RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g12 October pp. 20-24
  • Zvii Zvinofanira Kugadziriswa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvii Zvinofanira Kugadziriswa?
  • Mukai!—2012
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zviri Kunetsa Vanhu Pasi Rose
  • Zvibvumirano Nevagari Vemunyika
  • Vasungwa Veurombo
    Mukai!—1998
  • Zvii Zvawaizogadzirisa?
    Mukai!—2012
  • Nhenda Muzana Remakore Rechi20
    Mukai!—1997
  • Chii Chinokonzera Kushayikwa Kwedzimba?
    Mukai!—2005
Ona Zvimwe
Mukai!—2012
g12 October pp. 20-24

Zvii Zvinofanira Kugadziriswa?

“Hurumende haisi iyo ichagadzirisa matambudziko edu; asi kuti inotokonzera matambudziko.”—Aya mashoko akataurwa naRonald W. Reagan, paakagadzwa sapurezidhendi wechi40 kuUnited States.

PAVA nemakore anopfuura 30 Ronald Reagan ataura mashoko aya. Panguva iyoyo, United States yakanga yakatarisana nedambudziko guru “rokuderera kweupfumi kwakanyanya,” akadaro Reagan. “Hatisati tamboona kuderera kweupfumi kwakadaro uye kwatora nguva yakareba kudaro,” akatsanangura kudaro. “Kwemakumi emakore zvinhu zvanga zvichingoramba zvichiipa, tichiita zvisarudzo zvinotibatsira kwenguva pfupi asi zvichizokonzera matambudziko nekufamba kwenguva anozoramba aripo kwenguva refu. Zvinhu izvi zvikaramba zviripo, magariro evanhu, tsika, zvematongerwo enyika, uye upfumi hwenyika zvichakanganiswa chaizvo.”

Kunyange zvazvo Reagan aiita semunhu asina tariro, aitarisira kuti zvinhu zvaizonaka. Akati: “Tava nemakumi emakore tichitarisana nedambudziko rokuderera kweupfumi. Hariperi nemazuva, mavhiki, kana kuti nemwedzi, asi richapera.”

Ko zvinhu zvakamira sei mazuva ano? Mushumo wa2009 weDhipatimendi Rinoona Nezvedzimba Uye Kubudirira Kwemaguta muUnited States wakati: ‘Chiri kuita kuti zvinhu zvisamira zvakanaka inyaya yokuti dzimba, mishonga, zvipatara, nezvimwewo zviri kuita zvishoma. Chokwadi ndechokuti, UN-HABITAT iyo inomiririra United Nations ichitarisa zvingangoitika mumakore makumi matatu anotevera inoti, munhu mumwe chete pavatatu achange ava kurarama asina tariro, asina pokugara pakanaka uye mvura yakachena, utano hwake huchizokanganiswa nekuchinja kwemamiriro okunze, zvichiwedzera kupararira kwezvirwere zvakasiyana-siyana.’

Zviri Kunetsa Vanhu Pasi Rose

Pasinei nekwaunogara, funga nezvemibvunzo iyi:

● Mari yauri kuwana iri kukukwanira here kana uchienzanisa neyawaiwana makore gumi apfuura?

● Uri kugutsikana here nezvauri kuwana pakutarisirwa kweutano hwako uye hwemhuri yako?

● Nharaunda yaunogara yakachena uye iri kuvandudzika here?

● Unofunga kuti zvinhu zvichavandudzika here mumakore 10, 20, kana kuti 30 anotevera?

Zvibvumirano Nevagari Vemunyika

Hurumende dzakawanda dzinoita kuti pave nezvibvumirano zvinotaura nezvemabasa nekodzero zvinotarisirwa kuzadziswa nevatungamiriri uye vagari vemunyika. Somuenzaniso, vagari vemunyika vanotarisirwa kuti vatevedzere mitemo yemunyika mavo, kubvisa mitero, uye kubatsira pakuita kuti nharaunda igare yakachengeteka. Kune rimwewo divi vatungamiriri vanovimbisa kutarisirwa kweutano kwakanaka, kuenzaniswa kwemikana yevanhu, uye upfumi munyika.

Ndezvipi zviri kuitwa nehurumende pazvinhu izvi zvitatu? Ona zviri kuitika kubva pamapeji matatu anotevera.

Utano Hwakanaka

Zvinodiwa nevanhu: Kurapwa kusingadhuri uye kunonyatsobatsira.

Zviri kuitika:

● Mushumo weWorld Bank waitaura nezvepokugara pakanaka uye utsanana, wakati “zuva roga roga vana 6 000 vanofa nezvirwere zvinokonzerwa nekushaya pokugara pakanaka, kusava noutsanana, uye mvura isina kuchena. Chirwere chemanyoka chiri kuuraya mwana mumwe pamasekondi 20 oga oga.”

● Ongororo huru yakaitwa muna 2008 nesangano rezveutano rinonzi World Health Organization (WHO) pamusoro pekurapa “munyika dzakabudirira nedzisina,” yakabudisa kuti “marapirwo ari kuitwa vanhu haana kuenzana” uye “vanhu havasi kuwana kurapwa kwakakwana, kwakaenzana, uye kuri nyore kuwana.”

Makore maviri akazotevera, WHO yakaona kuti “hurumende dziri pasi rose dziri kutamburira kubhadhara mari dzine chokuita nekurapa. Chinoita kuti izvi zvidhure imhaka yokukwegura kwevanhu, kuwanda kwevanhu vanobatwa nezvirwere zvinoramba zviripo kwenguva refu, uye kugadzirwa kwemishonga mitsva inodhura.”

● Panyaya dzokurapa, pane zviri kuitika zvinotyisa: Mishonga yaimbonzi inorapa iye zvino haichashandi. Makore akapfuura, zvirwere zvaiuraya mamiriyoni evanhu zvakadai seTB, maperembudzi, zvakaderedzwa nemishonga iyo yakatanga kushandiswa kuma1940. Musi wakayeukwa zuva reWorld Health Day 2011, mushumo weWHO wakati “kunyuka nekupararira kweutachiona huri kuramba kuurayiwa nemishonga kwawedzera. Mishonga yakawanda yava kukundikana kuuraya utachiona. Mishonga iri kukurirwa simba.”

Chii chinofanira kugadziriswa? Tinoda kuona uprofita uhwu huri muBhaibheri huchizadziswa hwokuti hakuna “mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24.

Kururamisira Uye Kuenzaniswa Kwemikana Yevanhu

Zvinodiwa nevanhu: Vamwe vanhu vasatarisirwa pasi uye kuti vanhukadzi vasashungurudzwa uye kuenzaniswa kweupfumi pakati pevapfumi nevarombo.

Zviri kuitika:

● Mushumo wakabudiswa nerimwe sangano rinoona nezvekodzero dzevanhu rinonzi Leadership Conference on Civil Rights Education Fund wakati: “KuAmerica dambudziko rekurwiswa kunoitwa vanhu, masangano omunharaunda, uye kuparadzwa kwenzvimbo dzokunamatira riri kuwedzera nemhaka yorusaruro runokonzerwa nokusiyana kwerudzi, chitendero, kuva munhurume kana kuti munhukadzi, uye kwaunobva.”

● “Pasi rose vanhukadzi vakawanda vari kusangana nedambudziko rokusabatwa zvakanaka, kushungurudzwa uye kutarisirwa pasi, mungava mudzimba dzavo, mumabasa, kunyange kune dzimwewo nzvimbo,” rinodaro pepanhau rakabudiswa neUnited Nations raiva nenyaya yaiti Progress of the World’s Women: In Pursuit of Justice. Somuenzaniso muAfghanistan, vakadzi vanenge 85 pa100 voga voga havapiwi rubatsiro pakurapwa panguva yavanosununguka. Kunyika yeYemen, hakuna mitemo inorambidza mhirizhonga mudzimba. KuDemocratic Republic of the Congo (DRC), vakadzi vanopfuura 1 000 vanobatwa chibharo zuva roga roga.

● Muna October 2011, mukuru mukuru weSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose (U.N.) Ban Ki-moon akati: “Zvinhu zvinoitika panyika zvinoshamisa. Zvokudya zvakawanda asi vanhu vanokwana bhiriyoni vari kufa nenzara. Vashoma vanorarama upenyu hwoumbozha, asi vakawanda vari muurombo. Zvokurapa zvafambira mberi chaizvo asi zuva roga roga vanamai vari kufa panguva yokusununguka . . . Mabhiriyoni emari ari kushandiswa pakutenga zvombo zvokuuraya vanhu panzvimbo pokuvachengetedza.”

Chii chinofanira kugadziriswa? Tinoda kuona vanhu vasingatarisirwi pasi uye vanhukadzi vasingashungurudzwi uye kubviswa kwevanhu ‘vanodzivisa kururamisirwa kwavakadzvinyirirwa.’—Isaya 10:1, 2, Bhaibheri Dzvene muChiShona Chanhasi.

Upfumi Hwenyika

Zvinodiwa nevanhu: Munhu wose awane mabasa; mari yakamukwanira.

Zviri kuitika:

● Sangano reWorldwatch Institute rinoshuma kuti “kune vashandi vakawanda vanogona kuita kuti upfumi hwenyika husimbe, asi hapana mabasa anovakwanira vose. Nekuderera kwaita upfumi hwenyika, International Labor Organization (ILO) inofungidzira kuti vanhu vanosvika mamiriyoni 205 vakanga vasina mabasa muna 2010.”

● Nhau dzepaBBC dzakataura kuti: “Sangano reInternational Labour Organization (ILO) rakanyevera kuti mamiriro akaita upfumi hwenyika anogona kukonzera kurasikirwa nemabasa zvakanyanya izvo zvinogona kuzoita kuti pamuke mhirizhonga. Kuderera kuri kuita upfumi kunoratidza kuti vanhu vashoma ndivo vachangowana mabasa. . . . Boka [reILO] rakaonawo kusagutsikana kunoita vanhu nokushaya mabasa uye kutsamwa nekuti vamwe vanhu havasi kuita zvinhu nemazvo kuti vagadzirise dambudziko racho. Boka racho rakati mhirizhonga inogona kumuka munyika dzakawanda, kunyanya dziya dziri kuEurope uye munzvimbo dzechiArab.”

● MuUnited States, “vanhu vakawanda vane zvikwereti zvinopfuura $11 000, nhamba iyi yemari inopetwa katatu kana zvichienzaniswa nezvikwereti zvavaiva nazvo muna 1990,” rinodaro bhuku rinonzi The Narcissism Epidemic, rakabudiswa muna 2009. Sokutaura kwevanyori vacho, vakawanda vanopinda muchikwereti nemhaka yekuti vanenge vachida kunzi vakapfuma. Bhuku riya rambotaurwa rinoti: ‘Vanhu vokuAmerica pavanoona vanhu vaine motokari nembatya zvoumbozha vanobva vafunga kuti vanhu vacho vakapfuma. Asi zviri nani ndezvokuti ufunge kuti zvinhu zvoumbozha izvi zvakatengwa nechikwereti, ukadaro hauzonetseki uchida kufanana navo.’

Chii chinofanira kugadziriswa? Vanhu vose vanofanira kuwana mabasa, uye kushandisa zvakanaka mari yavanowana. Bhaibheri rinobvuma kuti “mari inodzivirira” asi rinonyeverawo kuti “kuda mari ndiwo mudzi wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose.”—Muparidzi 7:12; 1 Timoti 6:10.

Kubva pane zviri pamapeji 4 kusvika ku8, zvinoita sokuti ramangwana harina kujeka. Asi tariro iripo. Zvinhu zviri panyika zvichagadziriswa, asi hazvizoitwi nehurumende dzevanhu.

[Mufananidzo/Girafu riri papeji 21]

Ndezvipi zvinonzi nevechiduku vachagadzirisa panyika? Ongororo yakaitwa kuBritain yakabudiswa panzvimbo yepaIndaneti inonzi 4children.org, yakaratidza kuti vana 2 000 vari pamazera ari pakati pe4 ne14 vachagadzirisa zvinhu izvi:

[Girafu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

100%

KUPEDZA NZARA

KUGUMISA HONDO

KUPEDZA UROMBO

75%

VANHU VOSE VACHABATWA ZVAKAENZANA

KUGUMISA DAMBUDZIKO REKUCHINJA KWEMAMIRIRO EKUNZE

50%

25%

0%

[Bhokisi/Girafu riri papeji 21]

Ongororo yakaitwa nesangano reBertelsmann Foundation kuGermany muna 2009 yakaratidza zviri kunyanya kunetsa vechiduku vanenge 500 vari pamazera ari pakati pe14 ne18.

Zvimwe zvaionekwa nevechiduku sokunge kuti harisi dambudziko rakakura ugandanga uye kuwandisa kwevanhu. Pazvinhu zvavaida kuti zvigadziriswe, dambudziko remari raiva kwokupedzisira. Sangano reBertelsmann Foundation rakaona sokuti izvi zvinokonzerwa nekuti vechiduku havasati vambosangana nematambudziko aya.

[Girafu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

100%

75%

UROMBO

KUCHINJA KWEMAMIRIRO OKUNZE UYE KUPARADZWA KWENHARAUNDA

KUSHAIKWA KWEZVOKUDYA UYE MVURA YOKUNW

ZVIRWERE ZVIRI KUTAMBUDZA VANHU PASI ROSE

50%

25%

0%

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe