RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 7/1 pp. 4-9
  • Kutsungirira Kusuruvara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsungirira Kusuruvara
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chinonzi Kusuruvara?
  • Kutsungirira Kusuruvara
  • Swedera Pedyo naMwari
  • Tariro Yokumutswa Kwevakafa
  • Ndinogona Sei Kugara Nenhamo Yangu?
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • “Ndinogona Sei Kurarama Nenhamo Yangu?”
    Mukai!—1988
  • “Chemai Nevanhu Vanochema”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Mazano Ekubatsira Vakafirwa
    Mukai!—2018
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 7/1 pp. 4-9

Kutsungirira Kusuruvara

“Vanakomana vake vose nevanasikana vake vose [vaJakobho] vakaenda kunomunyaradza, asi haana kubvuma kunyaradzwa. Akati, ‘Musandinyaradza, ndichaburukira kumwanakomana wangu muguva ndichichema.’ Saka baba vake vakaramba vachimuchema.”—GENESISI 37:35, The Holy Bible—New International Version.

TATEGURU Jakobho akachema zvikuru paakafirwa nemwanakomana wake. Aitarisira kuti aizoramba akasuruvara kusvikira pazuva rokufa kwake. Kufanana naJakobho, ungafunga kuti marwadzo okufirwa nomunhu waunoda akadzama zvikuru zvokuti haaperi. Kurwadziwa zvikuru kudaro kunoratidza kusatenda muna Mwari here? Kwete!

Bhaibheri rinoratidza kuti Jakobho aiva murume aiva nokutenda. Pamwe chete nasekuru vake Abrahamu uye nababa vake Isaka, Jakobho anonzi aiva nokutenda kwakasimba. (VaHebheru 11:8, 9, 13) Pane imwe nguva akatoita mutsimba nengirozi usiku hwose kuti akomborerwe naMwari! (Genesisi 32:24-30) Zviri pachena kuti Jakobho aiva noukama hwakasimba zvikuru naJehovha. Saka, tingadzidzei kubva pakusuruvara kwaJakobho? Kurwadziwa zvikuru nokusuruvara kwatinonzwa kana tafirwa nomunhu watinoda hakurevi kuti tinenge tisina kutenda kwakasimba muna Mwari. Zvagara zvakadaro kuti tose tinongorwadziwa kana tafirwa nomumwe munhu watinoda.

Chii Chinonzi Kusuruvara?

Tinosuruvara nenzira dzakasiyana-siyana, asi kune vakawanda, kusuruvara kunoreva kurwadziwa zvakanyanya mupfungwa. Chimbofunga nezvaLeonardo, aiva nemakore 14 baba vake pavakangoerekana vafa nechirwere chemwoyo. Leonardo haambofi akakanganwa musi waakaudzwa nezvazvo naamainini vake. Pakutanga haana kubvuma kuti zvakanga zvaitika. Akaona chitunha chababa vake pamariro, asi kwaari zvose zvaishamisa zvichiita sokunge zvaive zvisina kuitika. Kwemwedzi inenge mitanhatu, Leonardo haana kukwanisa kuchema. Kazhinji, aizviwana akamirira baba vake achifunga kuti vachadzoka kumba vachibva kubasa. Zvakamutorera rinenge gore asati atanga kuona kuti chokwadi baba vake vakanga vafa. Paakazodaro, akanzwa kusurukirwa zvikuru. Zvinhu zviduku zvakadai sokudzoka kumba opinda mumba musina munhu, zvaimuyeuchidza kuti baba vake vakanga vasisipo. Panguva dzakadaro, aiwanzoora mwoyo obva achema. Chokwadi akanga achifunga baba vake!

Sezvatiri kuona kune zvakaitika kuna Leonardo, munhu anogona kusuruvara zvikuru. Chinofadza ndechokuti anogona kuzonyevenuka. Zvisinei, zvingatora nguva. Sezvinongoita chironda kuti chinotora nguva kuti chipore, ndizvo zvinoitikawo nemarwadzo okufirwa nomunhu waunoda. Kunyevenuka kubva pamarwadzo okufirwa kungatora mwedzi yakawanda, makore mashomanana, kana akatowanda. Asi kurwadziwa zvikuru kwaunonzwa pakutanga kungadzikira nokufamba kwenguva, uye zvishoma nezvishoma upenyu hwako hunotangazve kuva netariro nechinangwa.

Panguva iyi, zvinonzi kurwadziwa inzira inodiwa yokuti munhu apore uye adzidzire kuchinjira kumamiriro ezvinhu matsva. Munhu aimbovapo anenge asisipo. Tinofanira kuchinja kuti tikwanise kurarama tisina munhu iyeye. Kuchema kungabatsira kunyevenutsa pfungwa. Zvechokwadi, vanhu havachemi zvakafanana. Zvisinei, chokwadi ndechokuti: Kuzvimanikidza kusachema kunogona kukuvadza munhu mupfungwa, uye utano hwake. Ungaratidza sei kurwadziwa nenzira dzisingazokukuvadzi? Bhaibheri rine mazano aungashandisa.a

Kutsungirira Kusuruvara

Vakawanda vanenge vafirwa vakawana kuti kutaura kunogona kubatsira kubvisa bundu rinenge riri pamwoyo. Somuenzaniso, cherechedza mashoko akataurwa naJobho womuBhaibheri, uyo akafirwa nevana gumi ndokutsungirira dzimwezve nhamo. Akati: “Chokwadi mweya wangu unosemeswa noupenyu hwangu. Ndichataura pamusoro pokunetseka kwangu. Ndichataura mweya wangu uchirwadziwa!” (Jobho 1:2, 18, 19; 10:1) Ona kuti Jobho aida ‘kutaura’ nezvokunetseka kwake. Aizozviita sei? Akatsanangura kuti, “Ndichataura.”

Paulo, uyo akafirwa naamai vake, anoti: “Chimwe chinhu chakandibatsira kwaiva kutaura nezvaamai vangu.” Saka kuudza shamwari yaunovimba manzwiro ako kunogona kumbokuzorodza. (Zvirevo 17:17) Pashure pokunge afirwa naamai vake, Yone akakumbira hama dzake dzechiKristu kuti dzigare dzichimushanyira. Anoti, “Kutaura kwaindinyaradza.” Iwewo ungawana zviri nyore kutsungirira manzwiro ako kana ukaudza mumwe munhu anonyatsoteerera.

Kunyora kunogonawo kubatsira kuderedza marwadzo. Vaya vanowana zvakaoma kutaura manzwiro avo vangawana zviri nyore kuabudisa vachiita zvokunyora. Sauro naJonatani vafa, murume akanga akavimbika Dhavhidhi akanyora rwiyo rwemariro umo akabudisa manzwiro okusuruvara kwake. Rwiyo rwemariro urwu rwakazovawo chikamu chebhuku reBhaibheri raSamueri Wechipiri.—2 Samueri 1:17–27.

Kuchema kungabatsirawo kuti munhu asanetseke mupfungwa. Bhaibheri rinoti, “Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yakatarwa, . . . nguva yokusvimha.” (Muparidzi 3:1, 4) Chokwadi patinofirwa nomumwe munhu watinoda inenge iri “nguva yokusvimha.” Hatifaniri kunyara kusvimha misodzi yokurwadziwa. Bhaibheri rine mienzaniso yakawanda yevarume nevakadzi vakatendeka vakachema pachena pavakarwadziwa. (Genesisi 23:2; 2 Samueri 1:11, 12) Jesu Kristu “akasvimha misodzi” paakasvika pedyo neguva reshamwari yake yaaida Razaro, akanga achangobva kufa.—Johani 11:33, 35.

Zvinoda kushivirira panguva iya yaunenge uchirwadziwa nokuti ungafunga kuti manzwiro ako ari kuchinja-chinja. Yeuka kuti haufaniri kunyara kuchema. Vanhu vakawanda vakatendeka vakawana kuti kusvimha misodzi yokurwadziwa zvinhu zvinoitwa nomunhu wose uye chinhu chinodiwa kuti munhu apore.

Swedera Pedyo naMwari

Bhaibheri rinotiudza kuti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Imwe nzira huru yokuti tiswedere pedyo naMwari ndeyokunyengetera. Usarerutsa munyengetero! Bhaibheri rinopa vimbiso iyi inonyaradza: “Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.” (Pisarema 34:18) Rinovimbisawo kuti: “Kanda mutoro wako pana Jehovha, iye achakutsigira.” (Pisarema 55:22) Chimbofunga izvi. Sezvatatoona, vakawanda vakawana zvichibatsira kuudza manzwiro avo shamwari yavanovimba. Hazvinganyanyi kubatsira zvikuru here kutaura manzwiro ako kuna Mwari uyo anovimbisa kunyaradza mwoyo yedu?—2 VaTesaronika 2:16, 17.

Paulo, uyo ambotaurwa, akati: “Pandainge ndava kunyanya kurwadziwa uye ndichinzwa kuti handichakwanisi kutsungirira, ndaipfugama ndonyengetera kuna Mwari. Ndaimukumbira kuti andibatsire.” Paulo ane chokwadi chokuti minyengetero yake yaimubatsira. Newewo ungawana kuti “Mwari wokunyaradza kwose” paanopindura minyengetero yako yomwoyo wose, anokupa ushingi uye simba rokuti utsungirire.—2 VaKorinde 1:3, 4; VaRoma 12:12.

Tariro Yokumutswa Kwevakafa

Jesu akati: “Ndini kumuka noupenyu. Anotenda mandiri, kunyange akazofa, achava mupenyu.” (Johani 11:25) Bhaibheri rinodzidzisa kuti vakafa vachararamazve.b Paaiva pano panyika, akaratidza kuti anogona kumutsa vakafa. Pane imwe nguva, akamutsa musikana ane makore 12. Vabereki vake vakaita sei? “Vakanga vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo.” (Mako 5:42) Kana ava kutonga muUmambo, Mambo wokudenga Jesu Kristu achamutsa vanhu vakawanda kuti vararame pasi pano, mumamiriro ezvinhu ane rugare uye akarurama. (Mabasa 24:15; 2 Petro 3:13) Chimbofungidzira mufaro mukuru uchavapo vakafa pavanenge vachimutswa uye vachisanganiswa nevanhu vavanoda!

Claudete, uyo akafirwa nomwanakomana wake mutsaona yendege, akanamira mufananidzo womwanakomana wake Renato, pafiriji. Anowanzotarisa mufananidzo wake obva azviudza kuti, ‘Tichasanganazve pachamutswa vakafa.’ Leonardo anofungidzira achiona baba vake vavazve vapenyu munyika itsva yakavimbiswa naMwari. Chokwadi, tariro yorumuko inovanyaradza uye inonyaradzawo vamwe vanhu vakawanda vasingaverengeki vakafirwa nevanhu vavanoda. Unogonawo kuva netariro iyi!

[Mashoko Omuzasi]

a Kana uchida mashoko anokurukura kuti ungabatsira sei vana vakafirwa nomunhu wavanoda, ona nyaya inoti “Batsira Mwana Wako Kuti Atsungirire Kusuruvara,” iri pamapeji 18 kusvika ku20 mumagazini ino.

b Kuti uwane mamwe mashoko anokurukura tariro yorumuko inotaurwa muBhaibheri, ona chitsauko 7 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 7]

“Mwari Wokunyaradza Kwose”

“Ngaarumbidzwe iye Mwari uye Baba vaShe wedu Jesu Kristu, Baba vengoni huru kwazvo uye Mwari wokunyaradza kwose.”—2 VaKorinde 1:3.

Ndima yeBhaibheri iyi inoratidza kuti Mwari anogona kubatsira vashumiri vake vakatendeka kuti vatsungirire chero chinetso kana dambudziko ripi zvaro ravangasangana naro. Imwe nzira ingashandiswa naJehovha kuvanyaradza ndeyokushandisa shamwari kana mumwe munhu wavanoda anotenda zvavanotendawo.

Leonardo uyo akafirwa naBaba vake, anoyeuka zvakaita kuti anyaradzwe uye ave nesimba. Akanga achangosvika pamba, uye paakayeuka kuti baba vake vakanga vasisipo, akatanga kuchema asinganyarari. Akaenda kupaki yaiva pedyo ndokugara pabhenji, paakaramba achingochema. Ari pakati pokuchema akakumbira Mwari kuti amubatsire. Pakarepo, imwe motokari yakamira pedyo naye, uye Leonardo akaona kuti mutyairi wacho aiva mumwe wehama dzake dzechiKristu. Hama yacho ine zvinhu zvainge zvatengwa zvayaiendesa kuvaridzi vazvo uye yakanga yarasika. Leonardo akanyaradzwa nokuvapo kwehama iyi.

Pane imwe nguva, imwe pfunda yainzwa kusurukirwa uye yakaora mwoyo zvikuru. Murume uyu aigara achingochema nokuti zvinhu zvose zvaiita sezvisina kana tariro. Akakumbira Mwari kuti amubatsire. Achiri kunyengetera, runhare rwakabva rwarira. Muzukurusikana wake ndiye akanga aridza runhare rwacho. Murume uyu anoti: “Kungokurukura kwatakaita muchidimbu ndiko kwakaita kuti ndishingezve. Ndakaona kuti munyengetero wangu wakanga wapindurwa norunhare urwu.”

[Bhokisi riri papeji 9]

Nyaradza Vamwe

“[Mwari] anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose, kuti tikwanise kunyaradza vaya vari pakutambudzika chero kworudzi rupi zvarwo nokunyaradza kwatiri kunyaradzwa nako naMwari.”—2 VaKorinde 1:4.

VaKristu vechokwadi vakawanda vakazvionera kuti mashoko iwayo ndeechokwadi. Pavanenge vanyaradzwa kuti vatsungirire kufirwa, vanoona kuti vanokwanisawo kukurudzira uye kunyaradza vamwe.

Chimbofunga nezvomuenzaniso waClaudete, uyo anogara achishanyira vaya vanotenda zvaanotendawo zviri muBhaibheri. Asati ashayikirwa nomwanakomana wake, aishanyira mumwe mukadzi aiva nomwanakomana wake akanga afa nechirwere chekenza. Mukadzi uyu aifarira kushanyirwa asi aifunga kuti Claudete aisazombokwanisa kunyatsonzwisisa kurwadziwa kwake. Zvisinei, mwanakomana waClaudete achangoshayika, mukadzi uyu akamushanyira ndokumuudza kuti akanga auya kuzoona kana Claudete achiri kutenda muna Mwari sezvo mwanakomana wake akanga afa. Ashamiswa nokutenda kwakasimba kwaClaudete, mukadzi uyu ava kugara achidzidza Bhaibheri naClaudete uye ari kunyaradzwa neShoko raMwari.

Leonardo afirwa nababa vake, akasarudza kudzidzira mutauro wemasaini kuti agonyaradza matsi achishandisa mashoko ari muBhaibheri. Akaona kuti kushanda nesimba kuti abatsire matsi kwakamubatsira zvikuru. Anoti: “Chimwe chinhu chakandibatsira kutsungirira kusuruvara chaiva chido changu chokubatsira matsi kuti dzidzidze pamusoro paMwari. Ndiri kushandisa nguva yakawanda uye ndiri kushanda nesimba kuti ndidzibatsire. Kusuruvara kwangu kwakava mufaro pandakaona munhu wandakatanga kudzidza naye Bhaibheri achibhabhatidzwa! Kutaura chokwadi, kokutanga kubva pakafa baba vangu, ndakanzwa ndichifara zvikuru.”—Mabasa 20:35.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Kutaura manzwiro ako kunogona kumbokuzorodza

[Mufananidzo uri papeji 6]

Kunyora kunogona kubatsira kubudisa marwadzo

[Mufananidzo uri papeji 6]

Kuverenga nezvetariro yokumutswa kwevakafa kunogona kunyaradza zvikuru

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Jesu akavimbisa kuti vaya vanotenda maari vachamutswa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe