Musangano Webasa Unotishongedzera nokuda Kwebasa Riri Rose Rakanaka
1 Donzo roMusangano Webasa nderokutinyandura nokutishongedzera kugoverana zvizere zvikuru mubasa rokuparidzira nokuita vadzidzi. (2 Tim. 3:17) Zvisinei, kana tisingagadziriri nenzira yakafanira musangano wacho kana kuti tichikundikana kushandisa zvatinodzidza, betsero dzacho dzichava shomanene.
2 Gadziriro pachine nguva mberi ichakubetsera kupinza murairidzo wacho zvizere zvikuru. Hwirudzura zvinyorwa zvichashandiswa, uye uya nazvo kuti ugogona kutevera ndokukwanisa kutora rutivi. Iva muteereri anongwarira, uye nyora zvinonyorwa nokuda kwokushandisa gare gare.
3 Mutariri anotungamirira anosanohwirudzura mativi akarongwa omusangano. Vakuru navabatiri vanoshumira vanokwanisa, vakakwaniriswa vanogoverwa kuagadzirira. (omCA peji 70) Ungano dzine vakuru vashomanene navabatiri vanoshumira dzingagovera dzimwe hama dzakakwaniriswa kuti dzivabatsire. (kmCA 12/76, Kanzvimbo Komubvunzo) Mukurukuri mumwe nomumwe anofanira kugadzirira zvakakwana, kusanoomerera kunhungamiro inogoverwa, uye kuva nechokwadi chokuti haapfuuri nguva.
4 Kazhinji kazhinji musangano wacho unovamba nezviziviso. Hama yakagoverwa inofanira kuonana nomutariri anotungamirira pachine nguva mberi kuti iwane kuti inhaui dzinofanira kududzwa. Idzodzi dzingabatanidza tsamba dzakabva kuSosaiti kana kuti zviyeuchidzo pamusoro pegadziriro dzebasa kana kuti mishumo yomwedzi nomwedzi. Tingaziva kuti kune vanhu vanorwara vanofanira kushanyirwa kana kuti kunzwa udzame hwemibato yeungano yakarongwa nokuda kwenguva yemberi. Sanopa ngwariro kuti ugoziva nokugadzirira kuita rutivi rwako.
5 Apo rutivi rwomusangano runoraira kutora rutivi kwavateereri, gadzirira kupfurikidza nokurava mashoko nokutarira magwaro. Funga pamusoro penzira yaunoronga nayo kushandisa zvikarakadzo zvacho uye kuti rudzii rwetsinhiro rwaunogona kuita kuti ukurudzire vamwe. Ungaenzanisira ukoshi hunoshanda hwomurairidzo wacho kupfurikidza nokurondedzera chinoitika chipfupi.
6 Apo kunenge kune muenzaniso, edza kuzviisa umene muchiono uri mumigariro yakafanana, uye funga pamusoro pezvawaizotaura. Cherekedza zvibvumikiso zvinoshandiswa uye mutoo wokurangarira. Edza kuyeuka zvawakataura pawakapedzisira kuva muurwu rudzi rwomugariro, uye rangarira kuti mapfundo acho anoenzanisirwa anogona sei kukubetsera kuwana miuyo iri nani munguva yemberi.
7 Vatori rutivi mumienzaniso nebvunzurudzo vanofanira kusanohwirudzura pachine nguva mberi. Mumwe nomumwe anofanira kuziva zvaachataura nezvaanofanira kuita pachikuva. Mativi asina kuhwirudzurwa haawanzonyandura kana kuti kukurudzira vateereri. Vamwe vanouya vakagadzirira kuhwirudzura rutivi rwavo pamhedziso yeFundo yeNharireyomurindi kuti vagogona kurovedza pachikuva ndokuita kuti hama dzinotarisira maikorofoni dzizive zvichadikanwa.
8 Pane dzimwe nguva purogiramu yacho ichabatanidza hurukuro inobata nechinodikanwa chakati cheungano kana kuti nyaya yakakodzera nguva yeNharireyomurindi. Sanoteerera, fungisisa zano racho, uye edza kurishandisa.
9 Tinoda kuva va“kagadzirira basa riri rose rakanaka.” (2 Tim. 2:21, NW) Musangano Webasa ndeimwe yegadziriro idzo Jehovha anoita kutiyamura mukuita izvozvo. Kupinda kwokutendeka nenhamburiko yapachokwadi yokushandisa zvatinodzidza ichatibetsera zvirokwazvo kuti tigone “kuita zvizere ushumiri” hwedu.—2 Tim. 4:5, NW.