Ndinogona Sei Kugara Nenhamo Yangu?
“NDAKANZWA dzvinyiriro yakawanda pandiri yokudzvinyirira kunzwa kwangu,” anotsanangura kudaro Mike mukuyeuka rufu rwababa vake. Kuna Mike, kudzvinyirira nhamo yake chakanga chiri chinhu choushingi chokuita. Bva gare gare akaziva kuti akanga asina kururama. Naizvozvo apo shamwari yaMike yakarasikirwa nasekuru vayo, Mike akaziva chokuita. Iye anoti: “Makore mashomanene apfuura, ndingadai ndakamubhabhadzira papfudzi ndokuti, ‘Shinga.’ Zvino ndakabata ruoko rwake ndokuti, ‘Inzwa nenzira ipi neipi yaunofanira kunzwa nayo. Kuchakubetsera kubata nayo. Kana uchida kuti ndiende, ndichaenda. Kana uchida kuti ndigare, ndichagara. Asi usatya kunzwa.’”
MaryAnne akanzwawo dzvinyiriro yokudzvinyirira kunzwa kwake apo murume wake akafa. “Ndakanetseka kwazvo pamusoro pokuva muenzaniso wakanaka kuvamwe,” anoyeuka kudaro, “zvokuti handina kuzvibvumidza ndimene kunzwa kwomuzvarirwo. Asi pakupedzisira ndakaziva kuti kuedza kuva shongwe yesimba nokuda kwavamwe kwakanga kusiri kundibetsera. Ndakavamba kukamuranisa mugariro wangu ndichiti, ‘Chema kana uchifanira kuchema. Usaedze kuva akasimba zvikuru. Pedza shungu dzako.’”
Naizvozvo vose vari vaviri Mike naMaryAnne vanorumbidza, kuti: Zvirege umene uchitambudzika! Uye vakarurama. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti kutambudzika kusunungurwa kwendangariro kuri madikanwa. Kusunungura kunzwa kwako kunogona kusunungura dzvinyiriro yauri mairi. Kuratidzirwa kwomuzvarirwo kwemirangariro, kana kukabatanidzwa nenzwisiso namashoko akarurama, kunoita kuti uise kunzwa kwako munzvimbo yakafanira.
Chokwadika, haasati ari munhu ari wose anoratidzira nhamo nenzira imwe cheteyo. Uye zvinhu zvakadai sokuti kana mudiwa akafa kamwe kamwe kana kuti rufu rwakauya pashure pechirwere chenguva refu zvingava nechokuita nokuita kwemirangariro yavapenyu. Asi chinhu chimwe chinoratidzika kuva chechokwadi: Kudzvinyirira kunzwa kwako kunogona kuva kunokuvadza mose muri muviri mumuviri nomumirangariro. Kwakanaka zvikuru kusunungura nhamo yako. Seiko? Magwaro ane zano rinoshanda.
Kusunungura Nhamo—Seiko?
Kutaura kunogona kuva kusunungura kunobetsera. Pashure porufu rwavane gumi vose vavana vake, pamwe chete nedzimwe ngwavaira dzomunhu oga, tateguru wakare Jobho akati: “Mwoyo wangu waneta noupenyu hwangu; handingazvidzori [chiHebheru, “kusunungura”] pakunyunyuta kwangu; ndichataura neshungu dzemwoyo wangu.” (Jobho 1:2, 18, 19; 10:1) Jobho akanga asati achagona kudzora nhamo yake. Aida kuisunungura; aifanira ku“taura.” Nenzira yakafanana, munyori wezvinoitika weEngland Shakespeare akanyora muMacbeth, kuti: “Taura mashoko okusuruvara; mwana asingachemi anofira mumbereko.”
Naizvozvo kutaura pamusoro pokunzwa kwako ku“shamwari yechokwadi” iyo ichateerera nokushivirira nokunzwira tsitsi kunogona kuunza mwero wakati wenyaradzo. (Zvirevo 17:17, NW) Kutaura zvinoitika nokunzwa kazhinji kazhinji kunoita kuti kuve nyore zvikuru kuzvinzwisisa nokubata nazvo. Uye kana muteereri ari mumwe munhu akafirwa uyo akabata nenzira inobudirira nokurasikirwa kwake amene, ungakwanisa kuwana zvikarakadzo zvinoshanda pamusoro pokuti unogona sei kubudirira. Apo mwana wavo akafa, vamwe amai vakatsanangura chikonzero nei kwakabetsera kutaura kuno mumwe mukadzi akanga atarisana nokurasikirwa kwakafanana: “Kuziva kuti mumwe munhuwo zvake akanga apfuura nomuchinhu chimwe chetecho, akanga abuda zvakanaka machiri, uye kuti akanga achiri kurarama uye achiwana rudzi rwakati rwenhevedzano muupenyu hwake zvakare kwakanga kuchisimbisa zvikuru kwandiri.”
Mienzaniso yeBhaibheri inoratidza kuti kunyora kunzwa kwako kungakubetsera kutaura nhamo yako
Zvakadiniko kana usina kusununguka kutaura pamusoro pokunzwa kwako? Pashure porufu rwaSauro naJonatani, Dhavhidhi akaronga rwiyo runonzwisa urombo zvikuru umo iye akataura nhamo yake. Rwiyo urwu rwokuchema pakupedzisira rwakava rutivi rwechinyorwa chakanyorwa chebhuku reBhaibheri raSamueri Wechipiri. (2 Samueri 1:17-27; 2 Makoronike 35:25) Nenzira yakafanana, vamwe vanokuwana kuri nyore zvikuru kutaura ivo vamene nokunyora. Imwe chirikadzi yakashuma kuti yainyora kunzwa kwayo uye ipapo mazuva akati gare gare kurava zvayakanga yanyora. Yakawana ikoku kuva kusunungura kunobetsera.
Kungava kupfurikidza nokutaura kana kuti nokunyora, kutaura kunzwa kwako kunogona kukubetsera kusunungura nhamo yako. Kunogona kubetserawo kujekesa kusanzwisisa. Vamwe amai vakafirwa vanotsanangura, kuti: “Murume wangu neni takanzwa nezvavamwe varoorani vakachatanurana pashure pokurasikirwa nomwana, uye takanga tisingadi kuti ikoko kuitike kwatiri. Naizvozvo nguva ipi neipi tainzwa takashatirwa, tichida kushorana, taitaura ndokusvika mhedziso. Ndinofunga kuti takaswederana pedyo zvikuru chaizvoizvo kupfurikidza nokuita izvozvo.” Nokudaro, kuita kuti kunzwa kwako kuzivikanwe kunogona kukubetsera kunzwisisa kuti kunyange zvazvo ungave uchigoverana kurasikirwa kumwe cheteko, vamwe vangatambudzika zvakasiyana—pamwero wavo vamene uye nenzira yavo vamene.
Chimwe chinhuzve chinogona kuyamura kusunungurwa kwenhamo kuchema. Kune “nguva yokuchema,” Bhaibheri rinodaro. (Muparidzi 3:1, 4) Zvirokwazvo rufu rwomumwe munhu watinoda runounza nguva yakadaro. Kubudisa misodzi yenhamo kunoratidzika kuva rutivi rwuri madikanwa rwomuitiro wokupora.
Mumwe mukadzi muduku anotsanangura kuti shamwari yapedyo yakamubetsera sei kubudirira apo amai vake vakafa. Iye anoyeuka, kuti: “Shamwari yangu yaivapo nguva dzose nokuda kwangu. Yaichema neni. Yaitaura neni. Ndaigona kuva akajeka kwazvo nemirangariro yangu, uye ikoko kwakanga kuchikosha kwandiri. Handina kufanira kuva anokwenudzwa pamusoro pokuchema.” (Ona VaRoma 12:15.) Uyewo hausati uchifanira kunzwa uchinyadziswa nemisodzi yako. Sezvataona, Bhaibheri rakazadzwa nemienzaniso yavarume navakadzi vokutenda—kubatanidza Jesu Kristu—vakabudisa misodzi pachena yenhamo pasina kwenudzo ipi neipi iri pachena.—Genesi 50:3; 2 Samueri 1:11, 12; Johane 11:33, 35.
Mutsika iri yose, vanhu vanotambudzika vanoonga kugamuchira nyaradzo
Ungawana kuti kwenguva yakati mirangariro yako ichava yakati ivei isingadeyi kutaurwa. Misodzi ingayerera pasina nyevero huru yapachine nguva mberi. Imwe chirikadzi yakawana kuti kutenga musupamaketi (chimwe chinhu chaakanga awanzoita nomurume wake) kwaigona kuyiita kuti icheme, zvikurukuru apo, netsika, aitora zvinhu zvakanga zvave zviri zvinodiwa zvikuru nomurume wake. Zvishivirire umene. Uye usanzwa kuti unofanira kudzivisa misodzi. Yeuka, ndeyomusikirirwo uye rutivi rwuri madikanwa rwokutambudzika.
Kubata Nokuva Nemhaka
Sezvacherechedzwa kare, vamwe vanova nokunzwa kwokuva nemhaka pashure pokurasikirwa nomudiwa murufu. Ikoku kungabetsera kutsanangura nhamo huru yomurume akatendeka Jakobho apo akatungamirirwa kudavira kuti mwanakomana wake Josefa akanga aurawa ne“chikara.” Jakobho amene akanga atuma Josefa kundonzvera garikano yavakoma vake. Naizvozvo Jakobho sezvingabvira akanetswa nokunzwa kwokuva nemhaka, zvakadai sokuti ‘Neiko ndakatuma Josefa ari oga? Neiko ndakamutuma kuti apinde munharaunda yakazara nezvikara?’—Genesi 37:33-35.
Zvichida unonzwa kuti regeredzo yako yakati yakaparira rufu rwomudiwa wako. Kuziva kuti kuva nemhaka—chaikoiko kana kuti kunofungidzirwa—kuita kwenhamo kwomuzvarirwo kunogona kuva kunobetsera makuri kumene. Pano zvakare, usangozvichengetera zvako umene kunzwa ikoko. Kutaura pamusoro pokuti unonzwa une mhaka sei kunogona kugovera rusununguko runodikanwa zvikuru.
Ziva, kunyanguvezvo, kuti hazvinei hazvo nokuti tinoda sei mumwe munhu, hatigoni kudzora upenyu hwake, uyewo hatigoni kudzivisa “nguva nezvinoitika” kuwira avo tinoda. (Muparidzi 9:11) Kunze kwezvo, pasina panikiro vavariro dzako dzakanga dzisina kushata. Somuenzaniso, mukusakurumidza zvikuru kuita rangano yachiremba, wairangarira kuti mudiwa wako arware ndokufa here? Chokwadika kwete! Ipapo une mhaka chaizvoizvo yokuparira rufu rwaiyeyo here? Aiwa.
Vamwe amai vakadzidza kubata nokuva nemhaka pashure pokunge mwanasikana wavo afira mutsaona yemotokari. Ivo vanotsanangura, kuti: “Ndakanzwa ndine mhaka kuti ndakanga ndamutuma. Asi ndakasvika pakuziva kuti kwaiva kwoupenzi kunzwa nenzira iyeyo. Pakanga pasina chinhu chakaipa nokumutuma nababa vake kuita rwendo. Yaingova chete tsaona inotyisa.”
‘Asi kwaiva nezvinhu zvakawanda kwazvo zvandinoshuva kuti kudai ndakataura kana kuti kuita,’ ungadaro. Chokwadi, asi ndiani wedu anogona kutaura kuti ndave ndiri baba, amai, kana kuti mwana akakwana? Bhaibheri rinotiyeuchidza, kuti: “Nokuti tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana.” (Jakobho 3:2; VaRoma 5:12) Naizvozvo gamuchira idi rokuti hauna kukwana. Kuramba uchifunga marudzi ose a“vanakudai bedzi” hakusati kuchizochinja chinhu chipi nechipi, asi kungaderedza kunaya kwako.
Kana une zvikonzero zvakanaka zvokudavira kuti kuva nemhaka kwako chaikoiko, hakufungidzirwi, ipapo rangarira chinhu chinokosha zvikurusa chazvose mukunyaradza kuva nemhaka—kanganwiro yaMwari. Bhaibheri rinotivimbisa, kuti: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe? Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri.” (Pisarema 130:3, 4) Haugoni kudzokera kunguva yakapfuura ndokuchinja chinhu chipi nechipi. Unogona, kunyanguvezvo, kukumbira kanganwiro yaMwari nokuda kwezvikanganiso zvomunguva yakapfuura. Ipapo woitei? Eya, kana Mwari achipikira kukanganwira zvomunguva yakapfuura, haufaniriwo here kuzvikanganwira umene?—Zvirevo 28:13; 1 Johane 1:9.
Kubata Nehasha
Unonzwawo wakati tsamwirei, zvichida vanachiremba, vakoti, shamwari, kana kuti kunyange uyo akafa here? Ziva kuti ikokuwo kuita kwavose kukurasikirwa. Zvichida hasha dzako kuperekedzwa kwomusikirwo kwekuvadziko yaunonzwa. Mumwe munyori akati: “Kupfurikidza bedzi nokuziva hasha—kwete kuita chimwe chinhu pamusoro padzo asi kuziva kuti unodzinzwa—unogona kusununguka pamuuyo wadzo unoparadza.”
Kungabetserawo kuratidzira kana kuti kugoverana hasha. Seiko? Zvamazvirokwazvo kwete mukufufutirwa kusingadzorwi. Bhaibheri rinonyevera kuti hasha dzenguva refu dzine ngozi. (Zvirevo 14:29, 30) Asi ungawana nyaradzo mukutaura pamusoro padzo neshamwari inonzwisisa. Uye vamwe vanowana kuti kurovedza muviri kwakasimba apo vanenge vakashatirwa kusunungura kunobetsera.—Onawo VaEfeso 4:25, 26.
Nepo kuchikosha kuva akajeka naakatendeseka pamusoro pokunzwa kwako, shoko renyevero rakafanira. Pane musiyano mukuru uri pakati pokutaura kunzwa kwako nokukuratidza pana vamwe. Hapana kudikanwa kwokushora vamwe nokuda kwehasha dzako nekangaidziko. Naizvozvo ngwarira kutaura kunzwa kwako, asi kwete nenzira youtsinye. (Zvirevo 18:21) Kune yamuro imwe yakatanhamara mukugonana nenhamo, uye zvino tichaikurukura.
Betsero Inobva Kuna Mwari
Bhaibheri rinotivimbisa, kuti: “Jehovha uri pedyo navane mwoyo yakaputsika, unoponesa vane mweya yakapwanyika.” (Pisarema 34:18) Hungu, kupfuura chimwe chinhu chipi nechipi, ukama naMwari hunogona kukubetsera kugonana norufu rwomumwe munhu waunoda. Seiko? Zvikarakadzo zvose zvinoshanda zvapiwa kusvikira panguva ino zvakavakirwa kana kuti zvinotsinhirana neShoko raMwari, Bhaibheri. Kuzvishandisa kunogona kukubetsera kuita nokubudirira.
Mukuwedzera, usarerutsa ukoshi hwomunyengetero. Bhaibheri rinotikurudzira, kuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa.” (Pisarema 55:22) Kana kutaura kunzwa kwako kwose neshamwari inonzwira tsitsi kuchigona kubetsera, kutaura zviri mumwoyo mako kuna “Mwari wokunyaradza kwose” kuchakubetsera zvikuru sei!—2 VaKorinte 1:3.
Hakusati kuri kuti munyengetero unongotiita kuti tinzwe zviri nani. “Munzwi womunyengetero” anopikira kupa mudzimu mutsvene kuvabatiri vake vanoukumbira zvapachokwadi. (Pisarema 65:2, NW; Ruka 11:13) Uye mudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinobata basa, unogona kukushongedzera ne“simba rinopfuura romuzvarirwo” rokubva pazuva rimwe kuenda kurinotevera. (2 VaKorinte 4:7, NW) Yeuka: Mwari anogona kubetsera vabatiri vake vakatendeka kutsungirira chinetso chipi nechipi uye chiri chose chavangatarisana nacho.
Mumwe mukadzi uyo akarasikirwa nomwana murufu anoyeuka kuti simba romunyengetero rakamubetsera sei nomurume wake mukurasikirwa kwavo. “Kana taiva pamusha usiku uye nhamo yakava chete isingakundiki, tainyengetera pamwe chete zvinonzwika,” anotsanangura kudaro. “Nguva yokutanga yataifanira kuita chinhu chipi nechipi tisinaye—musangano wokutanga weungano watakaenda kwauri, kokorodzano yokutanga yatakapinda—tainyengeterera simba. Apo taimuka mumangwanani uye zvomene yako kwose yakaratidzika kuva isingatsungirirwi, tainyengetera kuna Jehovha kuti atibetsere. Nokuda kwechikonzero chakati, kwakanga kuchikuvadza chaizvoizvo kuti ndifambe ndichipinda mumba ndiri ndoga. Uye naizvozvo nguva iri yose ndaisvika pamusha ndiri ndoga, ndaingotaura munyengetero kuna Jehovha kuti andibetsere ndapota kuchengeta rudzi rwakati rwokuterama.” Mukadzi iyeyo akatendeka anodavira zvakasimba uye zvakarurama kuti minyengetero iyoyo yakaita musiyano. Iwewo ungawana ikoko mumhinduro kuminyengetero yako yenguva dzose, ‘rugare rwaMwari runopfuura mufungo wose rucharinda mwoyo wako namasimba ako endangariro.’—VaFiripi 4:6, 7; VaRoma 12:12.
Betsero iyo Mwari anogovera inoita musiyano. Muapostora wechiKristu Pauro akataura kuti Mwari “unotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti isu tose tive nesimba rokunyaradza vari mukutambudzika kupi nokupi.” Chokwadi, betsero youmwari haibvisi marwadzo, asi inogona kuaita kuti ave ari nyore zvikuru kutsungirira. Ikoko hakurevi kuti hausati uchizochema kana kuti uchakanganwa mudiwa wako. Asi unogona kunaya. Uye sezvaunodaro, icho wakatambura chinogona kukuita anonzwisisa zvikuru naanonzwira tsitsi mukubetsera vamwe kugonana nokurasikirwa kwakafanana.—2 VaKorinte 1:4.