Chidzidzo 11
Zvitendero Netsika Zvisingafadzi Mwari
Zvitendero zvorudzii netsika zvisina kururama? (1)
VaKristu vanofanira kudavira kuti Mwari Utatu here? (2)
Neiko vaKristu vechokwadi vasingachengeti Krisimasi, Isita, kana kuti mazuva okuzvarwa? (3, 4)
Vakafa vanogona kukuvadza vapenyu here? (5) Jesu akafira pamuchinjikwa here? (6) Kunokosha sei kufadza Mwari? (7)
1. Hazvisati zviri zvitendero zvose netsika zvakashata. Asi Mwari haazvitenderi kana zvichibva murudzidziso rwenhema kana kuti zvichipesana nedzidziso dzeBhaibheri.—Mateo 15:6.
2. Utatu: Jehovha Utatu here—vanhu vatatu muna Mwari mumwe? Aiwa! Jehovha, Baba, ndi“Mwari uri woga wazvokwadi.” (Johane 17:3; Marko 12:29) Jesu ndiye Mwanakomana Wake wedangwe, uye anozviisa pasi paMwari. (1 VaKorinte 11:3) Baba vakuru zvikuru kupfuura Mwanakomana. (Johane 14:28) Mudzimu mutsvene hausi munhu; isimba raMwari rinobate basa.—Genesi 1:2; Mabasa 2:18.
3. Krisimasi neIsita: Jesu haana kuberekwa pana December 25. Akaberekwa panenge pana October 1, nguva yegore apo vafudzi vamakwai vaichengeta mapoka avo kunze usiku. (Ruka 2:8-12) Jesu haana kumborayira vaKristu kuchengeta kuberekwa kwake. Panzvimbo pezvo, akaudza vadzidzi vake kurangarira, kana kuti kuyeuka, rufu rwake. (Ruka 22:19, 20) Krisimasi netsika dzayo zvinobva mumarudzidziso enhema ekare. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi netsika dzeIsita, dzakadai sokushandiswa kwamazai netsuro. VaKristu vapakuvamba havana kuchengeta Krisimasi kana kuti Isita, uyewo vaKristu vechokwadi havadaro nhasi.
4. Mazuva Okuzvarwa: Kuchengetwa kwamazuva okuzvarwa kuviri bedzi kunotaurwa nezvako muBhaibheri kwakaitwa navanhu vakanga vasinganamati Jehovha. (Genesi 40:20-22; Marko 6:21, 22, 24-27) VaKristu vapakuvamba havana kuchengeta mazuva okuzvarwa. Muitiro wokuchengeta mazuva okuzvarwa unobva mumarudzidziso enhema ekare. VaKristu vechokwadi vanopa zvipo ndokuva nenguva dzinofadza pamwe chete padzimwe nguva mukati megore.
5. Kutya Vakafa: Vakafa havagoni kuita chinhu chipi nechipi kana kuti kunzwa chinhu chipi nechipi. Hatigoni kuvabetsera, uye havagoni kutikuvadza. (Pisarema 146:4; Muparidzi 9:5, 10) Mweya unofa; haupfuuriri kurarama pashure porufu. (Ezekieri 18:4) Asi pane dzimwe nguva ngirozi dzakaipa, dzinonzi madhemoni, dzinoedzesera kuva midzimu yavakafa. Tsika dzipi nedzipi dzine chokuita nokutya kana kuti kunamata vakafa hadzina kururama.—Isaya 8:19.
6. Muchinjikwa: Jesu haana kufira pamuchinjikwa. Akafira pabango, kana kuti danda. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “muchinjikwa” mumaBhaibheri mazhinji raireva bedzi chidimbu chimwe bedzi chomuti. Chiratidzo chemuchinjikwa chinobva mumarudzidziso enhema ekare. Muchinjikwa wakanga usingashandiswi kana kuti kunamatwa navaKristu vapakuvamba. Naizvozvo, unofunga kuti kwaizova kwakarurama here kushandisa muchinjikwa mukunamata?—Dheuteronomio 7:26; 1 VaKorinte 10:14.
7. Kungava kwakaoma zvikuru kusiya zvimwe zveizvi zvitendero netsika. Hama dzokunyama neshamwari vangaedza kukupwisa kusachinja zvitendero zvako. Asi kufadza Mwari kunokosha zvikuru kupfuura kufadza vanhu.—Zvirevo 29:25; Mateo 10:36, 37.
[Mufananidzo uri papeji 22]
Mwari haasi Utatu
[Mufananidzo uri papeji 23]
Krisimasi neIsita zvinobva mumarudzidziso enhema ekare
[Mufananidzo uri papeji 23]
Hapana chikonzero chokunamata vakafa kana kuti kuvatya