RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g 9/15 p. 6
  • Dambudziko: Manzwiro Asina Kunaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dambudziko: Manzwiro Asina Kunaka
  • Mukai!—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Kanda Kuzvidya Mwoyo Kwako Kwose Pana Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Ungakurira Sei Dambudziko Rokunzwa Usina Zvaunobatsira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mirangariro Yakashata—Unogona Kuikurira Here?
    Mukai!—1992
  • Jehovha Anogona Kukubatsira Paunombozvidya Mwoyo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
Ona Zvimwe
Mukai!—2015
g 9/15 p. 6
Gregory ari kunakidzwa nokuona zvinhu zvakasikwa

NYAYA IRI PAKAVHA | UPENYU HWAURI KURARAMA NDIHWO HWAWAIDA HERE?

Dambudziko: Manzwiro Asina Kunaka

PANE here paunombosuruvara, kungonzwa hasha kana kuti kungogumbuka? Kana zvichiitika kwauri pamwe imhaka yekuti uri kushaya nguva kana simba rekuita zvinhu zvinonyatsokosha. Saka woita sei?a

MUENZANISO WEMUBHAIBHERI: DHAVHIDHI

Mambo Dhavhidhi akasangana nematambudziko akawanda, akadai sekuzvidya mwoyo uye kusuruvara. Asi chii chakamubatsira kuti arambe achifara? Dhavhidhi akazvisiyira mumaoko aMwari. (1 Samueri 24:12, 15) Akanyorawo zvinhu zvaimunetsa. Uyewo nemhaka yekuti aitenda muna Mwari, aigara achinyengetera.b

ZVINOITWA NAGREGORY

Sezvambotaurwa munyaya yokutanga, Gregory ane chirwere chokuzvidya mwoyo. Anoti, “Ndaigara ndichinetseka mupfungwa zvakanyanyisa uye zvakanga zvisingachadzoreki.” Asi chii chakamubatsira kuti afare zvakare? Anoti, “Ndakabvuma kubatsirwa nemudzimai wangu uye neshamwari dzangu. Ndakaendawo kwachiremba ndikatsanangurirwa nezvechirwere changu. Pandakachinja mararamiro andaiita, dambudziko rangu rakadzikira, rakanga risingachanditadzisi kufara. Dzimwe nguva ndinombonetseka mupfungwa, asi ndava kunzwisisa chinozvikonzera uye ndava kuziva zvandinofanira kuita.”

“Mwoyo unofara unorapa.”—Zvirevo 17:22

ZVAUNGAITA

Kana paine zvinhu zviri kukutadzisa kufara, edza zvinotevera:

  • Nyora pasi zvinhu zvacho.

  • Udza hama yako kana kuti shamwari yako yepedyo.

  • Usakurumidza kupererwa. Somuenzaniso, zvibvunze kuti, ‘Chii chaicho chiri kumbozvikonzera?’

  • Usaramba uchingonetseka, wakatsamwa kana kuti wakangogumbuka. Asi ita zvimwe zvinhu zvinobatsira.c

Zvinonyanya Kukosha: Kazhinji chinotitadzisa kufara hazvisi zvinhu zvatiri kusangana nazvo asi maonero atinozviita.

a Dzimwe nguva kusuruvara, kunzwa hasha kana kuti kugumbuka zvinokonzerwa nechirwere chinenge chichitoda chiremba. Mukai! haitauri kuti marapiro api akanaka kudarika mamwe. Munhu anofanira kufunga, ozvisarudzira kuti orapwa sei.

b Mapisarema akawanda ari muBhaibheri minyengetero yakanyorwa naDhavhidhi.

c Kuti unzwe zvakawanda, verenga nyaya inoti, “Ungaitei Kana Uchizvidya Mwoyo,” iri muNharireyomurindi yaJuly 1, 2015.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe