RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • sg chidzidzo 33 pp. 163-167
  • Kuratidzira Mbavarira uye Ushamwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuratidzira Mbavarira uye Ushamwari
  • Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • **********
  • Kuva Nechido
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushamwari uye Kubudisa Manzwiro Aunoita
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Anorayiridza, Apiwa Zvakajeka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Zano Rinovaka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
Ona Zvimwe
Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
sg chidzidzo 33 pp. 163-167

Fundo 33

Kuratidzira Mbavarira uye Ushamwari

1. Chii chichanyandura mbavarira?

1 Mbavarira ndihwo upenyu hwehurukuro. Kana usina mbavarira pamusoro pezvaunotaura, zvirokwazvo vateereri vako havasati vachizova nayo. Kana isati ichikusunda, haisati ichizovasundira kuchiito. Asi kuti iwe somukurukuri uratidze mbavarira yechokwadi, unofanira kupwiswa zvakasimba kuti vateereri vako vanofanira kunzwa zvaunotaura. Ikoko kunoreva kuti wakavarangarira apo wakagadzirira hurukuro yacho, uchisarudza mapfundo aizobetsera zvikurusa ndokuaumba nenzira yakadaro zvokuti vateereri vako vaizonzwisisa nyore nyore ukoshi hwao. Kana waita ikoku, uchanzwa uchisundwa kutaura nouchokwadi, uye vateereri vako vachaita chimwe chinhu.

2-5. Kukurukura kune upenyu kunoratidzira sei mbavarira?

2 Mbavarira yaratidzwa kupfurikidza nokukurukura kune upenyu. Mbavarira inoratidzirwa zvakajeka zvikurusa kupfurikidza nokuva noupenyu mukukurukura kwako. Haugoni kuva asingaitiri hanya kana kuti asingakatari mumurangariro. Unofanira kuva mupenyu kwazvo muchitarisiko chechiso chako, muchimiro chenzwi rako nomumutauriro wako. Ikoko kunoreva kuti unofanira kutaura noumhare nesimba. Unofanira kunzwika uchipwiswa kunyange zvazvo usati uchiva anonyanyisa. Nepo uchifanira kuva ane mbavarira, hausati uchitongofanira kuva anonyanyisa. Kurasikirwa nokuzvidzora kunoreva kurasikirwa navateereri vako.

3 Mbavarira inopomeranwa. Kana une mbavarira pamusoro pehurukuro yako, vateereri vako vachabatira mbavarira iyeyo. Uyewo, uchitarisa vateereri zvakanaka, icharatidzirwa kwauri ndokuchengeta mbavarira yako umene iri mhenyu. Kune rumwe rutivi, kana wakafa, vateereri vako vachafa pamwe chete newe.

4 Pauro anoti tinofanira kupisa nomudzimu waMwari. Kana uchidaro, kukurukura kwako kune upenyu kuchaparira mudzimu waMwari kuyerera uchipinda muvateereri ndokusundira vateereri vako kumubato. Aporo airatidza mudzimu wakadaro mukutaura kwake, uye anonzi mukurukuri anotaura zvakanaka.—VaR. 12:11; Mabasa 18:25; Jobho 32:18-20; Jer. 20:9.

5 Kuti uve ane mbavarira pamusoro pehurukuro unofanira kupwiswa kuti une chimwe chinhu chakafanirwa nokukurukura. Shandira pamashoko auchapa kutozosvikira wonzwa kuti une chimwe chinhu chichatanga kukunyandura somukurukuri. Haafaniri kuva mashoko matsva, asi mutoo wokubata nawo nhau yacho unogona kuva mutsva. Kana uchinzwa kuti une chimwe chinhu chavateereri vako chichavasimbisa mukunamata kwavo, chichavaita vashumiri vari nani kana kuti vaKristu vari nani, ipapoka une chikonzero chiri chose chokuva ane mbavarira pamusoro pehurukuro yako, uye pasina mubvunzo uchava unayo.

6-9. Mashoko ari muhurukuro yomunhu ane chokuitai nembavarira mukukurukura?

6 Mbavarira yakakodzerana namashoko. Nokuda kwemusiyano muhurukuro yako uye kubetsera vateereri vako, hausati uchifanira kukwidza mbavarira yako pamwero wakanyanyokwira muhurukuro yako yose. Kana ukadaro, vachaneta kunyange vasati vavamba kuita chiito. Ikoku kunosimbisazve kudikanwa kwokugadzirira mashoko omusiyano wakakwana kuti ubvumire musiyano mukukurukura kwako. Kunoreva kuti mapfundo akati aunokurukura nomutoo womuzvarirwo anoda kukurukurwa nembavarira kupfuura mamwe zvikuru, uye anofanira kubatanidzwa nenzira younyanzvi muhurukuro yako yose.

7 Mapfundo makuru zvikurukuru anofanira kupiwa nembavarira. Muhurukuro yako munofanira kuva nemakakwira, mapfundo anokosha aunokwira kwaari. Iwawa zvaari mapfundo makuru ehurukuro yako, kazhinji kazhinji achava mapfundo akagadzirirwa kunyandura vateereri vako, kujekesa kushandiswa kwechibvumikiso chako, zvikonzero zvako kana kuti zano rako. Uchinge wapwisa vateereri vako, zvino unofanira kuvanyandura, kuratidzira betsero dzemhedziso yako, mifarwa uye ropafadzo idzo kuronda uku kupwisa kuchavaunzira. Ikoku kunoda kukurukura kune mbavarira.

8 Pasinei zvapo naikoku, kunyange zvakadaro, hausati uchitongofanira kuva asingaitiri hanya mukupa kwako pane dzimwe nguva. Haufaniri kutongorasikirwa nembavarira yako nokuda kwenhau yako kana kuti kuratidzira kurasikirwa nefariro kupi nokupi. Fananidzira mundangariro mako deer iri kufura hayo chinyararire pasina miti paduku. Kunyange zvazvo ichioneka yakasununguka, mumakumbo ayo matete mune simba rakavanda rinogona kuisvetutsa zvikuru pakuoneka kuduku kwengozi. Yakasununguka hayo asi yakasvinura nguva dzose. Unogona kudarowo, kunyange apo unenge usiri kutaura uine mbavarira yako yose.

9 Ipapo ikoku kwose kunorevei? Kuti kukurukura kune upenyu hakusati kuchitongomanikidzirwa. Panofanira kuva nechikonzero chako uye mashoko ako anofanira kukugovera chikonzero ichecho. Anokupa zano achaitira hanya kana mbavarira yako yanga yakakodzera mashoko ako. Yanga yakanyanyisa here, yakanyanyoshomeka kana kuti isina kufanira here? Chokwadi, acharangarira unhu hwako pachako, asi achakukurudzira kana uchinyara uye wakativa ndokukungwadza kana uchiratidzika kuva anonyanyova namanyemwe pamusoro pechinhu chiri chose chaunotaura. Naizvozvo kodzeresa mbavarira yako namashoko ako uye siyanisa mashoko ako kuti kukurukura kwako kune mbavarira kugova kwakadzikama mose.

**********

10-12. Chii chinorehwa noushamwari netsitsi?

10 Mbavarira yakasanobatana noushamwari netsitsi. Zvisinei, kuratidzirwa kwazvo kunosundwa nemirangariro yakasiyana-siyana ndokuparira migumisiro yakasiyana-siyana muvateereri vako. Somukurukuri, unogarova ane mbavarira nemhaka yamashoko ako, asi unova noushamwari apo unofunga nezvavateereri vako uine chishuvo chokuvabetsera. “Ushamwari, tsitsi,” zvakarongwa pakasiripi keZano Rokutaura, zvakafanirwa nengwariro yokufunga.

11 Kana uchiratidzira kudziya uye kunzwa, vateereri vako vachaziva kuti uri munhu anoratidza rudo, mutsa uye ngoni huru. Ivo vachakweverwa kwauri sokumoto pausiku hunotonhora. Kukurukura kune upenyu kunonyandura, asi tsitsi huru dzinodikanwawo. Hakusati kuchigarova kwakakwana kunyengetedza ndangariro; unofanira kusunda mwoyo.

12 Somuenzaniso, kungava kwakakodzera here kurava VaGaratia 5:22, 23 pamusoro porudo, mwoyo murefu, mutsa uye unyoro pasina kuratidzirwa kwakati kwamavara iwawo mumutoo wako umene? Cherechedzawo, tsitsi huru dzinoratidzirwa mumashoko aPauro pana 1 VaTesaronika 2:7, 8. Iwawa ndiwo mashoko anoda ushamwari netsitsi. Kunofanira kuratidzwa sei?

13, 14. Ushamwari hunogona kuratidzwa sei muzvitarisiko zvezviso?

13 Ushamwari hunooneka muchitarisiko chechiso. Kana une ushamwari kuvateereri vako, kunofanira kuoneka muchiso chako. Kana kusati, vateereri vako havangapwiswi kuti une ushamwari hwapachokwadi kwavari. Asi hunofanira kuva hwechokwadi. Hahugoni kupfekwa sechifukidzo. Uyewo ushamwari netsitsi hazvisati zvichifanira kuvhiringidzwa nokunyanyisa mukuratidzira kufunga kwako uye kunyanyisa mukuratidzira mirangariro yako. Chitarisiko chomutsa chechiso chicharatidzira uchokwadi nokutendeseka.

14 Kazhinji kazhinji uchataura kuvateereri vane ushamwari. Naizvozvo, kana ukatarira chaizvoizvo vateereri vako uchava noushamwari navo. Uchanzwa wakasununguka uye une ushamwari. Sarudza mumwe munhu ari muvateereri ane chiso choushamwari zvikurusa. Taura kumunhu iyeyo pachake kwenguva shomanene. Sarudza mumwe uye taura kuna iyeyo. Ikoku hakusati kuchizotongoita kuti utarise zvakanaka vateereri, asi uchazviwana uchiswededzwa kuvateereri, uye chitarisiko chako choushamwari chechiso chichaswededzawo vateereri vako kwauri.

15-19. Ratidza chichaparira ushamwari netsitsi kuva muinzwi romukurukuri.

15 Ushamwari netsitsi zvinooneka muchimiro chenzwi. Kwakasimbiswa zvikuru kuti kunyange mhuka dzinogona kuziva mirangariro yako kusvikira kutambanuko yakati kupfurikidza nechimiro chenzwi rako. Ipapoka, vateereri vachaita chimwe chinhu zvikuru kwazvo kunzwi rinoratidzira ushamwari netsitsi kupfurikidza nechimiro charo chimene.

16 Kana uchinzwa chaizvoizvo wakaparadzana navateereri vako, kana uchifunga zvikuru nezvamashoko auri kutaura kupfuura kuita chimwe chinhu kuchaita vateereri vako kwaari, kuchava kwakaoma kukuvanza kuvateereri vakasvinura. Asi kana kufarira kwako kwakanangidzirwa zvapachokwadi muavo uri kutaura kwavari uye une chishuvo chechokwadi chokupa mifungo yako kwavari kuti vagofunga sezvaunoita, tsitsi dzako dzicharatidzirwa mukukwidzwa nokuderedzwa kuri kwose kwenzwi rako.

17 Sezvinooneka, kunyange zvakadaro, ikoku kunofanira kuva kufarira kwapachokwadi. Ushamwari hwapachokwadi hahugoni kunyepedzerwa sezvisingagoniwo zvikuru kupfuura zvingaita mbavarira. Mukurukuri haasati achitongofanira kupa mufungo wokunaka kwokunyengera. Uyewo ushamwari netsitsi hazvisati zvichifanira kuvhiringidzwa nokunyanyisa mukuratidzira kufunga kwako kana kuti inzwi rinoedzeserwa, rinodedera reanonyanyisa mukuratidzira mirangariro yake.

18 Kana une inzwi rakaoma, rinozhorozhota, kuchava kwakaoma kuratidzira ushamwari mukutaura kwako. Unofanira kuedza nenzira yokungwarira uye nenzira yokushingaira kukurira chinetso chipi nechipi chakadaro. Inongova nhau yerudzi rwenzwi uye kuchada nguva, asi ngwariro yakafanira uye nhamburiko zvinogona kuita zvakawanda kuvandudza ushamwari hwenzwi rako.

19 Chimwe chinhu chingangokubetsera kuyeuka kuti mavhawero mapfupi, akadimburwa anoita kuti kutaura kuve kwakaoma. Dzidza kudhonza mavhawero. Ikoku kuchaapfavisa ndokungoerekana kwaita kuti kutaura kwako kuve kwoushamwari zvikuru mumataurire.

20, 21. Mashoko ari muhurukuro anotapura munzirai ushamwari netsitsi mukukurukura?

20 Ushamwari netsitsi zvakodzera mashoko. Sezvazvakaita nembavarira, ushamwari netsitsi zvaunoisa mukutaura kwako zvinotsamira mumwero mukuru pane zvauri kutaura. Muenzaniso waikoku ndiyo nhoroondo yekushora kwaJesu vanyori navaFarise iri pana Mateo 23. Hatigoni kumufungidzira achitaura mashoko iwawa anokuvadza okutuka nenzira yakaneta uye isina upenyu. Asi pakati pouku kutaura kutsamwa uye hasha pane chikamu chamashoko chakazara noushamwari netsitsi huru, chinoratidzira tsitsi dzaJesu namashoko anoti: “—ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, semhambo inounganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba!” Sezvinooneka pano tsitsi huru dzinoratidzirwa, asi kutaura kunotevera, kunoti: “Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo,” hakusati kune murangariro mumwe chetewu. Chimiro chenzwi chacho ndechokuramba, chokusema.

21 Ipapo, ndapapi pangafanira ushamwari netsitsi? Zvizhinjisa zvezvinhu zvaungataura muushumiri hwomumunda kana kuti muhurukuro yomudzidzi zvingakodzera uku kutaura asi zvikurukuru apo unenge uchirangarira, uchikurudzira, uchirayira, uchinzwira tsitsi, uye zvichingodaro. Mukuyeuka kuva ane ushamwari, rega kukanganwa kuva ane mbavarira pakunenge kwakakodzera. Iva akadzikama muzvinhu zvose, asi taura zvakazara zvikurusa sezvinobvira chinhu chiri chose chaunotaura.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe