dzingasabata pfungwa dzevanhu, pane mhando dzezviito zviri kuwedzera kubata pfungwa dzevabudisi venhau uye dzinoita kuti vanhu vati, ‘Izvi hazvina musoro! Chii chiri kuitika kunyika ino?’
Mhosva idzi dzakasiyana. Kakawanda kacho dzinovhundutsa uye dzinoparwa zvine utsinye mukati. Somumienzaniso iri pamusoro apa, dzinowanzoitirwa vanhu vasina mhaka vasingazivi vapari vadzo. Uyezve, zvinoita sokuti panenge pasina vavariro chaiyo yemhosva dzechisimba idzi. Ndandanda yezviito zvisina chinangwa chaicho hadziperi.
Muna April 1999 muColorado, U.S.A., vadzidzi vaviri vakauraya vadzidzi 12 nomudzidzisi vasati vazviuraya pakupfura kwakaitirwa kuchikoro. Mumwe murume akafa muCalifornia muna 1982 pashure pokunge ashandisa mushonga waakanga atenga uyo mumwe munhu akanga aisa muchetura. Muna 1993, vakomana vaviri vane makore gumi vakanyengetedza James Bulger aiva nemakore maviri kubva pazvitoro zviri kuBootle, Merseyside, England, apo mai vake vaiva mubhucha. Vakaenda naye kunjanji ndokumuponda.
Zvimwe zviito zvinogona kutorwa sougandanga, zvakadai segasi rinouraya rakaiswa mumugwagwa wepasi pevhu kuTokyo muna 1995. Vanhu vokuJapan vakavhunduka apo gasi rine muchetura rakaputitswa nenhengo dzechimwe chitendero mumugwagwa wepasi pevhu kuTokyo, rikauraya vanhu 12 ndokukuvadza zviuru. Vashoma vangakanganwa kuparadzwa kweWorld Trade Center yeNew York uye kurwiswa kwePentagon, muWashington, D.C., uko kwakauraya vanhu vanenge 3 000, uye kubhomba kwakaitwa gore rapfuura muBali, Indonesia, kwakauraya vanhu vanoda kusvika 200.
Zviri pachena kuti mhosva dzechisimba dzakadaro dzapararira kwazvo. Chinetso chacho chiri munyika yose, chiri kutambudza marudzi akawanda nemapoka evanhu.
Muzvimwe zviitiko zvinoita sokuti vapari vemhosva dzacho vanenge vachiita makwikwi, vachiedza kuona kuti ndiani angapara mhosva dzinotyisa kwazvo. Uyezve, mhosva dzokuvenga dziri kutonyanya kuwedzera. Idzi dzinoitwa nenzira ine utsinye kwazvo pavanhu vanenge vachingopiwa “mhosva” chete yokuti ndeveboka rorumwe rudzi, chitendero, kana kuti dzinza—sezvazvakanga zvakaita muna 1994 apo vaTutsi vanenge 800 000 vakapondwa muRwanda.
Zvose izvi zvinoita kuti vakawanda vafunge kuti: ‘Chii chiri kuitika? Zvakanga zvakambodai here kare? Chii chingava chiri kukonzera mhosva dzakadai dzakaipisisa? Itariroi iripo yokuderedza kana kubvisa mhosva dzakadaro dzoutsinye?’ Nyaya dzinotevera dzichapindura mibvunzo iyi nemimwe.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 4]
Mhosva dzechisimba dzinowanzoitirwa vanhu chero vapi nevapi uye pasina vavariro chaiyo