RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jl chidzidzo 28
  • Zvii Zviri paWebsite Yedu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvii Zviri paWebsite Yedu?
  • Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Mashoko Akafanana
  • Tingawanepi Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Muupenyu?
    Tingawanepi Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Muupenyu?
  • Wakambozvibvunzawo Here Mibvunzo Iyi?
    Mukai!—2019
  • Nzvimbo Yedu Yepamutemo Inobudisirwa Mashoko paIndaneti—Ishandise Pakudzidza Uri Oga Uye Pakudzidza Semhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Dzidza Zvimwe Pawebsite Yedu
    Mukai!—2018
Ona Zvimwe
Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
jl chidzidzo 28

CHIDZIDZO 28

Zvii Zviri paWebsite Yedu?

[Mufananidzo uri papeji 31]

France

[Mufananidzo uri papeji 31]

Poland

[Mufananidzo uri papeji 31]

Russia

Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vokudza Baba venyu vari kudenga.” (Mateu 5:16) Kuti tidaro, tiri kushandisa zvinhu zviri kugadzirwa mazuva ano, kusanganisira Indaneti. Website yedu inonzi jw.org ndiyo nzvimbo yepamutemo yatinoisa mashoko pamusoro pezvatinoita uye zvatinotenda seZvapupu zvaJehovha. Panowanikwei?

Mhinduro dzemibvunzo yemuBhaibheri inowanzobvunzwa. Unogona kuwana mhinduro dzemimwe mibvunzo yakakosha chaizvo inowanzobvunzwa nevanhu. Semuenzaniso, unogona kuwana chinyorwa chine musoro unoti Kutambura Kuchazombopera Here? uye chine unoti Vakafa Vachararamazve Here? mumitauro inopfuura 600. Unogona kuwanawo Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva mumitauro inopfuura 130 nemamwe mabhuku anobatsira pakudzidza Bhaibheri kusanganisira bhuku rinonzi Bhaibheri Rinotidzidzisei? nemagazini matsva eNharireyomurindi neMukai! Unokwanisawo kuverenga, kuteerera kana kudhaunirodha zvinyorwa zvakawanda zviripo. Zvinyorwa zvacho zvinowanika zviri paMP3, PDF, kana kuti paEPUB. Unogonawo kuprinda mamwe mapeji aripo woratidzawo vamwe vanozvifarira mumutauro wavo. Panewo mavhidhiyo akasiyana-siyana emitauro yemasaini yakawanda. Unogona kudhaunirodha nyaya dzemuBhaibheri dzinenge dzichiverengwa sedziri kuitika, mitambo yemuBhaibheri, nemimhanzi inonakidza yekuteerera wakadekara hako.

Mashoko echokwadi pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Pajw.org panoiswawo nhau dzinenge dzichangobva kuitika uye mavhidhiyo mapfupi ebasa redu pasi pese, zviitiko zvine chekuita neZvapupu zvaJehovha, uyewo kubatsira kwatinoita panoitika njodzi. Unogona kuwanawo zviziviso zvemisi inenge ichiitwa magungano edu uye makero emahofisi edu.

Tichishandisa nzira idzi, tiri kuita kuti chiedza chechokwadi chipenye kunzvimbo dziri kure chaizvo dzenyika. Vanhu vari panyika pese, kusanganisira nzvimbo iri kure chaizvo inotonhora inonzi Antarctica vari kubatsirwa nechokwadi. Tinonyengetera kuti “shoko raJehovha rirambe richipararira nekukurumidza” panyika pese, kuti Mwari akudzwe.—2 VaTesaronika 3:1.

  • Jw.org iri kubatsira sei vanhu vakawanda kuti vadzidze chokwadi chiri muBhaibheri?

  • Ndezvipi zvaunoda kuzotarisa pajw.org?

CHENJEDZO:

Pane mamwe maWebsite evanhu vanotishora, avanoshandisa kuparadzira nhema nezvesangano redu. Chinangwa chavo ndechekutsausa vanhu kuti varege kunamata Jehovha. Hatifaniri kuvhura maWebsite akadaro.—Pisarema 1:1; 26:4; VaRoma 16:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe