Urongwa Hutsva hweMaraibhurari eImba yoUmambo
Kwemakore akawanda zvino, ungano pasi pose dzakabatsirwa nokushandisa maraibhurari adzo eImba yoUmambo, yaimbonzi raibhurari yeChikoro chaMwari Choushumiri. Kare, zvainzi ungano imwe neimwe inofanira kuva neraibhurari yayo. Zvisinei, sezvo Dzimba dzoUmambo dzakawanda zvino dziri kushandiswa neungano dzinopfuura imwe, dzimwe dzeungano dzacho dzichitaura mutauro wokumwe, zvinoita sokuti zvakanaka zvikuru kungova neraibhurari yeImba yoUmambo imwe yakanyatsoshongedzwa, inofambirana nenguva paboka romutauro muImba yoUmambo imwe neimwe. MuDzimba dzoUmambo dzine dzimba dzinopfuura imwe, imba imwe neimwe inofanira kuva neraibhurari yeboka romutauro mumwe nomumwe rinopindira ipapo.
Zvinotarisirwa kuti urongwa uhwu hahudyi nzvimbo yakakura uye kuti mari inoshandiswa ichava shoma. Uyezve, kubatanidza maraibhurari eungano mbiri kana kudarika zvimwe kuchaita kuti pave nemaraibhurari ari na- ni. Sezvo maraibhurari aya ano- batanidzwa, mamwe mabhuku angachengetwa ozoshandiswa kana Dzimba dzoUmambo itsva dzavakwa. Kana muImba yoUmambo muine kombiyuta ine Watchtower Library paCD-ROM, vamwe vangabatsirwa zvikuru nechishandiso ichi.
Paraibhurari imwe neimwe yeImba yoUmambo, hama imwe, kana zvichibvira mumwe wevatariri veChikoro chaMwari Choushumiri, achashanda somutarisiri weraibhurari yacho. Anofanira kuramba achiwedzera mabhuku akakodzera paraibhurari yacho, achiisa chiratidzo mukati mebutiro rebhuku rimwe nerimwe zvakatsvinda kuratidza kuti ndereraibhurari yeImba yoUmambo. Kanenge kamwe pagore, anofanira kuongorora kuti raibhurari yacho ine mabhuku ose ndokuva nechokwadi chokuti mabhuku acho anoratidzika zvakanaka. Mabhuku omumaraibhurari aya haafaniri kubudiswa kunze kweImba yoUmambo.
Raibhurari yeImba yoUmambo inoramba ichikosheswa zvikuru nevose vanopinda neungano yacho. Ngatiratidzei kuti tinokoshesa somunhu mumwe nomumwe urongwa uhwu nokuitarisira uye nokuishandisa kutsvakurudza “zivo yaMwari.”—Zvir. 2:5.