RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • T-36 pp. 1-4
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
  • Mashoko Akafanana
  • Unoona Sei Ramangwana?
    Unoona Sei Ramangwana?
  • Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
    Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
  • Vakafa Vachararamazve Here?
    Vakafa Vachararamazve Here?
  • Kutambura Kuchazombopera Here?
    Kutambura Kuchazombopera Here?
Ona Zvimwe
Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
T-36 pp. 1-4
Vanhu vakasiyana-siyana vari kunyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Unofunga kuti . . .

  • chinhu chiri mumwoyo mako here?

  • kutaura kwedimikira here?

  • ihurumende iri kudenga here?

BHAIBHERI RINOMBOTII?

“Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo husingazomboparadzwi.”​—Dhanieri 2:44, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

“Tapiwa mwanakomana; uye hurumende ichava papfudzi rake.”​—Isaya 9:6; mashoko emuzasi.

ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?

  • Hurumende yacho yakanaka inogona kukubatsira iwe pachako.​—Isaya 48:17, 18.

  • Uchava neutano hwakanakisisa uye mufaro munyika itsva iri kuuya.​—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Vanhu vari kurima vachifara muparadhiso panyika vachitongwa neUmambo hwaMwari

TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?

Hongu. Tine zvikonzero zviviri zvinoita kuti tidaro:

  • Jesu akaratidza zvichaitwa neUmambo hwaMwari. Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengeterere kuti Umambo hwaMwari huuye uye kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. (Mateu 6:9,10) Jesu akaratidza mapindurirwo achaitwa munyengetero iwoyo.

    Paaiva panyika, Jesu akapa zvekudya vanhu vaiva nenzara, akaporesa vairwara uye akamutsa vakafa! (Mateu 15:29-38; Johani 11:38-44) SeMutongi weUmambo hwaMwari, Jesu akaratidza muchidimbu zvinhu zvakanaka zvichaitirwa vanhu vanenge vachitongwa neUmambo ihwohwo.​—Zvakazarurwa 11:15.

  • Zviri kuitika panyika zvinoratidza kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo nekuuya. Jesu akataura kuti Umambo pahunenge hwava pedyo nekuunza rugare panyika, nyika yese ichatambudzwa nehondo, nzara, uye kudengenyeka kwenyika.​—Mateu 24:3, 7.

    Izvozvo ndizvo chaizvo zviri kuitika mazuva ano. Saka tinogona kuva nechivimbo chekuti Umambo hwaMwari hwava pedyo nekupedza matambudziko ese iwayo.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO

Nyika yakanaka iri kutongwa neUmambo hwaMwari

Upenyu huchange hwakaita sei Umambo hwaMwari pahunenge hwava kutonga?

Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana PISAREMA 37:29 naISAYA 65:21-23.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe