CHIDZIDZO 35
Kudzokorora Kuti Usimbise
KUDZIDZISA kunobudirira kunosanganisira kupota uchidzokorora. Kana pfungwa inokosha ikataurwa kanopfuura kamwe chete, kazhinji vateereri vachaiyeuka. Kana pfungwa yacho ikataurwazve nenzira yakati siyanei, zvingatovabatsira kuinzwisisa zvakatojeka.
Kana vateereri vako vasingayeuki zvaunotaura, mashoko ako haazochinji zvavanotenda kana kuti mararamiro avo. Pamwe vacharamba vachingofunga nezvemashoko aunosimbisa zvikuru.
Jehovha, Mudzidzisi wedu Mukuru, anotiratidza nzira yokudzokorora nayo. Akapa Mitemo Gumi kurudzi rwevaIsraeri. Achishandisa ngirozi, akaita kuti rudzi rwacho runzwe mirayiro iyoyo paGomo reSinai. Gare gare akaipa kuna Mosesi yakaita zvokunyorwa. (Eks. 20:1-17; 31:18; Dheut. 5:22) Jehovha arayira izvozvo, Mosesi akadzokorora mirayiro iyoyo kurudzi rwacho rusati rwapinda muNyika Yakapikirwa, uye achishandisa mudzimu mutsvene waJehovha, Mosesi akainyora, sezviri pana Dheuteronomio 5:6-21. Pamimwe yemirayiro yakapiwa vaIsraeri paiva newokuti vade uye vashumire Jehovha nomwoyo wavo wose, mweya, uye simba roupenyu. Izviwo zvakadzokororwa kakawanda. (Dheut. 6:5; 10:12; 11:13; 30:6) Nei? Sezvinotaura Jesu, nokuti waiva “murayiro mukuru pane yose uye wokutanga.” (Mat. 22:34-38) Jehovha akayeuchidza vanhu veJudha kanopfuura ka20 achishandisa muprofita Jeremia pamusoro pokukomba kwokumuteerera muzvinhu zvose zvaakavarayira. (Jer. 7:23; 11:4; 12:17; 19:15) Uye achishandisa Ezekieri, Mwari akataura kanopfuura ka60 kuti marudzi “achaziva kuti ndini Jehovha.”—Ezek. 6:10; 38:23.
Pane zvakanyorwa zvoushumiri hwaJesu, tinoonawo kushandiswa kunobudirira kwokudzokorora. Somuenzaniso, kune Evhangeri ina—imwe neimwe ichitaura zviitiko zvinokosha zvinotaurwa muEvhangeri imwe kana kupfuura asi ichitaura nemaonero akati siyanei. Pakudzidzisa kwake, Jesu akataura mirayiridzo yakafanana kanopfuura kamwe chete asi munzira dzakasiyana-siyana. (Mako 9:34-37; 10:35-45; Joh. 13:2-17) Uye paaiva paGomo reMiorivhi mazuva mashomanana asati afa, Jesu akadzokorora kuti asimbise zano iri rinokosha: “Rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.”—Mat. 24:42; 25:13.
Muushumiri Hwomumunda. Paunopupurira vanhu, unotarisira kuti vachayeuka zvaunotaura. Kudzokorora zvinobudirira kunogona kubatsira kuita izvozvo.
Kazhinji, kudzokorora panenge pachitaurwa nyaya yacho kuchabatsira kuita kuti isimbe mupfungwa dzomunhu. Saka kana waverenga rugwaro, ungarusimbisa nokuratidza chikamu charwo chinokosha wobvunza kuti, “Maona here marongerwe emashoko acho?”
Zvirevo zvokugumisira pakukurukurirana zvinogonawo kushandiswa zvinobudirira. Somuenzaniso, ungati: “Pfungwa huru yandinofunga kuti muchayeuka pane zvatakurukura ndeyokuti . . . ” Wobva waidzokorora zviri nyore. Zvingaita seizvi: “Chinangwa chaMwari ndechokuti pasi richinje kuva paradhiso. Pane chokwadi chokuti chinangwa ichocho chichazadzikwa.” Kana kuti: “Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira enyika ino. Kana tichizopona pamugumo wayo, tinofanira kudzidza izvo Mwari anoda kwatiri.” Kana kuti ungati: “Sezvataona, Bhaibheri rinopa zano rinobatsira pakurarama nezvinetso zvoupenyu hwemhuri.” Mune zvimwe zviitiko ungangodzokorora mashoko ari muBhaibheri sechimwe chinhu chokuyeuka. Ichokwadi kuti kuita izvi zvinobudirira kunoda kufanofunga.
Pakudzokerazve, kusanganisira kune vaya vatinodzidza navo Bhaibheri, kushandisa kwako kudzokorora kungasanganisira mibvunzo yokudzokorora.
Kana munhu achiona zvichimuomera kunzwisisa kana kuti kushandisa zano reBhaibheri, ungafanira kutaura nyaya yacho kanopfuura kamwe chete. Edza kukurukura nyaya yacho uchitanga nenzira dzakasiyana-siyana. Kukurukurirana kwacho hakufaniri hakwo kureba asi kunofanira kukurudzira mudzidzi kuramba achifunga nezvenyaya yacho. Yeuka kuti Jesu akashandisa nzira iyi yokudzokorora mukubatsira vadzidzi vake kukurira chido chokuva panzvimbo yokutanga.—Mat. 18:1-6; 20:20-28; Ruka 22:24-27.
Paunenge Uchipa Hurukuro. Kana uchipa hurukuro uri pachikuva, chinangwa chako hachisi chokungopa mashoko chete. Unoda kuti vateereri vaanzwisise, vaayeuke, uye vaashandise. Kuti zvidaro, shandisa kudzokorora zvakafanira.
Zvisinei, kana ukadzokorora pfungwa huru kakawandisa, vateereri vako vangasakuteerera. Nyatsosarudza pfungwa dzakakodzera kunyanya kusimbiswa. Kazhinji idzi ndidzo pfungwa huru pakavakirwa hurukuro yako, asi dzingasanganisirawo dzimwe pfungwa dzinokosha kuvateereri vako.
Kuti udzokorore, ungatanga wataura pfungwa huru musumo yako. Ita izvozvo nezvirevo zvipfupi, zvinoratidza zvauchataura nezvazvo, nemibvunzo, kana kuti nemienzaniso mipfupi yezvinganetsa zvinoda kugadziriswa. Ungataura kuti pane pfungwa huru ngani wodzironga nenhamba. Zvadaro, chikurukura imwe neimwe muhurukuro yako. Kusimbisa kungaitwa mumutumbi wehurukuro yako nokudzokorora pfungwa huru imwe neimwe usati waenda kune inotevera. Kana kuti zvingaitwa nokushandisa muenzaniso unosanganisira mashandiro epfungwa huru yacho. Kumwe kusimbisa kungaitwa papfungwa dzako huru nemhedziso inodzidzokorora, inodzibudisa pachena nokusiyanisa, inopindura mibvunzo yambobvunzwa, kana kuti nokutaura magadzirisirwo ezvinetso zvambotaurwa.
Kuwedzera kune zviri pamusoro apa, mukurukuri ane ruzivo anoongorora mumwe nomumwe wevateereri vake. Kana mumwe wacho achiomerwa nokubata imwe pfungwa, mukurukuri anozviona. Kana pfungwa yacho ichikosha, anoidzokororazve. Zvisinei, kudzokorora nemashoko mamwe chete kungasaita zvaari kuda. Kudzidzisa kunoreva zvinopfuura izvozvo. Anofanira kuchinja-chinja. Angafanira kuwedzera zvaanga asina kuronga pahurukuro yake. Kudzidza kwako kuona zvinodiwa nevateereri nenzira iyi ndiko kucharatidza kubudirira kwako somudzidzisi.