Fundo 37
Kudzikama uye Chitarisiko Chako
1-9. Rondedzera kudzikama uye chivimbo, uye taura kuti iwaya anogona sei kuwanwa.
1 Mukurukuri akadzikama ndiye mukurukuri akasununguka. Akaterama akagadzikana nemhaka yokuti iye anodzora mamiriro ezvinhu. Kushayiwa kudzikama, kune rumwe rutivi, kunoratidza kushayikwa kwakati kwechivimbo. Zviviri zvacho zvinofamba pamwe chete. Ndicho chikonzero nei “Chivimbo uye kudzikama” akarongwa sepfundo rimwe chete pakasiripi keZano Rokutaura.
2 Nepo chivimbo uye kudzikama zvichidikanwa kumukurukuri, hazvisati zvichifanira kuvhiringidzwa nokunyanyova nechivimbo, uko kunoratidzirwa kupfurikidza nokukanyayira kana kuti kunyangayira kana kuti kurezuka nomutoo wokunyanyosununguka kana ugere kana kuti kuzendamira gwatidziro nenzira yokusakendenga zvikuru kana uchiparidza paimba neimba. Kana chimwe chinhu mumharidzo yako chichikarakadza murangariro wokunyanyozvivimba, mutariri wako wechikoro pasina mubvunzo achakupa zano muri moga, nemhaka yokuti achafarira kukubetsera kukurira murangariro upi noupi wakadaro waungave uchipa ungadzivisa kubudirira kwoushumiri hwako.
3 Zvisinei, kana uri mukurukuri mutsva, kungabvira zvikuru kuti uchatya uye uchanyara sezvaunosvika pachikuva. Ungava noruzazu chairwoirwo nokusaterama zvingagona kukuparira kudavira kuti uchapa mharidzo isingabudiriri. Ikoku hakufaniri kudaro. Chivimbo uye kudzikama zvinogona kuwanwa nenhamburiko yokushingaira uye kuziva chikonzero nei zvichishayikwa.
4 Nei vamwe vakurukuri vachishayiwa chivimbo? Kunowanzova nokuda kwechikonzero chimwe, kana kuti zvose zviri zviviri, zvezviviri zvacho. Chokutanga, kusagadzirira kana kuti murangariro usina kururama wamashoko avo. Chechipiri, murangariro wakaipa kuzvikwaniriso zvavo savakurukuri.
5 Chii chichakupa chivimbo? Zvikurukuru, ndiko kuziva kana kuti kutenda kuti uchakwanisa kuita donzo rako. Ndicho chivimbo chokuti unodzora mamiriro ezvinhu uye unogona kuadzora. Pachikuva ikoku kungada ruzivo rwakati rwokuzviwanira. Uchinge wapa hurukuro dzakati, unogona kuva nechokwadi zvine mufungo kuti iyiwo ichava inobudirira. Asi kunyange kana uri mutsva zvikuru, hurukuro dzako dzapakuvamba zvikuru dzinofanira kukurudzira, naizvozvo unofanira kukurumidza kukwanisa kuratidzira iri vara kusvikira pamwero une mufungo.
6 Chimwe chinodikanwa chinokosha chechivimbo, kana uri ane ruzivo rwokuzviwanira kana kuti kwete, ndiko kuziva mashoko ako uye kupwiswa kuti mashoko awa anokosha. Ikoko hakusati kuchingoreva bedzi kufanogadzirira zvakakwana nhau yako asi kuigadzira nokungwarira nokuda kwokururama. Kana uchiziva kuti kuri nokuda kwokufambira mberi kwako kubatira ushe hwaMwari pamwe chete nokuda kwokurayiridzwa kwehama dziri muvateereri, uchasvika chikuva nomurangariro wokunyengetera. Uchanyura munhau yacho uye uchazvikanganwa noruzazu rwako. Uchave uchifunga nezvokufadza Mwari, kwete vanhu.—VaG. 1:10; Eks. 4:10-12; Jer. 1:8.
7 Ikoku kunoreva kuti unofanira kupwiswa nechinhu chiri chose chauchataura. Iva nechokwadi mukugadzirira kwako kuti ikoku kwakadaro. Uye pashure pokunge waita zvose zvaunogona kugadzirira hurukuro inofadza uye mhenyu, kana uchiri kunzwa kuti hurukuro yacho haifadzi uye yakafa, yeuka kuti vateereri vapenyu vachaita kuti hurukuro yako ive mhenyu. Naizvozvo ita kuti vateereri vako vave vapenyu kupfurikidza nokupa kwako umene, uye kufarira kwako kuchakupa chivimbo mune zvaunofanira kupa.
8 Kungofanana nachiremba anotsvaka zviratidzo zvechirwere, naizvozvo anokupa zano achacherechedza zviratidzo zvinoratidzira zvakajeka kuyeukwa kwokudzikama. Uye kungofanana nachiremba akanaka achashandira pachisakiso chechirwere chako panzvimbo pezviratidzo, naizvozvo anokupa zano achaedza kukubetsera kukurira zvisakiso chaizvoizvo zvokushayikwa kwechivimbo uye kudzikama. Zvisinei, kuziva zviratidzo uye kuziva kuzvidzora kuchakubetsera chaizvoizvo kukurira zvisakiso zvikuru zvezviratidzo izvozvo. Zvii?
9 Kazhinji kazhinji, pane nzira mbiri dzinobuda nadzo mirangariro kana kuti ruzazu zvisingataurwi. Zvinogona kurongwa soufakazi hwomuviri uye zviratidzo zvenzwi. Apo izvozvi zvinoratidzirwa kusvikira kumwero upi noupi, tinotaura kuti munhu iyeyo haana kudzikama.
10, 11. Chimiro chomuviri chinogona sei kuratidzira kushayikwa kwechivimbo?
10 Kudzikama kunooneka muchimiro chomuviri. Ufakazi hwokutanga hwokudzikama, ipapoka, hunooneka muchimiro chomuviri wako. Hezvino zvinhu zvakati zvichakuratidza kana usina chivimbo. Tanga kurangarira maoko: maoko akapfumbatwa ari kumusana, akadzika akati kwati norutivi kana kuti akabata zvakasimba sitendi yomukurukuri; maoko anopinzwa apinzwazve nokubudiswa abudiswazve muhomwe, kukonopera uye kukonopora bhachi, kubata-bata dama pasina maturo, mhuno, magirazi ameso; majangariko asina kukwana; kutamba-tamba newachi, penzura, ringi kana kuti zvinonyorwa. Kana kuti rangarira kukweva tsoka pasi nguva dzose, kuzunungusa muviri; kumira musana wakati twasu miviri wakaomeswa kana kuti kudembedza mabvi; kunyorovesa miromo nguva dzose, kumedza wamedzazve mate, kufema nokukurumidza uye kufemeruka.
11 Ufakazi hwose ihwohwu hworuzazu hunogona kudzorwa kana kuti kuderedzwa kupfurikidza nenhamburiko yokungwarira. Kana ukaita nhamburiko iyoyo ucharatidzira kudzikama muchimiro chomuviri wako. Naizvozvo fema nomuzvarirwo uye zvakaenzana, uye ita nhamburiko chaiyoiyo yokusununguka. Tindika usati watanga kutaura. Vateereri vako vanosungirwa kuita chimwe chinhu chakanaka, uye ikokuwo, kuchakubetsera kuwana chivimbo chauri kutsvaka. Nangidzira ngwariro pamashoko ako, usati uchiitira hanya vateereri kana kuti kufunga pamusoro pako umene.
12-14. Kana inzwi romunhu richiratidzira kushayikwa kwechivimbo, chii chinogona kuitwa kuwana kudzikama?
12 Kudzikama kunoratidzwa nenzwi rakadzorwa. Ufakazi hwenzwi hunoratidzira ruzazu ndiro inzwi rakakwira zvisati zviri zvenguva dzose, kudedera kwenzwi, kukosora wakosorazve kuzarura pahuro, kutetepa kwechienzi kwenzwi kunoparirwa nokushayiwa maungira nemhaka yokusungika. Zvinetso izvozvi uye miitiro zvinogonawo kukurirwa kupfurikidza nenhamburiko yokushingaira.
13 Rega kukurumidza paunenge uchienda kuchikuva kana kuti kuronga zvinonyorwa zvako, asi iva akasununguka uye anofarira kugoverana zvinhu zvawakagadzirira. Kana uchiziva kuti une ruzazu apo unotanga kutaura, ipapo unofanira kuita nhamburiko chaiyo yokunonoka kutaura zvikuru musumo kupfuura nguva dzose uye nenzwi rakadzikira zvikuru rinopfuura raunganzwa kuti nderenguva dzose nokuda kwako. Ikoku kuchakubetsera kudzora ruzazu rwako. Uchawana kuti zvose zviri zviviri kujangarika uye kutindika zvichakubetsera kusununguka.
14 Asi rega kumira kusvikira waenda pachikuva kuti uite zvinhu zvose izvozvi. Disa kuva akadzikama uye akadzorwa mukutaura kwako kwezuva nezuva. Kuchaita zvakawanda kukupa chivimbo pachikuva uye muushumiri hwako hwomumunda, umo kunokosha zvikurusa. Kukurukura wakadzikama kuchasunungura vateereri vako kuti vagokwanisa kunangidzira ngwariro pamashoko. Kugarotsinhira pamisangano kuchakubetsera kuva anojaira kutaura pamberi peboka.
**********
15. Nei chitarisiko chako chakanaka chichikosha kwazvo?
15 Chitarisiko chako chakanaka chinogona kukuyamura kudzikama, asi chinokoshawo nokuda kwezvimwe zvikonzero. Kana chikasangwarirwa zvakakwana, mushumiri angawana kuti chitarisiko chake chinokanganisa vateereri vake zvokuti havapi ngwariro chaizvoizvo kune zvaari kutaura. Panzvimbo pezvo, ari kunangidzira ngwariro paari amene, uko, chokwadika asingadi kuita. Kana munhu asingangwariri zvikuru chitarisiko chake, angatoparira vamwe kuzvidza sangano raari rutivi rwaro uye kuramba shoko raari kupa. Ikoku hakusati kuchifanira kudaro. Naizvozvo, nepo “Chitarisiko chako” rakapedzisira kurongwa pafomu reZano Rokutaura, harisati richifanira kurangarirwa sereukoshi hudukusa.
16-21. Izanoi rinopiwa pamusoro pokupfeka kwakafanira nokutsvinda?
16 Zvipfeko zvakafanira uye kutsvinda. Kunyanyisa muzvipfeko kunofanira kudziviswa. Mushumiri wechiKristu haasati achizotevera miitiro yenyika inokwevera ngwariro kwaari amene. Achadzivisa kuva anonyanyisa kupfeka, kana kuti kupfeka nomutoo wokunyanyisa zvikuru zvokuti ngwariro inonangidzirwa kuzvipfeko. Uyewo, achashandisa ngwariro kuti agorega kupfeka nenzira youchapa. Kupfeka zvakakwana hakusati kuchida kuti munhu apfeke sutu itsva, asi munhu anogona nguva dzose kuva akashambidzika uye akachena. Mudhabha unofanira kuchiswa uye tai inofanira kusungwa zvakarurama. Izvozvo ndizvinhu izvo munhu upi noupi anogona kuita.
17 Zano pamusoro pezvipfeko iro muapostora Pauro akanyora, rinowanwa muna 1 Timotio 2:9, rakakodzera vakadzi vechiKristu nhasi. Sezvakuri kwechokwadi nehama, ivo havafaniri kupfeka nenzira yakadaro zvokukwevera ngwariro kwavari vamene, uye hakungavi kwakakodzera kuti vanyanyise muzvitaira zvenyika zvomupfekero zvinopa ufakazi hwokushayikwa kwomwero.
18 Chokwadika, kunofanira kuyeukwa kuti havasati vari vanhu vose vachapfeka zvakafanana. Havasati vachifanira kukarirwa kudaro. Vanhu vane zvisarudzo zvakasiyana-siyana, uye ikoku kwakafanira kwazvo. Unorangarirwa kuva mupfekero wakafanira unosiyanawo mumativi akasiyana-siyana enyika, asi nguva dzose kwakanaka kudzivisa kupfeka nenzira yakadaro zvokupa zvikarakadzo zvisina kunaka kundangariro dzaavo vari muvateereri uye kudzivisa kugumbura avo vanouya kumisangano yedu.
19 Kana kuri kupfeka kwakafanira kwehama pakupa hurukuro muchikoro kana kuti mumusangano webasa, kungataurwa kuti dzinofanira kupfeka nenzira imwe cheteyo zvikuru sehama inokurukura hurukuro yavose. Kana uri muitiro munzvimbo menyu kuti avo vanokurukura hurukuro dzavose vasunge tai uye vapfeke bhachi, ipapo ikoko kupfeka kwakafanirawo pakukurukura hurukuro muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari, sezvo uri kurovedzwa kukurukura pachena.
20 Kutsvinda kwakafanira kunofanirawo kungwarirwa. Vhudzi risina kupeturwa rinogona kusiya murangariro wakaipa. Tarisiro ine mufungo inofanira kushandiswa kuona kuti munhu anopa chitarisiko chakatsvinda muna ikoku. Nenzira yakafanana, apo varume vari muungano vanova nemigove mumisangano, vanofanira kuona kuti vakaveura ndebvu zvakafanira.
21 Kana riri zano pamusoro peiyi nhau yokupfeka zvakafanira uye kutsvinda, pane nzvimbo yerumbidzo iyoyi nguva dzose ingapiwa zvakafanira pachikuva. Kutaura idi, apo rumbidzo inopiwa kuna avo vanongwarira zvakafanira kupfeka kwavo nokutsvinda, ikoku kunokurudzira vamwe kutevera muenzaniso iwowo wakanaka. Zvisinei, apo kunenge kune kudikanwa kwevandudziko pamusoro pokupfeka nokutsvinda, kungava kuri nani kuti mutariri wechikoro ape zvikarakadzo izvozvi nenzira yomutsa vari voga, panzvimbo pokupa zano mudzidzi ari pachikuva.
22-28. Kurukura kuti chimiro chinogona sei kutapura chitarisiko chomunhu.
22 Chimiro chakafanira. Chimiro chakafanira chinobatanidzwa muchitarisiko chako. Zvakare, haasati ari munhu ari wose anomira nenzira imwe cheteyo, uye hapana kuedza kunofanira kuitwa kuita kuti hama dziwirirane nomutoo wakati wakaoma. Zvisinei, kunyanyisa kusingadikanwi uye kunokwevera ngwariro kumunhu wacho uye kure neshoko kunofanira kungwarirwa kuti kugogona kururamiswa kana kuti kubviswa.
23 Somuenzaniso, haasati ari munhu ari wose anomisa tsoka dzake nomutoo wakafanana chaizvo, uye kazhinji kazhinji, kuti unomira sei kunoita musiyano muduku, chero bedzi wakamira wakatwasuka. Asi kana mukurukuri achimira akataramutsa zvikuru makumbo ake zvokuti kunopa vateereri mufungo wokuti iye anofunga kuti akatasva bhiza, ikoko kunogona kukangaidza zvikuru.
24 Naizvozvowo, apo mukurukuri anenge akakotama, asingamiri akatwasuka, kunoparira kuti vateereri vanzwire urombo mukurukuri nemhaka yokuti haasati achiratidzika kuva akasimba, uye ikoku, chokwadika, kunoderedza mharidzo. Mifungo yavo haisati iri pane zvaari kutaura asi paari.
25 Kumira negumbo rimwe, rimwe gumbo rakakomba shure kwaro, kunopa ufakazi hwokushayika kuri pachena kwokudzikama, sezvinoita kumira maoko ako ari muhomwe dzako. Izvozvi ndizvinhu zvinofanira kudziviswa.
26 Nenzira yakafanana, nepo kusiri kusina kururama kuti mukurukuri panhambo nenhambo aise maoko ake pasitendi yomukurukuri, kana iripo, zvirokwazvo haasati achifanira kuzendama pasitendi yomukurukuri, sezvo muparidzi ari muushumiri hwomumunda asati achizozendama pagwatidzo resuo. Hakusati kuchipa chitarisiko chakanaka.
27 Zvisinei, kunofanira kusimbiswazve kuti vanhu vakasiyana. Haasati ari munhu ari wose anomira nenzira imwe cheteyo, uye kunongova bedzi kunyanyisa kusingadikanwi kunoderedza mharidzo yomunhu kunofanira kungwarirwa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari.
28 Kururamisa chimiro chako chaizvoizvo inhau yegadziriro. Kana uchifanira kuvandudza ichochi, unofanira kufanofunga ndokuziva kuti apo unokwira pachikuva unofanira kuva nechimiro chakafanira usati watanga kutaura. Ichi ndichimwe chinhuwo chinogona kururamiswa kupfurikidza nokushandisa chimiro chakafanira zuva riri rose.
29-31. Nei zvokushandisa zvedu zvichifanira kuva zvakatsvinda?
29 Zvokushandisa zvakatsvinda. Kana, apo munhu anenge achikurukura pasuo kana kuti achipa hurukuro ari pachikuva, mapepa akadonha achibva muBhaibheri raari kushandisa, nomutoo unooneka ikoku kunotsausa ngwariro. Kunopa chitarisiko chakaipa. Ikoku hakusati kuchireva kuti hapana chinhu chinofanira kumboiswa muBhaibheri, asi apo zvinetso zvinotanga kumuka izvo zvinoderedza hurukuro yomunhu, ipapo kunoratidza kuti ngwariro huru inofanira kupiwa kuchitarisiko chakafanira. Kwakanakawo kunzvera chitarisiko cheBhaibheri rako. Nemhaka yokushandiswa zvikuru rinogona kusvibiswa kana kuti kusakara ndokuratidzika kuva risina kutsvinda. Naizvozvo kungava kwakanaka kusarudza kana Bhaibheri rinoshandiswa pachikuva kana kuti muushumiri hwomumunda ringagumbura avo tiri kushuva kubatira.
30 Kumwe cheteku ndokwechokwadi nechikwama chomunhu chamabhuku. Kune nzira zhinji dzinogona kurongwa nadzo chikwama chamabhuku zvakatsvinda, kana, apo tinoenda pasuo nokutora chinyorwa muchikamu chedu, tichifanira kutsvangadzira mumapepa akawanda kuti tigochiwana, kana kuti kana, apo tinobudisa magazini, zvimwe zvinhu zvikawira pachikumbaridzo, chimwe chinhu chinofanira zvirokwazvo kuitwa pamusoro pako.
31 Kunogonawo kuva kunotsausa vateereri kana mukurukuri akazadza homwe dzake dzokunze namapeni nepenzura nezvimwe zvokushandisa zvinooneka pachena. Hapana mutemo unofanira kuitwa pamusoro pokuti munhu anochengeta papi zvinhu izvozvi, asi apo zvinotanga kukwevera ngwariro kwazviri ichibva pahurukuro, ipapo gadziriro yakati inofanira kuitwa.
32-34. Zvitarisiko zvechiso zvinoita rutivii muchitarisiko chedu?
32 Hapana chitarisiko chechiso chisina kufanira. Pakugadzirira hurukuro kune mufungo kurangarira chimiro chinoda mashoko acho. Somuenzaniso, pakutaura pamusoro porufu uye ruparadziko, kungava kusina kufanira kunyemwerera zvikuru. Nenzira yakafanana, pakutaura pamusoro pemamiriro ezvinhu anofadza etsika itsva yezvinhu, hakungatongovi kwakakodzera kufinyamisira vateereri chiso.
33 Kazhinji kazhinji chitarisiko chechiso hachisati chiri chinetso, uye, chokwadika, vamwe vanhu vanoda zvikuru kuva vanokosha muchitarisiko kupfuura vamwe. Chinofanira kudziviswa, zvisinei, ndiko kunyanyisa kunoderedza hurukuro. Kana chitarisiko chechiso chikamutsa mubvunzo mundangariro dzavateereri pamusoro pouchokwadi hwomukurukuri, zvirokwazvo ikoku kungava kusingadikanwi.
34 Naizvozvo kwakanaka pakugadzirira hurukuro kurangarira chimiro chainofanira kukurukurwa nacho. Kana iri nhau yakakomba, inobata nokuparadzwa kwavakaipa, ipapo inofanira kukurukurwa nenzira yakakomba. Uye kana uri kufunga nezvamashoko ndokuayeuka, chitarisiko chechiso chako muzvinoitika zvizhinji chicharatidzira izvozvo nenzira yomuzvarirwo. Kana iri nhau inofadza, inofanira kunyandura mufaro wavateereri, ipapo inofanira kukurukurwa nenzira inofadza. Uye kana uchinzwa wakasununguka uri pachikuva, chitarisiko chechiso chako kazhinji kazhinji chicharatidzira mufaro iwowo.