1. Tenga Noungwaru
KAZHINJI zvokudya zvaunodya zvinotanga zvasvika kumisika kana kuti muchitoro kunze kwokunge uchizvirimira woga. Paunotenga, ungasarudza sei zvokudya zvakanaka?
● Ziva chokutanga kutenga.
“Tanga nokutenga zvokudya zvisingaori, zvinoora wozozvitenga pakupedzisira,” rinokurudzira kudaro rimwe sangano rinoona nezvezvokudya rinonzi Food Safety Information Council riri kuAustralia. Uyewo kana uchitenga zvokudya zvinopisa, zvitenge paunenge wava kuda kuenda kumba.
● Tenga zvokudya zvisina kugarisa.
Pose pazvinokwanisika, tenga zvokudya zvisina kugarisa.a Ruth ane vana vaviri anogara kuNigeria, anoti: “Ndinowanzoenda kumusika achiri mangwanani-ngwanani zvokudya zvichangosvika.” Mumwewo anotenga pamisika ndiElizabeth anogara kuMexico. Anoti: “Kumusika ndinogona kutenga michero nemiriwo zvichangobva kutanwa uye ndinotora ndoga zvandinoda. Ndinowanzotengawo nyama inenge yaurayiwa musi iwoyo. Kana pane yandisiri kuda kubika ndinobva ndangoiisa mufiriji.”
● Ongorora zvokudya zvako.
Zvibvunze kuti: ‘Chokudya ichi kunze kwacho kuri kutaridzika zvakanaka here? Nyama iyi haisi kukanda kamunhuwi here?’ Kana zvokudya zvacho zvakatoputirwa, tarisisa kana maputiriro acho akanaka. Kana zvisina kuputirwa zvakanaka, izvi zvinogona kukonzera kuti utachiona hupinde mune zvokudya.
Chung Fai wokuHong Kong, anotenga zvokudya pachitoro, anoti: “Zvakakoshawo kuti utarise musi unonzi zvokudya izvi hazvisisina kunaka (expiry date).” Nemhaka yei? Nyanzvi dzezvoutano dzinoti kunyange musi uyu ukasvika, zvokudya zvacho zvinenge zvichiratidzika sezvichakanaka, zvichinhuwirira uye zvichiri kunaka, asi zvinogona kukurwarisa.
● Rongedza zvakanaka.
Kana uchishandisa pepabhegi kana chimwewo chinhu, chigeze nemvura inopisa ine sipo nguva dzose. Nyama uye hove ngazviputirwe pazvo zvoga kuitira kuti zvisashatisa zvimwe zvokudya.
Mumwe murume nomukadzi vanonzi Enrico naLoredana vokuItaly, vanotenga muzvitoro zviri pedyo nekwavanogara. Vanotsanangura kuti, “Kuita izvi kunoita kuti tisafamba madaro marefu nezvokudya, izvo zvingaita kuti zvokudya zvikanganisike.” Asi kana ukatenga zvokudya zvinogara mufiriji uye ukaona kuti uchapedza maminitsi anopfuura 30 usati wadzokera kumba, gara watoisa zvokudya zvacho mumabhegi anochengetedza chando, kana kuti zvichengetedze neimwe nzira inoita kuti zvirambe zvichitonhora.
Munyaya inotevera uchadzidza kuti ungaita sei kuti zvokudya zvako zvisakanganisika pashure pokunge wauya nazvo kumba.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “ZANO 1 Ngwarira Zvaunodya,” muMukai! yaApril-June 2011.
[Bhokisi riri papeji 14]
DZIDZISA VANA VAKO: “Ndinodzidzisa vana vangu kuti vasati vatenga vatarise musi unonzi zvokudya izvi hazvisisina kunaka pazvinhu zvakadai semachokoreti nezvimwewo zvakada kudaro.”—Ruth, Nigeria