RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 9 p. 111-p. 114 ndim. 3
  • Kusiyanisa Inzwi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusiyanisa Inzwi
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kusimbisa Pfungwa Uye Kusiyanisa Inzwi
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kusiyanisa Inzwi
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Inzwi Rakakodzera
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Inzwi uye Kutindika
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 9 p. 111-p. 114 ndim. 3

CHIDZIDZO 9

Kusiyanisa Inzwi

Unofanira kuitei?

Siyanisa kunzwika kwenzwi rako. Muchidzidzo chino tinofunga nezvokuchinja kwenzwi, kukurumidza kana kunonoka, uye kukwirira kana kudzikira kwaro.

Nei zvichikosha?

Kusiyanisa inzwi zvakakodzera kunoita kuti hurukuro ive noupenyu, kunomutsa pfungwa, uye kunokurudzira kuita chimwe chinhu.

Kusasiyanisa inzwi kungapa pfungwa yokuti haunyatsofariri zvauri kutaura nezvazvo.

KUSHANDISA kwako kusimbisa pfungwa zvakapfava kunobatsira vateereri kunzwisisa zvaunotaura. Asi kana ukashandisa zvakanaka kusiyanisa inzwi, kukurumidza kana kunonoka, uye kukwirira kwenzwi, hurukuro yako inganakidza kuteerera. Kupfuura izvozvo, ingaudza vadzidzi vako manzwiro aunoita zvauri kutaura. Manzwiro ako pamusoro pemashoko acho anogona kuchinja manzwiro avo pamusoro pawo. Izvi ndizvo zvinoitika, ungave uchitaura uri pachikuva kana kuti kumunhu mumwe chete mubasa romumunda.

Inzwi romunhu chinhu chinoshamisa, rinogona kuita zvinhu zvakawanda. Kana rikashandiswa zvakanaka, rinogona kuita kuti hurukuro ive noupenyu, itore mwoyo, ibaye mwoyo, ikurudzire kuita chiito. Zvisinei, izvi hazvigoni kuitwa nokungomaka pane zvawakanyora kuti panofanira kuchinjwa inzwi ndepapi, kukurumidza kana kunonoka, kana kuti kuchinja kukwirira kwaro. Kuchinja inzwi pamusana peizvozvo kunenge kuchinzwika kuti haasiwo matauriro edu. Pane kupa upenyu uye nokuita kuti hurukuro yako inakidze, kungaita kuti vateereri vako varege kunzwa zvakanaka. Kusiyanisa inzwi kwakakodzera kunobva pamwoyo.

Kana kukashandiswa nokuchenjera, kusiyanisa inzwi hakuzoiti kuti pfungwa dzevanhu dziende pamukurukuri. Asi kuchabatsira vateereri kufambirana nezviri kutaurwa.

Gadzirisa Inzwi. Imwe nzira yokusiyanisa matauriro ako kugadzirisa inzwi rako. Asi izvi hazvifaniri kuva kuwedzera kana kudzikisa inzwi kwepanguva nenguva kunosembura. Izvozvo zvingatokanganisa pfungwa yezvauri kutaura. Kana ukapota uchikwidza inzwi kakawanda, hazvizofadzi.

Inzwi rako rinofanira kukodzera mashoko. Ungave uchiverenga murayiro unoda kukurumidzira wakadai sounowanwa pana Zvakazarurwa 14:6, 7 kana kuti pana Zvakazarurwa 18:4, kana kuti mamwe mashoko okutenda kwakasimba, sezvakanyorwa pana Eksodho 14:13, 14, unokurudzirwa kukwidza inzwi. Uyewo, kana uchiverenga mashoko okupa mhosva ari muBhaibheri, seari pana Jeremia 25:27-38, kusiyanisa inzwi rako kuchaita kuti mamwe mashoko akwirire kupfuura mamwe.

Fungawo nezvechinangwa chako. Unoda kukurudzira vateereri vako kuti vave nezvavanoita here? Unoda kuti pfungwa huru dzehurukuro yako dzisiyane nedzimwe dzose here? Inzwi guru rinoshandiswa noungwaru, rinobatsira kuita zvinangwa izvozvo. Zvisinei, kungowedzera inzwi rako zvokungowedzerawo zviya, kungatokanganisa chinangwa chako. Sei? Zvauri kutaura zvingada mutsa nokunzwira tsitsi pane inzwi rakakwirira. Tichakurukura izvi muChidzidzo 11.

Kana kukaitwa nokunzwisisa, kuderedza inzwi kunogona kumutsa kutarisira. Asi izvozvo zvinotoda simba guru renzwi uchangopedza. Inzwi rakaderera pamwe chete nokusimbisa kwakawedzerwa rinogona kushandiswa kuratidza kutya kana kuti kunetseka. Inzwi rakati dererei ringashandiswawo kuratidza kuti zviri kutaurwa hazvina kuenzana kukosha kana zvoenzaniswa nezvimwe zvataurwa. Zvisinei kana inzwi rako richigara rakaderera, izvi zvingaratidza kusaziva kana kuti kusava nechokwadi kwako kana kuti kusafarira kwako zvauri kutaura. Hapana mubvunzo kuti inzwi rakapfava kwazvo rinofanira kushandiswa nokuchenjerera.

Chinja Kukurumidza Kana Kunonoka Kwako. Mukutaura kwezuva nezuva mashoko anongozviuyira sezvatinotaura zvatiri kufunga. Patinenge tafarira chimwe chinhu, tinowanzoti kurumidzei kutaura. Patinenge tichida kuti vamwe vayeuke zvatiri kutaura chaizvo, tinoti nonokei pakutaura.

Zvisinei, vakurukuri vatsva vanosiyanisa kukurumidza kwavo vashoma. Nei? Vanonyanyisa pakugadzira mashoko avo. Ose angave akanyorwa. Kunyange hurukuro yacho ikasakurukurwa ichiverengwa, mashoko acho anenge akaita seakaiswa mumusoro. Izvi zvinoguma zvaita kuti zvose zvikurukurwe nenzira yakafanorongwa. Kudzidzira kukurukura uchishandisa pepa rehurukuro kuchabatsira kugadzirisa chinetso ichocho.

Usangoerekana wava kukurumidza zvokuti zvingafungisa mumwe munhu nezvekatsi iri kufamba zvinyoronyoro asi yongoerekana yasvetuka painoona imbwa. Uye usataura uchikurumidzisa zvokuti kubuda kunoita mashoko ako kunovhiringidzika.

Kuti kukurumidza nokunonoka kwako kusiyane-siyane, usangomhanya uye wozononokera panguva dzakarongwa. Pane kubatsira kuti hurukuro yacho inake, makurukuriro iwayo achakanganisa hurukuro yauri kutaura. Kuchinja mamhanyiro kunofanira kuenderana nezvauri kutaura, pfungwa dzauri kuda kuti dzinzwike, uye chinangwa chako. Kurukura hurukuro yako zviri pakati nepakati. Kana pachinakidza, wedzera uti kurumidzei, sezvawaizoita muupenyu hwezuva nezuva. Izvi zvakanakawo kana uchitaura mashoko asinganyanyokoshi kana kuti uchirondedzera zvakaitika zvine mashoko asinganyanyokoshi. Izvi zvichaita kuti pave nokusiyana-siyana zvobatsira kuti hurukuro yako isanzwika seinorema zvikuru. Asiwo zvinowanzoda kunonokera paunotaura pfungwa huru uye kana wasvika panhongonya pehurukuro.

Siyanisa Kukwirira Kwenzwi Rako. Chimbofungidzira mumwe munhu ari kuridza chiridzwa chomumhanzi kweawa imwe kana kuti kupfuura. Nguva yose iyoyo, anongoridza noti imwe chete—kutanga neruzha, yozonyorovera, dzimwe nguva yombokurumidza, yozononokera. Pane kusiyana kwenzwi uye kwokukurumidza, asi hapana kusiyana kwokukwirira kana kudzikira, saka “mumhanzi” wacho haunyanyi kunakidza. Saizvozvowo, pasina kusiyanisa kwokukwirira kana kudzikira, inzwi redu harinakidzi kuteerera.

Zvinofanira kuzivikanwa kuti kusiyana kwokukwirira kwenzwi hakushandi zvakafanana mumitauro yose. Mumutauro wakafanana neShona, kuchinja kukwirira kwenzwi kungachinja zvinoreva shoko racho. Kunyange zvakadaro, kana mumutauro wakadai pane zvingaitwa nomunhu kuti inzwi rake risiyane-siyane. Angashandira kuwedzera kukwidza kwaangaita inzwi rake asi shoko racho richiramba richireva zvaanoda kuti rireve. Saka anogona kukwidza panofanira kukwidzwa uye panofanira kudzikiswa achapadzikisa.

Kunyange mumitauro isingadi izvi, kukwidza kana kudzikisa inzwi kungapa pfungwa dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso kukwidza inzwi zvishomanana uchiwedzera simba raro kungashandiswa kusimbisa pfungwa. Kuchinjwa kwokukwirira kwaro kungavawo nzira yokuratidza ukuru kana kuti daro. Inzwi rinoenda richikwira kunoperera chirevo ringaratidza kuti uyu mubvunzo. Mimwe mitauro ingada kuti riende richidzika.

Kunakidzwa uye kuva nechido zvingaratidzwa nenzwi rakakwirira. (Mumutauro unokwidzwa inzwi nokuderedza, izvi zvingaitwa neinzwi rakasiyana-siyana.) Kusuwa nokushushikana kungada inzwi rakaderera. (Kana kuti mumutauro unokwidza nokuderedza inzwi, inzwi rakatetepa zvakasiyana-siyana.) Manzwiro ari kutaurwa pano ndiwo anobatsira mukurukuri kusvika pamwoyo. Kana uchida kuataura, rega kungotaura mashoko chete. Shandisa inzwi rako nenzira inoratidza kuti ndizvo zvaunonzwawo.

Pakunotangira. Saka kusiyanisa inzwi kunotangira papi? Nokusarudza mashoko ehurukuro yako. Kana ukasarudza zvikonzero chete kana kuti kurayira chete, uchava nomukana muduku wokusiyanisa kukurukura kwako. Saka ongorora pepa rako rehurukuro, wova nechokwadi chokuti une zvinodiwa kuti ikurukurwe zvinonakidza, zvinodzidzisa.

Tomboti pakati pehurukuro yako, unonzwa kuti inofanira kumbochinjwa nokuti yakatonhora. Woita sei? Chinja makurukuriro ako. Sei? Imwe nzira kuvhura Bhaibheri, wokumbira vateereri kuvhura avo, woverenga rugwaro pane kungoramba uchitaura. Kana kuti chinja mamwe mashoko kuti ave mibvunzo, uchimbomira kuti usimbise. Isa mufananidzo uri nyore. Uhwu unyanzvi hunoshandiswa nevakurukuri vane ruzivo. Asi zvisinei nokuti une ruzivo rwakadini, unogona kushandisa pfungwa idzodzi paunenge uchigadzirira.

Zvinogona kutaurwa kuti kusiyanisa inzwi kwakafanana nezvinoshandiswa kukaringira usavi. Kana zvakakodzera zvikashandiswa zvine uwandu hwakakodzera, zvichaita kuti hurukuro yako ibude zvakanaka yova nhapitapi chaiyo kuvateereri vako.

MAITIRWO AZVO

  • Chinja inzwi paunenge uchitaura kurayira kwokukurumidzira, zvinhu zvaune chokwadi nazvo, kana kuti kutsiura. Nyatsofungisisa zvikamu zvehurukuro yako zvinoda inzwi rakawedzerwa.

  • Chinja kukurumidza kana kunonoka nokutaura uchikurumidza papfungwa dzinokosha zvishoma uye wononokera pazvikonzero zvinokosha uye pfungwa huru. Kuti uratidze kunakidzwa, taura uchikurumidza.

  • Siyanisa kukwirira kwenzwi, kana zvakakodzera kuti ubudise manzwiro anosvika pamwoyo yevateereri. Mumutauro unokwidza nokuderedza inzwi, inzwi rako ngarive gobvu kana kuti rakatetepa.

  • Kusiyanisa inzwi kunotanga nokusarudza mashoko ehurukuro yako.

BASA ROKUITA: (1) Zviverengere 1 Samueri 17:17-53, uchicherechedza mikana yokusiyanisa inzwi, kukurumidza kana kunonoka, uye kukwirira kwaro. Chiverenga zvinonzwika zvino zvine upenyu asi rega kunyanyisa. Ita izvi kakawanda. (2) Kuti udzidzire kusiyanisa inzwi rako, verenga ndima 48-51 zvinonzwika nokukurumidza sezvaungagona usingakanganisi. Usingaregeredzi madudzirwo emashoko, ramba uchidzokorora kuverenga, uchiramba uchiwedzera kukurumidza kwako. Zvadaro woverengazve mashoko iwayo uchinonoka sezvaunokwanisa, uchinyatsobudisa mashoko. Wapedza izvi, chinjanisa kukurumidza nokunonoka kusvikira inzwi rako rave kuita zvaunoda kuti riite.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe