Sumo
Vanhu vanotaura zvakasiyana-siyana nezvematangiro akaita upenyu panyika uye zvinhu zviri muchadenga. Magazini ino yeMukai! ichakubatsira kuti uongorore nyaya iyi, wosarudza kuti wobvuma zvipi. Zvinhu zviri muchadenga zvakangoerekana zvavapo zvega here kana kuti zvakasikwa naMwari? Kuziva chokwadi nezvenyaya iyi kuchakubatsira zvakanyanya.