RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 12/8 pp. 19-20
  • Pasi Redu Riri Kurwara Zvakadini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pasi Redu Riri Kurwara Zvakadini?
  • Mukai!—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chiri Kuita Munhu Kupasi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Hondo Yacho Iri Kuhwinwa Here?
    Mukai!—1996
  • Pasi Redu Raparadzanywa—Denho Dzinorovanya Nharaunda Zhinji
    Mukai!—1993
  • Kuchengetedza Zvakatipoteredza—Tave Tichibudirira Zvakadini?
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 12/8 pp. 19-20

Pasi Redu Riri Kurwara Zvakadini?

NOMUNYORI WEMUKAI! MUPHILIPPINES

Murwere wacho arwarisa. Zviratidzo zvacho zvakawanda. Mhepo iri kubuda mumhino dzake iri kunhuwa. Ari kupisa muviri, kupisa zvaasati amboita. Kuedza kukuderedza kuri kushaya basa. Mumvura dzomuviri wake mawanikwa chepfu. Zvimwe zviratidzo pazvinorapwa pane imwe nzvimbo, zvimwe zvinooneka mune dzimwe nhengo dzomuviri. Kudai uyu anga ari murwerewo zvake, vanachiremba vangadai vakati zvirwere zviri paari zvakawanda ndezvechigarire uye zvichangozomuuraya. Vapererwawo nezvokuita, vaizongotora matanho avanokwanisa kuita kuti murwere wacho agadzikane kusvikira afa zvake.

ZVISINEI, murwere uyu haasi munhu. Musha wedu—pasi. Muenzaniso uri pamusoro apa unonyatsoenzanisira zviri kuitika panyika yedu. Mhepo yakasviba, kukwira kwetembiricha yepasi, mvura yakasviba, uye tsvina ine chepfu zvinongova zvirwere zvishomanana chete zvepasi redu riri kurwarisa. Kufanana navanachiremba vataurwa pamusoro apa, nyanzvi dziri panguva yakaoma pakuti dzoitei.

Mapepanhau anowanzotaura nezvoutano husina kutsarukana hwepasi nokushandisa misoro nemashoko zvakaita seizvi: “Kubata hove pachishandiswa zvinoputika kuri kuchinja pasi pegungwa kuva nzvimbo dzokuurayira.” “Vanhu vokuAsia Vanosvika Bhiriyoni Vangangotambura Nokushayiwa Mvura Yakanaka Mumakore 24 Anotevera.” “Mamiriyoni makumi mana ematani emarara ane chepfu anotengeswa munyika yose gore roga roga.” “Pamatsime 1 800 omuJapan anoda kuva zvikamu zviviri muzvitatu ane chepfu.” “Buri reOzone Ravapozve Pamusoro Penhongonya Yepasi uye Rakakura.”

Vamwe vanhu vanojaira nhau dzinogarotaurwa dzenjodzi dzezvakatipoteredza, zvichida vachitofunga kuti ‘Izvozvo handinyanyi kunetseka nazvo chero zvisingandikuvadzi.’ Zvisinei, pasinei nokuti tinozvicherechedza here kana kwete, kuparadzwa kukuru kwepasi kunovhiringidza upenyu hwevanhu vakawanda. Sezvo kusvibiswa kwepasi redu iye zvino kuri kuramba kuchiwedzera, kungangove kwatokanganisa zvakawanda kudarika chikamu chimwe choupenyu hwedu. Saka, tose tinofanira kufunga nezvoutano uye kuchengetedzwa kwomusha wedu. Pamusoro pazvo, ndokupizve kwatingagara?

Chinetso chacho chambopararira zvakadini? Pasi riri kurwara zvakadini? Upenyu hwevanhu huri kukanganiswa zvakadini? Ngatimbotarisai zvinhu zvishomanana zvinotibatsira kunzwisisa nei pasi redu risiri kungorwara zvishoma asi, riri kurwara zvikuru.

◼ NYANZA: Zvikamu zvikuru zvenyanza zvinobatwa hove kudarika mwero. Mushumo weUnited Nations Environment Programme unotaura kuti “panzvimbo dzinobatwa hove, 70 muzana dzinoshandiswa zvisina kufanira kwazvo zvokuti kuberekana kwehove hakugoni kuitika kana kuenderana nehove dzinobatwa.” Somuenzaniso, uwandu hwehove dzecod, hake, haddock, uye flounder muNorth Atlantic hwakaderera zvikuru ne95 muzana pakati pa1989 na1994. Izvi zvikapfuurira, zvicharevei kumamiriyoni anorarama nezvokudya zvinobva mugungwa?

Uyezve, gore roga roga zvimwe zvipenyu zvomugungwa zvinofungidzirwa kuti zvingasvika matani mamiriyoni 20 kusvika ku40 zvinobatwa nokudzorerwazve munyanza—kakawanda kacho zvinosiyiwa zvakuvadzwa kana kuti zvafa. Nei? Zvinobatwa pamwe chete nehove dzinenge dzichidiwa asi izvo zvinenge zvisingadiwi.

◼ MASANGO: Kutema miti kwakaipira zvinhu zvakawanda. Kupera kwemiti kunotadzisa pasi kuderedza mhepo inokuvadza, uye ndizvo zviri kunzi zviri kukonzera kukwira kwetembiricha dzepasi. Dzimwe mhando dzemiti inogona kugadziriswa mishonga inoponesa upenyu, dzichatsakatika. Kunyange zvakadaro, kuparadzwa kwemasango kuri kuenderera mberi kusiri kumiswa. Kutaura zvazviri, mwero wokuparadzwa kwawo wakawedzera mumakore achangodarika. Zvimwe zviremera zvinofunga kuti izvi zvikaenderera mberi, masango anogara achinaya mvura angatsakatika mumakore anenge 20.

◼ TSVINA INE CHEPFU: Kuraswa kwezvinhu zvinokuvadza panyika nomumvura chinetso chikuru chinogona kukuvadza kwazvo mamiriyoni. Tsvina yenyukireya inobudisa mwaranzi inokuvadza, simbi dzine chepfu, uye zvigadzirwa zvepurasitiki ndezvimwe zvezvinhu zvinogona kukonzera urema, zvirwere, kana rufu kuvanhu nemhuka.

◼ MAKEMIKARI: Mumakore 100 apfuura, makemikari matsva anoda kusvika ku100 000 akatanga kushandiswa. Makemikari aya anoguma ava mumhepo yedu, ivhu, mvura, uye zvokudya. Mashomanana chaizvo akaongororwa nokuda kwemigumisiro yawo kuutano hwevanhu. Zvisinei, nezveaya akaongororwa, akawanda awo akawanwa kuti anokonzera kenza kana zvimwe zvirwere nedzimwe nzira.

Kune zvakatowanda zviri kukanganisa zvinhu zvakatipoteredza: kusvibiswa kwemhepo, nzvimbo dzisingacheneswi dzinorasirwa tsvina, mvura inonaya iine asidhi, kushayikwa kwemvura yakachena. Zvishomanana zvatotaurwa zvakakwana kuratidza kuti pasi riri kurwara zvechokwadi. Murwere uyu anogona kuponeswa here, kana kuti zvatokona?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe