RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 April pp. 19-21
  • Ndambozvitaurirei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndambozvitaurirei?
  • Mukai!—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • NEI UCHIMBOPOTA UCHITAURA CHINHU CHAKAIPA
  • UNGAITEI KANA WAPOTSA KUTAURA
  • UNGAZVIITA SEI KUTI UDZORE RURIMI RWAKO
  • Kuparadzwa kweSodhoma neGomora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anoporesa Vanhu Zvinoshamisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kuramba Jesu Kwakaita Petro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anokunda Muedzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 April pp. 19-21

Vechiduku Vanobvunza Kuti

Ndambozvitaurirei?

Nyaya ino ichakubatsira kuona kuti

NEI dzimwe nguva uchitaura zvisiri izvo

UNGAITEI kana wapotsa kutaura

UNGAZVIITA SEI kuti udzore rurimi rwako

“Nguva zhinji ndinozvidzora pane zvandinotaura, asi dzimwe nguva zvinoerekana zvaenda nepasipo uye kana zvaitika ndinoshaya pokupinda!”—Chase

“Dzimwe nguva ndinotaura zvinhu zvinenge zviri kufungwa nomunhu wose asi zvisiri zvinhu zvokuti zvingataurwa . . . Iii!”—Allie

NEI UCHIMBOPOTA UCHITAURA CHINHU CHAKAIPA

Rugwaro runokosha: ‘Munhu asingakanganisi pakutaura kwake, munhu akadaro anonzi haana zvitadzo.’ (Jakobho 3:2, Bhaibheri Rinoera) Rugwaro urwu rwuri kurevei? Hapana munhu anogona kudzora rurimi rwake. Vakawanda vanobvumirana nezvakataurwa naTadiwa,a zvokuti: ‘Dzimwe nguva pane zvimwe zvinhu zvandisingafaniri kutaura asi ndinozongoerekana ndabudisa gure rose pachena.’

Iyi inyaya yakaitika: “Pane dzimwe hembe dzandakanga ndava kurasa asi shamwari yangu yakati inodzida. Ndisina kumbofunga ndakabva ndati, ‘Nokufuta kwako uku unofunga kuti unodzikwana?’ Akabva apindura kuti, ‘Wati chii? Unofunga kuti ndakanyanya kufuta here ini?’”—Corrine.

Kuti unzwisise kuti sei dzimwe nguva uchitadza kudzora rurimi rwako imboona zviri pasi apa.

● Dambudziko rako nderipi?

․․․․․ Ndinowanzotaura ndakashatirwa

․․․․․ Ndinowanzotaura ndisina kufunga

․․․․․ Ndinowanzotaura ndisingateereri zviri kutaurwa nemumwe

․․․․․ Zvimwewo ․․․․․

Muenzaniso: “Ndinofarira chaizvo kutaura zvinosekesa, asi dzimwe nguva vanhu vanobva vafunga zvinopesana nezvandiri kureva.”—Alexis.

● Unowanzopotsa kutaura uinaani?

․․․․․ Mubereki

․․․․․ Vamwe vana vomumba

․․․․․ Shamwari

․․․․․ Vamwe vanhu ․․․․․

Muenzaniso: “Vanhu vandinowanzogumbura ndevaya vandinoda,” anodaro musikana anonzi Christine ane makore 20. “Ndinofunga kuti zvinokonzerwa nokusununguka kwandinenge ndakaita pandinenge ndinavo.”

UNGAITEI KANA WAPOTSA KUTAURA

Rugwaro runokosha: ‘Tevera zvinhu zvinoita kuti pave norugare.’ (VaRoma 14:19) Imwe nzira yokuita izvi kukumbira ruregerero.

