RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 16 p. 135-p. 138 ndim. 4
  • Chivimbo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chivimbo
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzikama uye Chitarisiko Chako
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Ndinogona Sei Kubudirira Kuva Mukurukuri Paruzhinji?
    Mukai!—2004
  • Mashoko Anorayiridza, Apiwa Zvakajeka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Sumo Inoita Kuti Vanhu Vafarire
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 16 p. 135-p. 138 ndim. 4

CHIDZIDZO 16

Chivimbo

Unofanira kuitei?

Mira, famba, uye taura wakadzikama, zviya zvinopa ruremekedzo uye zvinoratidza kuti wakadekara.

Nei zvichikosha?

Kana une chivimbo, sezvingabvira vateereri vako vachanyatsoteerera zvauri kutaura pane kutarira iwe.

HAZVISI zvitsva kuti mukurukuri ave nokutya paanosimuka kuti ataure, zvikurukuru kana asingawanzopi hurukuro. Muparidzi angati ityei pavanhu vashomanana vokutanga vaanotaura navo pazuva rebasa romumunda. Jeremia paakanzi ave muprofita, akati: “Handigoni kutaura, nokuti ndiri mwanana hangu.” (Jer. 1:5, 6) Jehovha akabatsira Jeremia, uye achakubatsirawo. Nokufamba kwenguva, uchava nechivimbo.

Mukurukuri ane chivimbo akadzikama. Kudzikama uku kunoonekwa nokumira kwaanenge akaita. Anomira akasununguka uye zvakakodzera nguva yacho. Kufamba-famba kwemaoko ake ndokuya kune zvakunoreva. Inzwi rake rine upenyu uye rinodzorwa.

Kunyange kana unganzwa sokuti rondedzero iyi yomunhu ane chivimbo haikukodzeri, unogona kuvandudza. Sei? Ngatikurukurei kuti nei mukurukuri achinzwa kutya uye achishaya chivimbo. Izvi zvingakonzerwa nomuviri wako.

Paunotarisana nechinhu chinonetsa uye uchida kuita zvakanaka asi usina chokwadi kuti uchadaro here, unonetseka. Saka uropi hwako hunoudza muviri kuti ugadzirire. Kugadzirira kunoita muviri kungaguma nokurova kwomwoyo kwakawedzerwa, kuchinja kwokufema, kuwedzera kudikitira, kana kuti kubvunda maoko nemabvi uye kudedera kwenzwi. Muviri wako uri kuedza kukubatsira kukurira mamiriro ako ezvinhu nokuwedzera mwero wesimba rako. Basa riri pakushandisa simba iroro kuti rive kufunga kwakanaka uye kukurukura nechido.

Maderedzerwo Okunetseka. Ziva kuti hapana chakamboipa nokunzwa uchiti netsekei. Zvisinei, kuti urambe une chivimbo, unofanira kuderedza kunetseka ndokutarisana nezvauri wakadzikama uye une chiremera. Ungaita sei izvozvi?

Nyatsogadzirira. Wanira hurukuro yako nguva yakawanda yokuigadzirira. Iva nechokwadi chokuti unonyatsonzwisisa zvauchataura nezvazvo. Kana hurukuro yako iri yokuti unozvisarudzira zvauchazokurukura, funga nezvezvinotozivikanwa nevateereri vako pamusoro penhau yacho uye zvauri kuedza kuvaudza. Izvi zvichakubatsira kusarudza mashoko anobatsira zvechokwadi. Pakutanga kana izvozvo zvakakuomera, kurukura dambudziko racho nomukurukuri ane ruzivo. Angakubatsira kuongorora mashoko ako uye vateereri vako nenzira inobatsira. Kana wava nechokwadi chokuti wava nemashoko achabatsira vateereri vako uye akujekera mupfungwa, chido chako chokuaudzawo vamwe chichatanga kukurira kutya kwaunganzwa pamusoro pokukurukura.

Fungisisa nezvesumo yako. Ziva kuti uchatanga sei. Kana hurukuro yako yangotanga, sezvingabvira kutya kwako kuchapera.

Izvozviwo zvinoshanda pakugadzirira ushumiri hwomumunda. Usangofunge nezvenhau yauchakurukura asi rudzi rwevanhu vaunenge uchipupurira. Nyatsoronga sumo yako. Dzidza paruzivo rwevaparidzi vave nounyanzvi.

Ungafunga kuti chivimbo chako chingawedzera kana ukaita zvokuverenga hurukuro pamberi peboka revanhu. Chaizvoizvo izvi zvingaguma nokutya kwakawedzerwa nguva imwe neimwe yaunopa hurukuro. Ichokwadi kuti vamwe vakurukuri vanonyora zvakawanda asi vamwe vachinyora zvishoma. Asi chichachinja zvaunenge uchifunga nezvazvo choderedza kutya kwako, haasi mashoko ari papepa, asi chivimbo chaunacho mumwoyo mako chokuti zvawakagadzirira vateereri vako zvinokosha zvechokwadi.

Dzidzira kukurukura kwako zvinonzwika. Kudzidzira kwakadaro kuchakupa chivimbo chokuti zvauri kufunga zvinogona kuita zvokutaurwa. Sezvaunodzidzira, uri kuisa mupfungwa mashoko anogona kuzoyeukwa zviri nyore paunozokurukura. Kudzidzira kwako ngakuve chinhu chaicho. Ona vateereri vako mupfungwa dzako. Gara patafura kana kuti mira, sezvauchazoita pauchakurukura.

Nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire. Achapindura munyengetero wakadaro here? “Ichi ndicho chivimbo chatinacho kwaari, kuti, zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nokuda kwake, anotinzwa.” (1 Joh. 5:14) Kana uchida kukudza Mwari uye kuti vanhu vabatsirwe neShoko rake, zvechokwadi achapindura munyengetero wako. Chivimbo ichocho chinogona kuita zvakawanda kukusimbisa kukurukura hurukuro yako. Uyezve, sezvaunokudziridza zvibereko zvomudzimu—rudo, rugare, unyoro, uye kuzvidzora—uchava norudzi rwepfungwa dzinodiwa kushanda panenge pachidiwa chivimbo.—VaG. 5:22, 23.

Wana ruzivo. Kana ukagara uchiita ushumiri hwomumunda, kutya kwako kuchaderera. Kana ukagara uchipindura pamisangano yeungano, zvichavawo nyore kutaura pamberi pevamwe. Hurukuro dzaunokurukura muungano sezvadzichawanda, sezvingabvira kutya kwaunonzwa usati wakurukura hurukuro imwe neimwe kuchaderera. Ungada kuva nemikana yakawedzerwa yokukurukura here? Kana zvakadaro zvipire kuva mukurukuri anotsiva muchikoro kana vamwe vakakundikana kupa hurukuro dzavo.

Kana waita zviri pamusoro apa, zvichakubatsira kuongorora zviratidzo zvokuti hauna kudzikama. Kuziva zviratidzo zvacho uye kudzidzira kurarama nazvo kuchakubatsira kutaura nechivimbo. Zviratidzo zvacho zvingava zvomumuviri kana kuti zvenzwi.

Zviratidzo Zvinoonekwa. Kuva nechivimbo, kana kuti kusava nacho, kunoratidzwa nokumira kwako uye kushandisa kwaunoita maoko ako. Chimbofunga nezvemaoko. Maoko akaberekwa, akaomarara ari pamativi, kana kuti akati dzvi kubata podhiyamu; maoko anongoramba achiiswa nokubudiswa muhomwe, kukopera nokukoponora mabhatani ebhachi, kungobata dama, mhuno, magirazi zvisina neshumo yose; maoko ari kutamba nekaringazuva, penzura, rin’i, kana kuti mapepa; kushandisa maoko uchidedera kana kuti zvisinganzwisisiki—zvinhu zvose izvi zvinoratidza kusava nechivimbo.

Kushayikwa kwechivimbo kungaratidzwawo nokungoramba uchifambisa-fambisa makumbo, kuramba uchivheyesa muviri, kuramba wakamira kuti twi kunge mupuranga, kunyanyozviregeredza, kuramba uchingonyorovesa miromo, kumedza mate kasingaperi, uye kufema uchiita sounozarirwa.

Nokuedza nomwoyo wose izvi zviratidzo zvokutya zvinogona kudzorwa. Shandira pane chimwe chete panguva. Sarudza chinetso chimwe chete, wofanofunga kuti unofanira kuitei kuti urege kudaro. Kana ukaedza kudaro, zvichaonekwa kuti unomira nechivimbo.

Zviratidzo Zvenzwi. Kutya kunobudiswa nenzwi kungava inzwi rakakwirira kwazvo kana kuti rinodedera. Pamwe unoramba uchikarara, kana kuti unokurumidza kutaura. Zvinetso uye tsika idzi dzinogona kupera nokushingaira kwazvo kudzora inzwi.

Kana uchitya, imbomira kuti ufeme zvishomanana asi zvakadzama usati waenda pachikuva. Edza kudzikamisa muviri wako wose. Pane kufunga nezvokutya kwako, funga nezvokuti nei uchida kuudza vateereri zvinhu zvawakagadzirira. Usati watanga kutaura, imbotarira vateereri vako, tarisa chiso chine ushamwari, wonyemwerera. Taura zvishoma nezvishoma pakusuma, wozonyura zvako muhurukuro yako.

Zvokutarisira. Usatarisira kuti kutya kwose kuchanyangarika. Vakurukuri vazhinji vave nemakore oruzivo rwokukurukura vanotyawo vasati vaenda pachikuva. Zvisinei, vakadzidza kudzora kutya kwavo. Mumwe mukurukuri akadaro akati: “Ndinonzwa nyoka kurira mudumbu mangu, asi iye zvino nyoka dzacho dzakadzikama.”

Kana ukaedza nomwoyo wose kusambova nokutya kunoonekwa, vateereri vako vachakuona somukurukuri ane chivimbo. Ungave uchiri kutya, asi vangasambozviziva izvozvo.

Yeuka kuti kuzvigadzirira kwomuviri kunounza zviratidzo zvokutya kunounzawo simba rakawedzerwa. Rishandise kutaura uchibudisa kunzwa kwako.

Hapana chikonzero chokumirira kusvikira waenda pachikuva kuti udzidzire zvinhu zvose izvi. Dzidzira kuva nechivimbo uye kuzvidzora uye kutaura uchibudisa manzwiro akakodzera muupenyu hwako hwezuva nezuva. Kana ukadaro zvicharamba zvichikubatsira pakuva nechivimbo pachikuva uye muushumiri hwomumunda, kwazvinokosha kwazvo.

MAWANIRWO ECHIVIMBO

  • Nyatsogadzirira.

  • Dzidzira kukurukura kwako zvinonzwika.

  • “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha” nokunyengetera.—Pis. 55:22.

  • Enda mubasa romumunda nguva dzose, gara uchipindura pamisangano, uye zvipire kuita hurukuro dzisina vakurukuri pachikoro.

  • Ziva zviratidzo zvokushayikwa kwokudzikama, wodzidzira kuzvidzivisa kana kuti kuzvidzora.

BASA ROKUITA: Vhiki imwe neimwe kwemwedzi wose, edza kupindura kanopfuura kamwe chete paChidzidzo cheNharireyomurindi uye paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Ona kuti kutya kunotanga kuderera paunopindura kechipiri kana kechitatu pamusangano mumwe chete.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe