Nzvimbo Yedu Yepamutemo Inobudisirwa Mashoko paIndaneti—Ishandise Pakudzidza Uri Oga Uye Pakudzidza Semhuri
Verengera Magazini Matsva paIndaneti: Verenga magazini eNharireyomurindi neAwake! paIndaneti pachine mavhiki akati kuti tisati taawana kuungano. Teerera magazini akaita zvokurekodhwa.—Enda pakanzi “Publications/Magazines.”
Verenga Nyaya Dzinongowanikwa paIndaneti Chete: Zvimwe zvacho ndizvo zvakaita se“Zvevechiduku,” “Zvandinodzidza muBhaibheri,” “Zvokukurukura Semhuri,” uye “Vechiduku Vanobvunza Kuti,” zvava kubuda paIndaneti chete. Enda paIndaneti, uye ongorora dzimwe nyaya dziripo paunenge uchidzidza uri oga uye pakudzidza semhuri.—Enda pakanzi “Bible Teachings/Children” kana kuti “Bible Teachings/Teenagers.”
Ona Nhau Dzichangobuda: Verenga mishumo inokurudzira uye zviri kusangana nehama dzedu uye mavhidhiyo anoratidza kufambira mberi kuri kuita basa redu pasi rose. Dzimwe nyaya dziripo dzinotaura nezvenjodzi uye kutambudzwa kunoitwa hama dzedu. Kuziva nyaya idzi kunotibatsira kuti tizive zvokutaura patinonyengeterera hama dzedu. (Jak. 5:16)—Enda pakanzi “News.”
Tsvakurudza Uchishandisa Online Library: Kana Online Library ichiwanikwa mumutauro wako, shandisa kombiyuta kana kuti foni kuti uverenge rugwaro rwezuva paIndaneti kana kuti kutsvakurudza mune mamwe emabhuku edu achangobuda.—Enda pakanzi “Mabhuku/Raibhurari yepaIndaneti,” kana kuti taipa kuti www.wol.jw.org muweb browser yako.”
[Mufananidzo uri papeji 4]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Mashandisiro
1 Baya papikicha kana kuti pakanzi “Download.” Pikicha yacho inobuda iri paPDF. Ipirinde ugoipa mwana wako kuti anyore zviri kudiwa.
2 Baya “Play” kuti uone vhidhiyo.