Zvevechiduku
Jesu Anokunda Muedzo
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa.
ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA MATEU 4:1-11.
Tsanangura kuti Jesu aiva murenje rakaita sei paakagaramo mazuva 40.
․․․․․
nofunga kuti inzwi roMuedzi rairatidza mafungiro akaita sei? ko raJesu?
․․․․․
DZAMISA PFUNGWA.
Satani akaratidza sei kuti iye munhu anongoda kuita zvinhu zvakamunakira paanenge awana mukana? (Verengazve ndima 2.)
․․․․․
Nei Dhiyabhorosi asina kungoratidza Jesu umambo hwenyika chete asi akamuratidzawo “kubwinya kwahwo”? (Verengazve ndima 8.)
․․․․․
Nei Satani akasarudza kuedza Jesu achimuratidza umambo?
․․․․․
(a) Muedzo mumwe nomumwe waSatani unoratidzei nezvemafungiro ake? ․․․․․
(b) Mapinduriro aiita Jesu pamuedzo mumwe nomumwe anoratidza sei kuti mafungiro ake akasiyana neaSatani? ․․․․․
ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .
Kuti miedzo inowanzouya kana zvaita sei.
․․․․․
Nzira dzakasiyana-siyana dzingashandiswa naSatani kutiedza.
․․․․․
Kuti tingakunda sei miedzo.
․․․․․
CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?
․․․․․