RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • T-35 pp. 1-4
  • Vakafa Vachararamazve Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakafa Vachararamazve Here?
  • Vakafa Vachararamazve Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Unoona Sei Ramangwana?
    Unoona Sei Ramangwana?
  • Kutambura Kuchazombopera Here?
    Kutambura Kuchazombopera Here?
  • Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
    Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
Ona Zvimwe
Vakafa Vachararamazve Here?
T-35 pp. 1-4
Vabereki vari kutarisa pikicha yemwana wavo akafa

Vakafa Vachararamazve Here?

Ungati . . .

  • hongu here?

  • kwete here?

  • pamwe here?

BHAIBHERI RINOMBOTII?

“Kuchava nekumuka” kwevakafa.​—Mabasa 24:15, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?

Zvichakunyaradza kana ukafirwa.​—2 VaKorinde 1:3, 4.

Hauzotyi rufu.​—VaHebheru 2:15.

Uchava netariro yechokwadi yekuzoonazve hama neshamwari dzakafa.​—Johani 5:28, 29.

Mhuri uye chirikadzi vari kunyaradzwa netariro yerumuko

TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?

Hongu. Tine zvikonzero zvitatu zvinoita kuti tidaro:

  • Mwari ndiye Musiki wezvinhu zvese zvipenyu. Bhaibheri rinoti kuna Jehovha Mwari “ndiko kunobva upenyu.” (Pisarema 36:9; Mabasa 17:24, 25) Saka haangambotadzi kuita kuti munhu akafa ave mupenyu nekuti ndiye akasika zvinhu zvese zvipenyu.

  • Mwari akambomutsa vakafa. Bhaibheri rinotaura nezvevanhu 8 vakamutswa pasi pano. Pavanhu vacho paiva nevadiki, vakuru, varume nevakadzi. Vamwe vakanga vachangobva kufa, asi mumwe akanga ava nemazuva mana ari muguva!​—Johani 11:39-44.

  • Mwari anoda kumutsazve vanhu. Jehovha anovenga rufu; anorwuona semuvengi. (1 VaKorinde 15:26) Anoda zvikuru kukurira muvengi iyeye achishandisa rumuko. Akatomirira nemwoyo wese kumutsa vese vaanoyeuka kuti vararamazve pasi pano.​—Jobho 14:14, 15.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO

Mukomana ari kukura kusvikira achembera

Chii chinoita kuti tikwegure uye tife?

Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana GENESISI 3:17-19 naVAROMA 5:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe