CHIDZIDZO 4
Kukurukura Uchitsetsenura
KANA uchiverenga zvinonzwika, unovhiringidzika pane mamwe mashoko here? Kana kuti paunomira pamberi pevanhu kuti ukurukure, unowana uchiita zvokutsvakiridza mashoko akakodzera here? Kana zvakadaro, pamwe unonetseka nokutsetsenura. Munhu anotaura achitsetsenura anoverenga uye anotaura zvokuti mashoko nepfungwa dzaanoda kutaura zvinotevedzana zviri nyore, zvakajeka. Izvi hazvirevi kuti haambonyarari, uye kuti anotaura nokukurumidza, kana kuti anotaura asingambofungi. Kutaura kwake kunoyerera zvinonakidza. Kutaura uchitsetsenura kunodzidziswa muChikoro chaMwari Choushumiri.
Pane zvakati kuti zvingatadzisa kutaura uchitsetsenura. Pane zvaungada kunyatsotarira here pane zvinotevera? (1) Pakuverengera vamwe, kusajairana nemamwe mashoko kungaita kuti uzeze. (2) Kupota uchimira zvishoma munzvimbo dzakawanda kungaguma nokukurukura kusina kutsetseka. (3) Kusagadzirira kungawedzerawo dambudziko racho. (4) Pakutaura neboka revanhu, chimwe chinhu chinowanzotadzisa kutsetsenura kukundikana kuronga mashoko zvinotevedzana. (5) Kusanyatsoziva mashoko akawanda omutauro kungaita kuti munhu azeze sezvaanoita zvokutsvaka mashoko akarurama. (6) Kana mashoko akawandisa akasimbiswa, kutsetsenura kungakanganiswa. (7) Kusajairana nemitemo yomutauro wacho (girama) kungawedzera dambudziko racho.
Kana usingagoni kutsetsenura, vanhu vangasabuda muImba yoUmambo chaizvoizvo, asi pfungwa dzavo dzingapembera zvadzo. Saka zvizhinji zvaunotaura zvingasabatsira.
Asiwo kungwarira kunodikanwa kuitira kuti kutaura kunofanira kuva nesimba kwokutsetsenura kurege kuva kwakanyanyisa, zvimwe kuchitoita kuti vateereri vanzwe vachikunyarira. Kana vanhu vakaona makurukuriro ako seasina kuzvidzora kana kuti asiri omwoyo wose pamusana pokusiyana kwetsika, izvozvo zvichavhiringidza chinangwa chako. Zvinokosha kuziva kuti kunyange zvazvo muapostora Pauro, aiva mukurukuri aiva nounyanzvi, akaenda kuvaKorinde a“sina simba uye norutyo nokudedera kukuru” kuitira kuti asazviwanire mbiri pasina chikonzero.—1 VaK. 2:3.
Tsika Dzokurega. Vanhu vazhinji vane tsika dzokusanganisira mashoko akadai sookuti “dzokonokei; e-e-e; bva; idika, zvichida; handiti,” vachingoadzokorora mukutaura kwavo. Vamwe vanongoramba vachitanga pfungwa itsva nokuti “zvino; ndizvo; nokuda kwaikoku;” kana kuti vanotaura vachiisa mashoko asingakodzeri akadai sokuti “unogona kuva uchi . . . ,” “unokwanisa kuva uchi . . . ” kana kuti “sokunge zvakadaro,” nemamwewo mashoko pose pavanenge vachitaura. Pamwe hauzivi kuti unodzokorora mashoko akadaro kakawanda zvakadini. Ungamboedza kudzidzira kukurukura mumwe munhu akateerera, odzokorora mashoko aya nguva imwe neimwe yaunoashandisa. Ungashamisika.
Vamwe vanhu vanoverenga nokutaura vachidzokorora-dzokorora. Izvi zvinoreva kuti, vanotanga kutaura chirevo asi vasati vachipedza vanozvivhiringidza vobva vadzokorora chikamu chezvavatotaura kare.
Uyewo vamwe vanotaura vachikurumidza, asi vanotanga neimwe pfungwa, zvadaro, vave pakati pechirevo, vochinjira kune imwe. Kunyange mashoko achiteverana zvakanaka, kungoerekana wachinja pfungwa kunokanganisa kutsetsenura kwako pakutaura.
Mavandudziro Aungaita. Kana dambudziko rako riri rokuti unowanzoita zvokutsvakiridza shoko rakakodzera, unofanira kuedza zvakasimba kuvaka dura rako remashoko. Nyatsocherechedza mashoko ausingazivi muNharireyomurindi, Mukai!, uye mamwe mabhuku aungave uchiverenga. Atarire muduramanzwi, tarira kuti anotaurwa sei uye zvaanoreva, wobva wawedzera mamwe emashoko aya mudura rako. Kana pasina duramanzwi riripo, kumbira kubatsirwa nomumwe munhu anoziva mutauro wacho.
Kuva netsika yokugara uchiverenga zvinonzwika kuchakubatsira kuvandudza. Cherechedza mashoko akaoma, woadzokorora zvinonzwika kakawanda.
Kuti uverenge uchitsetsenura, zvinokosha kuti unzwisise kuti mashoko acho anopindirana sei muchirevo chacho. Mashoko anowanzoda kuverengwa achibatanidzwa kuva boka kuti abudise pfungwa yomunyori wacho. Nyatsocherechedza mapoka iwayo emashoko. Kana zvichikubatsira aise chiratidzo. Chinangwa chako hachisi chokungoverenga mashoko zvakarurama asiwo kutaura pfungwa zvakajeka. Kana waongorora chirevo chimwe, enda kune chinotevera, kusvikira wadzidza ndima yose. Jairana nokupindirana kuri kuita pfungwa. Zvadaro wodzidzira kuverenga zvinonzwika. Ramba uchiverenga ndima kusvikira wave kugona kuiverenga usingakanganisi uye usingamiri pasingafaniri kumirwa. Zvadaro woenda kune dzimwe ndima.
Wapedza izvi, wedzera kumhanya kwako. Kana wave kunzwisisa kuti mashoko ari muchirevo chimwe chete anoshanda pamwe sei, uchakwanisa kuona rinopfuura shoko rimwe panguva uye kutarisira rinofanira kutevera. Izvi zvichawedzera kwazvo kubudirira kwako pakuverenga.
Kudzidzira kugara uchiverenga mashoko paunongoaona kungava kuzvidzidzisa chinhu chinobatsira. Somuenzaniso, usina kufanogadzirira, verenga rugwaro rwezuva nemashoko akadhindwa zvinonzwika; gara uchidaro. Jairana nokuita kuti ziso rako rione mashoko ari seboka rine zvarinoreva pane kuona shoko rimwe chete chete panguva.
Pakukurukurirana, kuti utsetsenure zvinoda kuti ufunge usati wataura. Dzidzira kuita izvozvo pamabasa ako ezuva nezuva. Sarudza kuti ipfungwa dzipi dzauri kuda kutaura uye kutevedzana kwauchadzitaura nakwo; zvadaro chitanga kutaura. Usamhanye. Edza kutaura pfungwa yakakwana usina kumbomira kana kuchinja pfungwa yacho wave pakati. Zvingakubatsira kana ukashandisa zvirevo zvipfupi zvisina kuoma.
Mashoko anofanira kungozviuyira oga kana uchinyatsoziva zvauri kuda kutaura. Kazhinji hazvikoshi zvazvo kuti uite zvokuasarudza mashoko auchashandisa. Chaizvoizvo kana kuri kungoda kudzidzira chete, zviri nani kungova nechokwadi chokuti zvauri kuda kutaura zvakajeka mupfungwa dzako zvadaro wofunga nezvemashoko acho sezvaunotaura. Kana ukadaro uye pfungwa dzako dzikaramba dziri pane zvauri kuda kutaura kwete mashoko auri kushandisa, mashoko acho achangozviuyira oga, uye pfungwa dzacho uchadzitaura dzichibva pamwoyo. Asi ukangotanga kufunga nezvemashoko pane kufunga zvauri kuda kutaura, kutaura kwako kungasava kwokutsetsenura. Nokudzidzira, unogona kubudirira kukurukura uchitsetsenura, chiri chinhu chinokosha pakukurukura nokuverenga zvinobudirira.
Paakakumbirwa kumiririra Jehovha kurudzi rwaIsraeri uye pamberi paFarao weIjipiti, Mosesi akafunga kuti akanga asingakwanisi. Pamusana pei? Akanga asiri munhu anotaura achitsetsenura; angave aindandama. (Eks. 4:10; 6:12) Mosesi akapa zvikonzero, asi hapana kana nechimwe chaizvozvi chakagamuchirwa naMwari. Jehovha akatuma Aroni kuti azotaura achimiririra Mosesi, asi Akabatsirawo iye Mosesi kuti ataure. Mosesi akataura kakawanda uye zvinobudirira, kwete nevanhu uye mapoka maduku asi kurudzi rwose. (Dheut. 1:1-3; 5:1; 29:2; 31:1, 2, 30; 33:1) Kana iwe ukaita zvaunogona nomwoyo wako wose uchivimba naJehovha, newewo ungashandisa mano ako okutaura kukudza Mwari.