Iyi inyaya yakaitika: “Mai vangu vakashaya ndiine mwedzi gumi ndazvarwa uye handina kumbokura nababa asi ndakarerwa kwamaiguru mukoma wamai vangu. Rimwe gore ndava nemakore anenge 10 kana kuti 11 ndakatanga kunzwa kusurukirwa uye kugumbuka ndichiti sei mai vangu vakafa, uye ndaiona sokuti pane akazvikonzera. Saka maiguru vangu pavakandikumbira kuti ndivabatsire kuita chimwe chinhu, ndakatanga kuvapopotera, uye ndakapedzisira ndabudisa mashoko okuti ‘Hamusi mai vangu chaivo.’ Chiso chavo chakaratidza kushamisika chaizvo. Vakabva vaenda mumba vakatanga kuchema zvinonzwika. Ndakatanga kutya. Ndivo vakanga vandirera makore ose vachindiitira zvose asi iye zvino ndakanga ndavabata sokunge havabatsiri chinhu. Babamukuru vakataura neni nezvenyaya iyi vakandiratidza magwaro anotaura nezvekudzora rurimi. Zvadaro ndakazokumbira ruregerero kuna maiguru. Ndakazoona kuti ndini ndakanga ndakanganisa.”—Karen.

Pazasi apa nyora chikonzero chingaita kuti zvikuomere kukumbira ruregerero.

․․․․․

Sei kukumbira ruregerero kungaita kuti unzwe warerukirwa?

․․․․․

Zvingangokubatsira: Chimboongorora zvinotaurwa nemagwaro aya, Zvirevo 11:2 uye Mateu 5:23, 24.

Asi chinokosha ndechokuti usaita zvinhu zvinoita kuti uzokumbira ruregerero. Ungazviita sei?

UNGAZVIITA SEI KUTI UDZORE RURIMI RWAKO

Rugwaro runokosha: ‘Kurumidza kunzwa, unonoke kutaura, unonoke kuva nehasha.’ (Jakobho 1:19) Pane mazano anogona kukubatsira kuti uite zvataurwa nerugwaro urwu.

Verenga magwaro aya uye tarisa kuti rumwe norumwe rwunoenderana nemashoko api.

Zvirevo 12:16 □

Zvirevo 17:14 □

Zvirevo 26:20 □

Muparidzi 7:9 □

VaFiripi 2:3 □

1 “Edza kusanyanya kuita hanya netwose twose, kana ukadaro uchaona kuti hauzombokurumidzi kugumburwa nezvinhu zvisina basa.”—Danette.

2 “Kana ndagumbuka ndinombofamba-famba. Izvi zvinoita kuti ndifurwe nemhepo uye hasha dziserere.”—Brielle.

3 “Pandaiva muduku ndaiti haivhiyiwi uye chinhu chose ndaitochiita nyaya chete. Asi ndakadzidza kuti zvimwe zvinhu ndezvekungoregawo zvichipfuura.”—Celia.

4 “Kana munhu achikupopotera asi iwe usingamupinduri, munhu iyeye achapedzisira aneta nazvo. Iva nomwoyo murefu. Usadzima moto neparafini.”—Kerrin.

5 “Pane dzimwe nguva dzokuti ndinogumbukira mumwe munhu chaizvo. Mashoko ose okutuka ndinenge ndinawo. Asi kumbomira kunoita kuti ndizoona kuti mashoko angu hapana chaanobatsira. Chandakadzidza ndechokuti, handifaniri kukurumidza kupindura.”—Charles.

Dzimwe nyaya dzinoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti” dzinogona kuwanikwa paIndaneti pawww.watchtower.org/ype

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 20]

Allie—Ndisati ndataura chimwe chinhu ndinozvibvunza kuti: Mashoko aya achagadzirisa zvinhu here? Zvandichataura zvichaita kuti munhu wandiri kutaurira aite sei?’ Kana usina chokwadi nezvauchataura, zviri nani unyarare hako.

Chase—Pandinenge ndichida kutaura zvimwe zvinhu, ndinoedza kufunga kuti vanhu varipo vachati kudii nazvo. Ndinoona kuti nokukura kwandiri kuita ndiri kukwanisa kudzora rurimi rwangu. Chokwadi unodzidza kubva pane zvaunenge wakanganisa.

[Bhokisi riri papeji 21]

WADII KUBVUNZA VABEREKI VAKO?

Sezvakanyorwa naJakobho “tose tinokanganisa kazhinji,” saka bvunza vabereki vako kuti matambudziko api avaiva nawo pakudzora rurimi.—Jakobho 3:2.

[Mufananidzo uri papeji 20]

“Ukangosvina mushonga wokukwesha mazino hazvizoiti kuti uudzorere mukati. Ndizvowo zvakangofanana nemashoko atinotaura. Tikangodzimara tabudisa mashoko anorwadza hatigoni kuzoadzosa.”—James.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe