Fundo 23
Inzwi uye Kutindika
1, 2. Nei tichifanira kutaura zvinonzwika zvakakwana?
1 Kutoti vamwe vachigona kukunzwa nyore nyore, ukoshi hwezvaunotaura hucharashika. Kune rumwe rutivi, kana inzwi rako rakanyanyokurisa, rinogona kushatirisa vateereri ndokubvisa mifungo yakaisvonaka yawagadzirira. Kufanira kwedu kuitira hanya inzwi rakakwana kuri pachena muHoro dzoUmambo zhinji, umo avo vanotsinhira pamisangano vari mberi kwehoro vachiwanzosanzwiwa naavo vari shure. Padzimwe nguva anotaura ari pachikuva anoshaya inzwi rakakwana naizvozvo ndokukundikana kukurudzira vateereri vake. Mubasa romumundawo, tinosangana navanhu vanotamburira kunzwa uye pane ruzha rwokukwikwidzana narwo, rungava rwuchibva mukati memisha yatinoshanyira kana kuti kunze. Kwose ikoku kunoratidzira kuti tinofanira kungwarira inzwi rakafanira.
2 Rinonzwika zvakakwana kuti rinzwike zvakanaka. Chinofanira kutanga kurangarirwa kuti uzive kuti woshandisa inzwi guru sei chinonzverwa zvakanakisisa nomubvunzo wokuti, Simba riri madikanwa renzwi rashandiswa here? Ndiko kuti, wanzwiwa here mumutsara weshure usingaitiri ruzha vari mberi? Ichocho chingava chokurangarira chakanaka nokuda kwomudzidzi ari kuvamba, asi avo vafambira mberi zvikuru vanofanira kuedza kubatawo mativi anotevera enhau. Mutariri wechikoro anofanira kuziva kuti mudzidzi mumwe nomumwe anofanira kupiwa zano pairi vara kusvikira patambanukoi.
3-10. Mamiriroi ezvinhu anobetsera kusarudza ukuru hwenzwi hwatinofanira kushandisa?
3 Inzwi rinofanira kukodzera mamiriro ezvinhu. Mukurukuri anofanira kuziva mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana anotaura maari. Kunokudza masimba ake okunzwisisa, kunoita kuti ave anochinjika zvikuru uye kunomubvumira kusvika uye kubata vateereri norusununguko zvikuru.
4 Mamiriro ezvinhu anosiyana muhoro nehoro uye nokuwanda kwavateereri. Kuti udzore mamiriro ezvinhu unofanira kudzora inzwi rako. Kukurukura hurukuro muHoro yoUmambo kunoda inzwi guru kupfuura mukamuri rokutandarira romunhu achangobva kufarira. Kupfuurirazve, boka duku riri pedyo napamberi pehoro, sapamusangano webasa romumunda, richada inzwi duku kupfuura apo horo inenge yakazadzwa, sapamusangano webasa.
5 Kunyange aya mamiriro ezvinhu haasi enguva dzose. Ruzha rwakamwe kamwe rwunomuka kunze uye mukati mehoro yacho. Kupfuura kwemotokari, chitima chiri pedyo, ruzha rukuru rwemhuka, kuchema kwavana, anonoka kusvika—zvose izvozvi zvinoda kuchinja simba renzwi rako. Kukundikana kuzviziva ndokuzvitsiva nenzwi kuchaparira chimwe chinhu, zvichida pfundo rinokosha, kupotswa.
6 Ungano zhinji dzine mamaikorofoni. Asi kana kungwarira kukasashandiswa mukuashandisa, uye inzwi richichinja zvikuru kubva pakukwira kusvikira pakupfava, kungava kuri madikanwa kupa mudzidzi zano nokuda kwaaya mamiriro ezvinhu. (Ona Fundo 13 pamusoro pokushandiswa kwemaikorofoni.)
7 Panhambo nenhambo mukurukuri achawana iyi nhau yenzwi yakaoma kugona nemhaka bedzi yevara renzwi rake. Kana ichi chiri chinetso chako uye inzwi rako risingasviki kure, mutariri wechikoro achakurangarira mukupa zano. Iye ungakarakadza rovedzo dzakati kana kuti purogiramu yerovedzo iyo ichabetsera kukudziridza uye kusimbisa inzwi rako. Zvisinei, vara renzwi iro rimene ipfundo rakaparadzana nokuda kwezano uye harisati richizosimbiswa mukurangarira inzwi rako.
8 Haasi mamiriro ezvinhu ari ose aripo anogona kuzivikanwa muhurukuro imwe ipi neipi. Zano rinofanira kupiwa pahurukuro yazvino, kwete pakubvira kupi nokupi kungamuka. Zvisinei, kana kudikanwa kuchiratidzika kuva kuripo, mutariri wechikoro anganyevera mudzidzi nezvezvinetso zvinobvira zvaangasangana nazvo mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, kunyange zvazvo mudzidzi achirumbidzwa nokuda kwehurukuro yake yazvino uye kasiripi kake kezano kachinyorwa “Z.”
9 Mudzidzi anogona sei kuziva kana inzwi rake rakakwana? Mukurukuri ane ruzivo rwokuzviwanira achanyatsocherechedza vari shure kwehoro mukati mesumo yake uye achakwanisa kuziva nechitarisiko chavo uye chimiro chavose kana ivo vachigona kunzwa zvakanaka, uye iye achisiyanisa inzwi rake nomutoo unowirirana. Kana iye “akangonzwisisa” bedzi horo yacho, haasati achizova nechinetso.
10 Imwe nzira ndiyo yokucherechedza vamwe vakurukuri vari papurogiramu imwe cheteyo. Ivo vanonzwika nyore nyore here? Ivo vari kushandisa inzwi guru sei? Chinja rako nomutoo unowirirana.
11, 12. Nei kuchikosha kuva nenzwi rakafanira kumashoko?
11 Inzwi rakakodzerana namashoko. Urwu rutivi rwekurukurirano yedu norwenzwi harwusati rwuchifanira kuvhiringidzwa nokunyanyiswa kwenzwi. Panguva ino tinofanira kungokodzeresa bedzi inzwi namashoko akati ari kukurukurwa. Somuenzaniso, kudai kutuka kuri kuraviwa muMagwaro, sezvinooneka inzwi ringadzorwa zvakasiyana kupfuura kudai mudzidzi airava zano pamusoro porudo pakati pehama. Enzanisawo naIsaya 36:11 Isa 36 nendima duku 12 uye 13 uye cherechedza misiyano inofanira kuva yaivapo munzira yakataurwa nayo izvozvi. Inzwi rinofanira kukodzereswa namashoko asi hakusati kuchitongofanira kunyanyiswa.
12 Mukusarudza kuti inzwi guru zvakadini rokushandisa, nzvera mashoko ako uye donzo rako nokungwarira. Kana uchida kuchinja kufunga kwavateereri vako, rega kuvadzinga kupfurikidza nenzwi rakanyanyisa. Zvisinei, kana uchida kuvanyandurira kumubato wokushingaira, zvichida inzwi ringagona kuva rakasimba zvikuru. Kana mashoko acho achida simba, rega kuanetesa kupfurikidza nokutaura wakapora.
**********
13-16. Ratidza ukoshi hwokutindika.
13 Mukukurukura hurukuro yako, kutindika kunoiswa nomutoo wakafanira kunodokuva kunokosha senzwi rakakwana. Kusipo, revo yokutaura haitani kudzikatidzwa uye mapfundo makuru ayo vateereri vako vanofanira kuyeuka anokundikana kuorora zvakasimba. Kutindika kunokupa chivimbo uye dzikamo, kunobvumira kudzora kufema kuri nani uye mukana wokuwana dzikamo pamapfundo akaoma okutaura. Kutindika kunoratidza vateereri kuti unodzora mamiriro ezvinhu, kunoratidza kuti hausi kutya zvisakafanira, kuti uri kurangarira vateereri vako, uye kuti une chimwe chinhu chaunoda kuti vanzwe ndokuyeuka.
14 Mukurukuri ari kutanga haafaniri kurasha nguva mukuwana mano okutindika nomutoo unobudirira. Chokutanga, unofanira kupwiswa kuti chaunofanira kutaura chinokosha uye kuti unoda kuti chiyeukwe. Mai mukururamisa mwana wavo padzimwe nguva vachatanga mashoko avo kupfurikidza nokutaura chimwe chinhu kuwana ngwariro yake. Ivo havangatauri rimwe shoko kusvikira mwana apa ngwariro yakakwana. Ipapo ivo vachataura chiri mundangariro yavo. Vanoda kuva nechokwadi kuti mwana wacho haasati achizofuratira chavari kutaura uye kuti icho chichayeukwa.
15 Vamwe vanhu havatongotindiki, kunyange mukutaura kwezuva riri rose. Kana ichocho chiri chinetso chako uchada kusakurira iri vara kuvandudza kubudirira kwoushumiri hwako mumunda. Imomo kutaura kwedu kuri muchimiro chekurukurirano. Kutindika nenzira yakadaro zvokuti saimba wako haasati achidzongonyedza asi achateerera ndokumira kunoda rudzi rwakarurama rwokutindika. Asi unyanzvi nokugona kutindika mukurukurirano zvinokosha uye zvinototusa sezvinongoita mano paanoshandiswa pachikuva.
16 Chimwe chinetso chakakomba pamusoro pokushandiswa kwakafanira kwokutindika muhurukuro ndicho chokuva namashoko akanyanyowanda. Dzivisa ichochi. Bvumira nguva yokutindika; kuri madikanwa.
17-21. Tsanangura ukoshi hwokutindika nokuda kwezviratidzo zvokumira.
17 Tindika nokuda kwezviratidzo zvokumira. Kutindika nokuda kwezviratidzo zvokumira kunongoreva zvako kuti nokuda kwokujekeswa kwomufungo; kusimbisa mifungo inowirirana; kuratidzira zvikamu zvamashoko, zvitsama zvamashoko, migumo yemitsetse yamashoko uye ndima. Kazhinji kazhinji chinjo dzakadaro dzinogona kuratidzirwa kupfurikidza nokusiyaniswa kwenzwi, asi kutindika kunobudirirawo kupa zviratidzo zvokumira zvokutaura kune chiri kutaurwa. Uye sezvo makoma namasemikoroni zvine revo yakasiyana muzvikamu zvemitsetse yamashoko, naizvozvo kutindika kunofanira kusiyana maererano nokushandiswa kwazvo.
18 Kutindika kunoiswa pasina kufanira kunogona kuchinja chose chose mufungo womutsetse wamashoko. Muenzaniso waikoku ndiwo mashoko aJesu ari pana Ruka 23:43 anoti: “Zvirokwazvo ndinokuudza iwe nhasi kuti, Iwe uchava neni muParadhiso.” Kudai koma kana kuti kutindika zvakaiswa pakati pa“iwe” wokutanga na“nhasi” mufungo wakatsaukana chose chose waizovapo, sezvinoratidzirwa neshanduro isina kururama inozivikanwa yourwu rugwaro. Kutindika kwakarurama, naizvozvo, kunokosha nokuda kwokupa mufungo unorangarirwa.
19 Funda kuisa zviratidzo zvokumira mukutaura usingaravi ndaza kupfurikidza nokucherechedza zviratidzo zvokumira zvose zvakanyorwa paunorava. Chiratidzo chokumira bedzi chakanyorwa chinogona kufuratirwa pane dzimwe nguva mukurava ikoma. Kutindika kana kuti kusatindika pakoma kazhinji kazhinji inhau yechisarudzo. Asi masemikoroni, zvimiso, zviratidzo zvokunokorwa kwamashoko, uyewo zvikamu zvendima zvose, zvinofanira kucherechedzwa.
20 Ungakuwana kuchibetsera mukurava manyoro kana kuti chikamu chamashoko chomuBhaibheri kumaka kopi yacho. Tara kamutsetse kakamira pakati pezvitsama zvamashoko apo kutindika kupfupi (zvichida kuzengurira chete) kunofanira kuiswa; mitsetse miviri kana kuti “X” nokuda kwokutindika zvikuru.
21 Kana, kune rumwe rutivi, uchiwana mukurava kwako kwokurovedza kuti mitsetse yakati yamashoko inokukangaidza uye unotindika watindikazve munzvimbo dzisina kururama, ungaita zviratidzo zvepenzura uchibatanidza pamwe chete mashoko ose anoumba chitsama chamashoko. Ipapo, sezvaunorava, rega kutindika kana kuti kuzengurira kusvikira wasvika kune okupedzisira amashoko akakochekedzwa pamwe chete. Vakurukuri vazhinji vane ruzivo rwokuzviwanira vanoita ikoku.
22-24. Nei kuri madikanwa kutindika nokuda kwokuchinja mufungo?
22 Tindika nokuda kwekuchinjwa kwomufungo. Mukuchinja kubva kupfundo rimwe guru kuenda kune rimwe, kutindika kunopa vateereri mukana wokufungisisa. Kunze kwaikoku, kunodzivisa kusanzwisisa. Kunopa ndangariro mukana wokuzvigadziridza, kuziva chinjo munzira ndokutevera kukudziridzwa kwomufungo mutsva uri kupiwa. Kunokosha zvikuru kuti mukurukuri atindike mukuchinja mifungo kungofanana nezvakwakaita kuti mutyairi wemotokari aderedze kumhanya kuti akone.
23 Muhurukuro yokusarava, mashoko anofanira kurongwa kwazvo mundaza nokuda kwokubvumira kutindika pakati pamapfundo makuru. Ikoku hakufaniri kudzongonyedzana nokupfuurira kana kuti kubvumirana kwehurukuro, asi mifungo inofanira kutaurwa zvakanaka kwazvo zvokuti unogona kuvaka pfundo rakati kuti kusvikira pamusoro, tindika, uye ipapo wopfuurira kumufungo mutsva. Kukwidza kwakadaro uye chinjo zvinogona kunyange kutaurwa mundaza yako, kana kuri madikanwa, kukuyeuchidza.
24 Kutindika nokuda kwokuchinja mufungo kunowanzova kurefu zvikuru kupfuura kutindika nokuda kwezviratidzo zvokumira; zvisinei, kutindika kurefu hakufaniri kunyanyoitwa muhurukuro nokuti kukurukura kuchanonoka. Kunze kwezvo, iko sezvingabvira kunganzwika kuva kwatapurwa.
25-28. Ratidza kuti kutindika kunotibetsera sei kusimbisa pfundo pamwe chete nokugonana namamiriro ezvinhu anokangaidza.
25 Tindika nokuda kwokusimbisa. Kutindika nokuda kwokusimbisa kunowanzova kutindika kukuru. Kunoparira kariro kana kuti kunopa vateereri mukana wokufungisisa.
26 Kutindika usati wasvika papfundo rinokosha kunoparira kariro. Kutindika pashure kunobvumira revo yakazara yomufungo kunyura. Uku kushandiswa kuviri kukutindika hakuna kufanana, naizvozvo unofanira kusarudza kuti ndokupi kwakafanira zvikurusa muchinoitika chakati kana kuti kana kwose kuri kuviri kuchifanira kushandiswa.
27 Kutindika kwokusimbisa kunofanira kuganhurirwa kukutaura kunokosha zvikuru, kukasanzarwo kukosha kwako kunorasika.
28 Tindika apo mamiriro ezvinhu anokuda. Dzongonyedzo dzinowanzoda kuti mukurukuri atindike kwechinguvana. Kana dzongonyedzo isina kukomba zvikuru uye uchigona kusimudza inzwi rako ndokupfuurira, ikoku kungawanzova kuri nani. Asi, kana dzongonyedzo yacho yakakwana kudzongonyedza hurukuro chose chose, ipapo unofanira kutindika. Vateereri vako vachaonga kurangarira kwako. Kunze kwezvo, kakawanda havateereri zvavo, nemhaka yokuti dzongonyedzo yechinguvana yavatsausa. Naizvozvo shandisa kutindika nomutoo unobudirira, kuti uve nechokwadi chokuti vateereri vako vanowana betsero yakazara yezvinhu zvakanaka zvaunoda kuvaudza.