RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g18 nha. 3 pp. 6-13
  • Zvaungaita Kuti Utsungirire Kana Wafirwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvaungaita Kuti Utsungirire Kana Wafirwa
  • Mukai!—2018
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • 1: BVUMA KUBATSIRWA NEHAMA NESHAMWARI
  • 2: IDYA ZVINE UTANO UYE ITA MAEKISESAIZI
  • 3: NYATSORARA
  • 4: ITA ZVINOKUSHANDIRA
  • 5: USAITA ZVINHU ZVINOKUKUVADZA
  • 6: TSVAGA ZVIMWE ZVEKUITA
  • 7: RONGA ZVINHU ZVAKO
  • 8: USAMHANYIRA KUITA ZVISARUDZO ZVAKAKURA
  • 9: CHENGETA ZVINHU ZVINOKUYEUCHIDZA HAMA YAKO
  • 10: CHIMBOITA ZVINOITA KUTI UFURWE NEMHEPO
  • 11: BATSIRA VAMWE
  • 12: ONGORORA ZVINHU ZVAUNOKOSHESA
  • Ndinogona Sei Kugara Nenhamo Yangu?
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • Ndingatsungirira Sei Marwadzo Ekufirwa?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • “Ndinogona Sei Kurarama Nenhamo Yangu?”
    Mukai!—1988
  • Mazano Ekubatsira Vakafirwa
    Mukai!—2018
Ona Zvimwe
Mukai!—2018
g18 nha. 3 pp. 6-13
Vanhu vari kutamba uye vachitorana mapikicha

MAZANO EKUBATSIRA VAKAFIRWA

Zvaungaita Kuti Utsungirire Kana Wafirwa

Mazano ezvaungaita kana wafirwa igumi nefararira asi mamwe acho haanyatsoshandi. Chimwe chinoita kuti asashanda ndechekuti vanhu havarwadziwi zvakafanana. Zvinobatsira mumwe zvinogona kusabatsira kune mumwe.

Asi pane mamwe mazano ari kubatsira vakawanda. Mazano acho anowanzotaurwa nezvawo nanachipangamazano, uye anoenderana nezviri muBhaibheri.

1: BVUMA KUBATSIRWA NEHAMA NESHAMWARI

  • Vanhu vari kutamba uye vachitorana mapikicha

    Vamwe vanachipangamazano vanoti kuita izvi kunobatsira chaizvo kuti munhu asaramba achishungurudzika. Asi pane dzimwe nguva unogona kunzwa kuda kungova wega. Unogona kutogumbukira vanhu vanenge vachida kukubatsira. Ngazvisakushamisa nekuti ndizvo zvinoitika kumunhu kana afirwa.

  • Hazvina kuipa kumbova wega, asi usazobva wadzingira vanhu kure nekuti mangwana uchazoda kuti vakubatsire. Vaudze zvaunoda kubatsirwa uye zvaunokwanisa kuzviitira wega, asi taura zvakanaka.

  • Iva nenguva yekuva wega asi usabva wazonyanyisa kungoramba uri wega.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Vaviri vari nani kupfuura mumwe chete, . . . Nokuti kana mumwe wavo akawa, mumwe wacho anogona kusimudza mumwe wake.”​—Muparidzi 4:9, 10.

2: IDYA ZVINE UTANO UYE ITA MAEKISESAIZI

  • Kudya zvinhu zvinovaka muviri kunogona kukubatsira kuti usazonyanya kuita matambudziko eutano anokonzerwa nekushungurudzika. Idya michero yakasiyana-siyana, miriwo, uye zvinhu zvisina mafuta akawanda.

  • Inwa mvura yakawanda uye zvimwe zvinwiwa zvine utano.

  • Kana uchinzwa usiri kuda kudya, idya zvinhu zvishoma wozviita kakati wandei mukati mezuva. Unogona kuona chiremba kuti akuudze zvimwe zvaunogona kushandisa.a

  • Kufamba uye kuita maekisesaizi kunobatsira kuti usanyanya kufungisisa. Kuita maekisesaizi kunokupa mukana wekufunga kuti zvii zvaungaita kuti uenderere mberi neupenyu kana kuti kufunga zvimwewo zvinhu.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: ‘Hapana munhu akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira.’​—VaEfeso 5:29.

3: NYATSORARA

  • Mubhedha

    Kurara kwagara kunokosha, asi kunotonyanya kukosha kune vanenge vachishungurudzika nekuti kushungurudzika pachako kunonetesa.

  • Usanyanya kudya zvinhu zvine caffeine kana kunwa doro nekuti zvinovhiringa hope.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.”​—Muparidzi 4:6.

4: ITA ZVINOKUSHANDIRA

  • Mukadzi akafirwa ari kuudza shamwari yake zviri kumunetsa

    Yeuka kuti vanhu vanosiyana pakurwadziwa. Iwe ndiwe unoona kuti ndezvipi zvingaita kuti usanyanya kurwadziwa.

  • Vakawanda vakaona zvichibatsira kuudza vamwe zvinenge zvichivashungurudza, asi vamwe havafariri kutaura nezvazvo. Vanachipangamazano vanotaura zvakasiyana-siyana nezvekuti zvinobatsira here kuudza mumwe munhu zvinenge zvichikushungurudza. Kana uchizeza kuudza mumwe munhu zviri pamwoyo pako, unogona kutanga nekuudza shamwari yako zvimwewo zvinhu zvidiki zvinokunetsa.

  • Vamwe vanoona kuchema kuchivabatsira asi vamwe vanotanga kunzwa zviri nani kunyange vasina kunyanya kuchema.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Mwoyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo.”​—Zvirevo 14:10, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

5: USAITA ZVINHU ZVINOKUKUVADZA

  • Murume ari kunwa doro

    Vamwe vanoedza kushandisa zvinhu zvinodhaka kana kuti kunwa mishonga zvakapfurikidza kuti vaderedze kushungurudzika. Kuita izvi kunokukuvadza. Unogona kunzwa zviri nani kwenguva pfupi asi zvinokupinza mune mamwe matambudziko. Tsvaga dzimwe nzira dzisingakuvadzi.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa.”​—2 VaKorinde 7:1.

6: TSVAGA ZVIMWE ZVEKUITA

  • Vakawanda vanoona zvichibatsira kumbopota vachiita zvimwe zvinhu zvinoita kuti vasafunga nezvekufirwa kwavakaitwa.

  • Kutsvaga zvinhu zvinokuvaraidza, kudzidzira zvimwe zvinhu uye kusimbisa ushamwari kana kuti kutsvaga dzimwe, kunogona kukubatsira kuti unzwe zviri nani.

  • Nekufamba kwenguva uchaona kuti nguva yakawanda yava kuperera pazvimwe zvinhu pane kungofunga nezvekufirwa kwawakaitwa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, . . . nguva yokusvimha misodzi nenguva yokuseka; nguva yokuungudza nenguva yokusvetuka-svetuka.”​—Muparidzi 3:1, 4.

7: RONGA ZVINHU ZVAKO

  • Mukadzi ari kunyora pakarenda zvaachada kuzoita

    Chitanga kuronga zvinhu zvako kuti uenderere mberi neupenyu.

  • Ukaronga nguva yako yekurara, yekuita basa uye yekuita zvimwewo zvinhu uchaona zvichikuitira nyore kuti uenderere mberi neupenyu.

  • Ukava nezvekuita zvinogona kukubatsira kuti usanyanya kushungurudzika.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Haazoyeuki mazuva oupenyu hwake kazhinji, nokuti Mwari wechokwadi ari kumubatikanisa nokufara kwomwoyo wake.”​—Muparidzi 5:20.

8: USAMHANYIRA KUITA ZVISARUDZO ZVAKAKURA

  • Vaya vanomhanyira kuita zvisarudzo zvakakura vachangobva kufirwa vanozozvidemba.

  • Kana zvichiita, imboti mirei kutama, kutsvaga rimwe basa, kugova kana kuti kutengesa zvinhu zvemufi.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira, asi munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.”​—Zvirevo 21:5.

9: CHENGETA ZVINHU ZVINOKUYEUCHIDZA HAMA YAKO

  • Murume ari kuratidza shamwari dzake mapikicha emudzimai wake akashaya

    Vakawanda vakafirwa vanoona zvichibatsira kuita zvinhu zvinovayeuchidza nezvehama yavo yakafa.

  • Kuchengeta mapikicha, zvimwe zvinhu zvemufi kana kuti kunyora mubhuku zvimwe zvinhu zvaunoda kuzoyeuka, kunogona kukunyaradza.

  • Chengeta zvinhu zvinokuyeuchidza nguva dzamaifara kuitira paunenge wava kuda kuzozviona.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Yeukai mazuva ekare.”​—Dheuteronomio 32:7.

10: CHIMBOITA ZVINOITA KUTI UFURWE NEMHEPO

  • Unogona kumboshanya.

  • Kana usingakwanisi kushanya kwenguva yakareba, unogona kutsvaga zvekuita kwezuva rimwe chete kana kuti maviri, zvakadai sekuenda kumiziyamu, kunoredza hove, kana kuti kunoona imwe nzvimbo inoyevedza.

  • Kunyange kuita zvimwe zvinhu zvausingagari uchiita mazuva ese kunogona kukubatsira kuti uderedze kushungurudzika.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Uyai, imi, muri moga kunzvimbo isina vanhu muzorore zvishoma.”​—Mako 6:31.

11: BATSIRA VAMWE

  • Mukadzi ari kubatsira vamwe mbuya kutenga zvinhu

    Kubatsira vamwe kuchaita kuti iwe wacho unzwewo zviri nani.

  • Unogona kutanga nekubatsira vaya vari kurwadziwawo nekufa kwaita hama yako, vakadai seshamwari kana kuti dzimwe hama.

  • Kubatsira uye kunyaradza vamwe kunoita kuti ufare uye unzwe kuti uchiine zvimwe zvaunogona kuitawo.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”​—Mabasa 20:35.

12: ONGORORA ZVINHU ZVAUNOKOSHESA

  • Kufirwa kunogona kukupa mukana wekuti uone zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu.

  • Shandisa mukana iwoyo kuongorora mararamiro auri kuita.

  • Ukaona kuti pane panoda kugadziriswa ibva wapagadzirisa.

ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI: “Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pane kuenda kuimba yemabiko, nokuti ndiwo mugumo wevanhu vose; uye munhu mupenyu anofanira kuzvifungisisa nomwoyo wake.”​—Muparidzi 7:2.

ZVAUNGAITA KANA WAFIRWA | PFUPISO

  • 1: BVUMA KUBATSIRWA NEHAMA NESHAMWARI

    Iva nenguva yekuva wega asi usabva wazonyanyisa kungoramba uri wega.

  • 2: IDYA ZVINE UTANO UYE ITA MAEKISESAIZI

    Idya zvinhu zvinovaka muviri, inwa mvura yakawanda, uye ita maekisesaizi.

  • 3: NYATSORARA

    Yeuka kuti kurara kunokosha nekuti kushungurudzika kunonetesa.

  • 4: ITA ZVINOKUSHANDIRA

    Vanhu vanosiyana pakurwadziwa, saka ona kuti ndezvipi zvingaita kuti usanyanya kurwadziwa.

  • 5: USAITA ZVINHU ZVINOKUKUVADZA

    Usadhakwa nekuti zvinotokupinza mune mamwe matambudziko.

  • 6: TSVAGA ZVIMWE ZVEKUITA

    Pota uchiita zvimwe zvinhu zvinoita kuti usafunga nezvekufirwa kwawakaitwa.

  • 7: RONGA ZVINHU ZVAKO

    Ukaronga zvinhu zvako, zvinokuitira nyore kuti uenderere mberi neupenyu.

  • 8: USAMHANYIRA KUITA ZVISARUDZO ZVAKAKURA

    Kana zvichiita, imbomira kwegore kana kuti kupfuura usati waita zvisarudzo zvakakura zvaungazodemba.

  • 9: CHENGETA ZVINHU ZVINOKUYEUCHIDZA HAMA YAKO

    Chengeta mapikicha, zvimwe zvinhu zvemufi kana kuti nyora mubhuku zvimwe zvinhu zvaunoda kuzoyeuka.

  • 10: CHIMBOITA ZVINOITA KUTI UFURWE NEMHEPO

    Ita zvimwe zvinhu zvausingagari uchiita kunyange kwezuva rimwe chete kana kuti maawa.

  • 11: BATSIRA VAMWE

    Batsira vamwe kusanganisira vaya vari kurwadziwawo nekufa kwakaita hama yako. Izvi zvinoita kuti unzwe kuti uchiine zvimwe zvaunogona kuitawo.

  • 12: ONGORORA ZVINHU ZVAUNOKOSHESA

    Kufirwa kunogona kukupa mukana wekuti uone zvinhu zvinonyanya kukosha muupenyu uye ukaona kuti pane panoda kugadziriswa ibva wapagadzirisa.

Chokwadi ndechekuti hapana zvingaita kuti marwadzo ako abve apera zvachose. Asi vakawanda vakafirwa vanotaura kuti kushandisa mazano akaita seataurwa munyaya ino kwakavabatsira chaizvo. Mazano aya handiwo ega anobatsira, asi ukaedza kushandisa mamwe acho uchaona kuti uchatanga kunzwa zviri nani.

a Mukai! haisarudziri munhu kuti orapwa sei.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe