RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be chidzidzo 4 p. 93-p. 96 ndim. 2
  • Kukurukura Uchitsetsenura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukurukura Uchitsetsenura
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Kudekudza, Kukurukura Kwokukurukurirana Kune Kududzwa Kwamashoko Kwakafanira
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kushandisa Kutaura Kwakanaka Zuva Riri Rose
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • ʽZvishandise Kuti Urave Pamheneʼ
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Kuva Akasununguka
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be chidzidzo 4 p. 93-p. 96 ndim. 2

CHIDZIDZO 4

Kukurukura Uchitsetsenura

Unofanira kuitei?

Verenga uye taura zvokuti mashoko ako nepfungwa zvinoita muchechetere mvura yeguvi. Kana hurukuro ichiita zvokutsetsenurwa, kutaura kwacho hakusi kwokuzeza, kana kunonoka kwazvo, hapana kundandama pamashoko kana kuti kuita pfungwa dzokutsvakiridza.

Nei zvichikosha?

Kana mukurukuri asingatsetsenuri, pfungwa dzevateereri dzingadzungaira; pfungwa dzisiri idzo dzingapiwa. Zvinotaurwa zvingasava nesimba rokuchinja munhu.

KANA uchiverenga zvinonzwika, unovhiringidzika pane mamwe mashoko here? Kana kuti paunomira pamberi pevanhu kuti ukurukure, unowana uchiita zvokutsvakiridza mashoko akakodzera here? Kana zvakadaro, pamwe unonetseka nokutsetsenura. Munhu anotaura achitsetsenura anoverenga uye anotaura zvokuti mashoko nepfungwa dzaanoda kutaura zvinotevedzana zviri nyore, zvakajeka. Izvi hazvirevi kuti haambonyarari, uye kuti anotaura nokukurumidza, kana kuti anotaura asingambofungi. Kutaura kwake kunoyerera zvinonakidza. Kutaura uchitsetsenura kunodzidziswa muChikoro chaMwari Choushumiri.

Pane zvakati kuti zvingatadzisa kutaura uchitsetsenura. Pane zvaungada kunyatsotarira here pane zvinotevera? (1) Pakuverengera vamwe, kusajairana nemamwe mashoko kungaita kuti uzeze. (2) Kupota uchimira zvishoma munzvimbo dzakawanda kungaguma nokukurukura kusina kutsetseka. (3) Kusagadzirira kungawedzerawo dambudziko racho. (4) Pakutaura neboka revanhu, chimwe chinhu chinowanzotadzisa kutsetsenura kukundikana kuronga mashoko zvinotevedzana. (5) Kusanyatsoziva mashoko akawanda omutauro kungaita kuti munhu azeze sezvaanoita zvokutsvaka mashoko akarurama. (6) Kana mashoko akawandisa akasimbiswa, kutsetsenura kungakanganiswa. (7) Kusajairana nemitemo yomutauro wacho (girama) kungawedzera dambudziko racho.

Kana usingagoni kutsetsenura, vanhu vangasabuda muImba yoUmambo chaizvoizvo, asi pfungwa dzavo dzingapembera zvadzo. Saka zvizhinji zvaunotaura zvingasabatsira.

Asiwo kungwarira kunodikanwa kuitira kuti kutaura kunofanira kuva nesimba kwokutsetsenura kurege kuva kwakanyanyisa, zvimwe kuchitoita kuti vateereri vanzwe vachikunyarira. Kana vanhu vakaona makurukuriro ako seasina kuzvidzora kana kuti asiri omwoyo wose pamusana pokusiyana kwetsika, izvozvo zvichavhiringidza chinangwa chako. Zvinokosha kuziva kuti kunyange zvazvo muapostora Pauro, aiva mukurukuri aiva nounyanzvi, akaenda kuvaKorinde a“sina simba uye norutyo nokudedera kukuru” kuitira kuti asazviwanire mbiri pasina chikonzero.—1 VaK. 2:3.

Tsika Dzokurega. Vanhu vazhinji vane tsika dzokusanganisira mashoko akadai sookuti “dzokonokei; e-e-e; bva; idika, zvichida; handiti,” vachingoadzokorora mukutaura kwavo. Vamwe vanongoramba vachitanga pfungwa itsva nokuti “zvino; ndizvo; nokuda kwaikoku;” kana kuti vanotaura vachiisa mashoko asingakodzeri akadai sokuti “unogona kuva uchi . . . ,” “unokwanisa kuva uchi . . . ” kana kuti “sokunge zvakadaro,” nemamwewo mashoko pose pavanenge vachitaura. Pamwe hauzivi kuti unodzokorora mashoko akadaro kakawanda zvakadini. Ungamboedza kudzidzira kukurukura mumwe munhu akateerera, odzokorora mashoko aya nguva imwe neimwe yaunoashandisa. Ungashamisika.

Vamwe vanhu vanoverenga nokutaura vachidzokorora-dzokorora. Izvi zvinoreva kuti, vanotanga kutaura chirevo asi vasati vachipedza vanozvivhiringidza vobva vadzokorora chikamu chezvavatotaura kare.

Uyewo vamwe vanotaura vachikurumidza, asi vanotanga neimwe pfungwa, zvadaro, vave pakati pechirevo, vochinjira kune imwe. Kunyange mashoko achiteverana zvakanaka, kungoerekana wachinja pfungwa kunokanganisa kutsetsenura kwako pakutaura.

Mavandudziro Aungaita. Kana dambudziko rako riri rokuti unowanzoita zvokutsvakiridza shoko rakakodzera, unofanira kuedza zvakasimba kuvaka dura rako remashoko. Nyatsocherechedza mashoko ausingazivi muNharireyomurindi, Mukai!, uye mamwe mabhuku aungave uchiverenga. Atarire muduramanzwi, tarira kuti anotaurwa sei uye zvaanoreva, wobva wawedzera mamwe emashoko aya mudura rako. Kana pasina duramanzwi riripo, kumbira kubatsirwa nomumwe munhu anoziva mutauro wacho.

Kuva netsika yokugara uchiverenga zvinonzwika kuchakubatsira kuvandudza. Cherechedza mashoko akaoma, woadzokorora zvinonzwika kakawanda.

Kuti uverenge uchitsetsenura, zvinokosha kuti unzwisise kuti mashoko acho anopindirana sei muchirevo chacho. Mashoko anowanzoda kuverengwa achibatanidzwa kuva boka kuti abudise pfungwa yomunyori wacho. Nyatsocherechedza mapoka iwayo emashoko. Kana zvichikubatsira aise chiratidzo. Chinangwa chako hachisi chokungoverenga mashoko zvakarurama asiwo kutaura pfungwa zvakajeka. Kana waongorora chirevo chimwe, enda kune chinotevera, kusvikira wadzidza ndima yose. Jairana nokupindirana kuri kuita pfungwa. Zvadaro wodzidzira kuverenga zvinonzwika. Ramba uchiverenga ndima kusvikira wave kugona kuiverenga usingakanganisi uye usingamiri pasingafaniri kumirwa. Zvadaro woenda kune dzimwe ndima.

Wapedza izvi, wedzera kumhanya kwako. Kana wave kunzwisisa kuti mashoko ari muchirevo chimwe chete anoshanda pamwe sei, uchakwanisa kuona rinopfuura shoko rimwe panguva uye kutarisira rinofanira kutevera. Izvi zvichawedzera kwazvo kubudirira kwako pakuverenga.

Kudzidzira kugara uchiverenga mashoko paunongoaona kungava kuzvidzidzisa chinhu chinobatsira. Somuenzaniso, usina kufanogadzirira, verenga rugwaro rwezuva nemashoko akadhindwa zvinonzwika; gara uchidaro. Jairana nokuita kuti ziso rako rione mashoko ari seboka rine zvarinoreva pane kuona shoko rimwe chete chete panguva.

Pakukurukurirana, kuti utsetsenure zvinoda kuti ufunge usati wataura. Dzidzira kuita izvozvo pamabasa ako ezuva nezuva. Sarudza kuti ipfungwa dzipi dzauri kuda kutaura uye kutevedzana kwauchadzitaura nakwo; zvadaro chitanga kutaura. Usamhanye. Edza kutaura pfungwa yakakwana usina kumbomira kana kuchinja pfungwa yacho wave pakati. Zvingakubatsira kana ukashandisa zvirevo zvipfupi zvisina kuoma.

Mashoko anofanira kungozviuyira oga kana uchinyatsoziva zvauri kuda kutaura. Kazhinji hazvikoshi zvazvo kuti uite zvokuasarudza mashoko auchashandisa. Chaizvoizvo kana kuri kungoda kudzidzira chete, zviri nani kungova nechokwadi chokuti zvauri kuda kutaura zvakajeka mupfungwa dzako zvadaro wofunga nezvemashoko acho sezvaunotaura. Kana ukadaro uye pfungwa dzako dzikaramba dziri pane zvauri kuda kutaura kwete mashoko auri kushandisa, mashoko acho achangozviuyira oga, uye pfungwa dzacho uchadzitaura dzichibva pamwoyo. Asi ukangotanga kufunga nezvemashoko pane kufunga zvauri kuda kutaura, kutaura kwako kungasava kwokutsetsenura. Nokudzidzira, unogona kubudirira kukurukura uchitsetsenura, chiri chinhu chinokosha pakukurukura nokuverenga zvinobudirira.

Paakakumbirwa kumiririra Jehovha kurudzi rwaIsraeri uye pamberi paFarao weIjipiti, Mosesi akafunga kuti akanga asingakwanisi. Pamusana pei? Akanga asiri munhu anotaura achitsetsenura; angave aindandama. (Eks. 4:10; 6:12) Mosesi akapa zvikonzero, asi hapana kana nechimwe chaizvozvi chakagamuchirwa naMwari. Jehovha akatuma Aroni kuti azotaura achimiririra Mosesi, asi Akabatsirawo iye Mosesi kuti ataure. Mosesi akataura kakawanda uye zvinobudirira, kwete nevanhu uye mapoka maduku asi kurudzi rwose. (Dheut. 1:1-3; 5:1; 29:2; 31:1, 2, 30; 33:1) Kana iwe ukaita zvaunogona nomwoyo wako wose uchivimba naJehovha, newewo ungashandisa mano ako okutaura kukudza Mwari.

KURARAMA NOKUNDANDAMA

Pane zvakawanda zvingakonzera kundandama. Zvinobatsira kurapa vamwe zvingasabudirira kune vamwe. Asi kuti uwane mufaro wokubudirira, zvinokosha kuti urambe uchiedza.

Kungofunga nezvokupindura pamusangano kunokuita kuti utye, kana kutovhunduka here? Nyengetera kuti Jehovha akubatsire. (VaF. 4:6, 7) Pfungwa dzako ngadzive pakukudza Jehovha nokubatsira vamwe. Usatarisire kuti dambudziko racho richanyangarika zvachose, asi tarisa kuti uri kubatsirwa sei kurarama naro. Sezvaunowana chikomborero chaJehovha uye hama dzako dzichikukurudzira, ungada kuita zvakawedzerwa.

Chikoro chaMwari Choushumiri chinokupa mukana wokuwana ruzivo pakutaura pamberi peboka revanhu. Ungashamisika kuona kuti unoita zvakanaka sei pamberi pevanhu vashomanana vanokutsigira uye vanoda kuti ubudirire. Izvi zvinogona kukubatsira kuti uve nechivimbo chokutaura mune mamwe mamiriro ezvinhu.

Kana uchizopa hurukuro, nyatsogadzirira. Ingofunga nezvemapiro auchaita hurukuro yako chete. Taura nesimba rakakodzera. Kana ukatanga kundandama uchitaura, ita kuti inzwi rako nomutoo wako wokukurukura zvirambe zvakadzikama sokugona kwaungaita. Tsandanyama dzeshaya dzako ngadzisununguke. Taura zvirevo zvipfupi. Usanyanyoshandisa mashoko anongodzokororwa zvisina kufanira, akadai sa“e-e-e” uye “a-a-a.”

Kana vave kuziva mashoko aivanetsa munguva yakapfuura, vamwe vari kudzidza kurarama nokundandama havaashandisi asi vanoshandisa mamwe anoreva zvakafanana. Vamwe vanofarira kuziva matauriro anovanetsa zvikuru voadzidzira kakawanda.

Kana ukandandama paunenge uchitaurirana nevamwe, usanete pakuedza kwako kutaura. Ungakurudzira mumwe wacho kuti arambe achitaura kusvikira wave kukwanisa kupindira. Kana uchida ingonyora kapepa, kana kuti ratidza munhu wacho chimwe chinhu chakanyorwa.

MAITIRWO AZVO

  • Pakuverenga magazini uye mabhuku, tara mashoko matsva, tsvaka zvaanoreva chaizvoizvo, wobva waashandisa.

  • Dzidzira kuverenga zvinonzwika anenge maminitsi mashanu kusvika kugumi zuva nezuva.

  • Nyatsogadzirira huruku dzokuverenga. Nyatsocherechedza mapoka emashoko anopa pfungwa yakakwana. Jairana nokupindirana kwepfungwa.

  • Pakutaura kwezuva nezuva, dzidza kutanga wafunga wozotaura chirevo chakazara usina kumbomira.

BASA ROKUITA: Nyatsoongorora Vatongi 7:1-25, uchidzidza paragirafu imwe neimwe panguva. Iva nechokwadi chokuti wanzwisisa zvainoreva. Uchishandisa duramanzwi, tarisa mashoko ausingazivi. Taura mazita ose arimo zvinonzwika. Zvadaro woverenga paragirafu yacho zvinonzwika; wonyatsoiverenga zvakarurama. Kana wave kuigona, enda kune inotevera, zvichingodaro. Wapedza kudaro woverenga chitsauko chose. Dzokororazve, panguva ino uchiti kurumidzei. Dzokororazve, uchitokurumidza pazvikamu zvakakodzera kuti udaro—asi kwete kukurumidza zvokuti unovhiringidzika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe