RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • T-34 pp. 1-4
  • Kutambura Kuchazombopera Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutambura Kuchazombopera Here?
  • Kutambura Kuchazombopera Here?
  • Mashoko Akafanana
  • Unoona Sei Ramangwana?
    Unoona Sei Ramangwana?
  • Vakafa Vachararamazve Here?
    Vakafa Vachararamazve Here?
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
  • Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
    Ndiani Ari Kutonga Pasi Rese?
Ona Zvimwe
Kutambura Kuchazombopera Here?
T-34 pp. 1-4

Kutambura Kuchazombopera Here?

Ungati . . .

  • kuchapera here?

  • hakuperi here?

  • pamwe kungangopera here?

BHAIBHERI RINOMBOTII?

“Mwari . . . achapukuta misodzi yese pamaziso avo, uye hapazovi nerufu, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.”​—Zvakazarurwa 21:3, 4, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?

Uchava nechokwadi chekuti Mwari haasi iye anokonzera matambudziko edu.​—Jakobho 1:13.

Uchanyaradzwa nekuziva kuti Mwari anorwadziwa patinotambura.​—Zekariya 2:8.

Uchava netariro yekuti kutambura kwese kuchapera.​—Pisarema 37:9-11.

Murume ari kuverenga Bhaibheri achifungidzira nyika ichange isisina kutambura neudzvinyiriri

TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?

Hongu. Tine zvikonzero zviviri zvinoita kuti tidaro:

  • Mwari haadi kuti vanhu vatambure kana kuitirwa zvakaipa. Imbofunga kuti Jehovha Mwari ainzwa sei kare paaiona vanhu vake vachiitirwa utsinye. Bhaibheri rinoti airwadziwa pavaidzvinyirirwa “nevaya vaivaitira utsinye.”​—Vatongi 2:18.

    Jehovha anovenga zvikuru vanhu vanoitira vamwe zvakaipa. Bhaibheri rinoti anosemeswa nemaoko “anodeura ropa risina mhosva.”​—Zvirevo 6:16, 17.

  • Mwari anotida semunhu mumwe nemumwe. ‘Mumwe nemumwe wedu anoziva zvinomunetsa uye zvinomurwadza.’ Asi hatisi isu tega tinozviziva. Jehovha anozivawo zvinonetsa mumwe nemumwe wedu uye zvinomurwadza.​—2 Makoronike 6:29, 30.

    Jehovha ava pedyo nekugumisa kutambura kwemumwe nemumwe wedu, achishandisa Umambo hwake. (Mateu 6:9, 10) Asi iye zvino anonyaradza vaya vanomutsvaga nemwoyo wese.​—Mabasa 17:27; 2 VaKorinde 1:3, 4.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO

Vakadzi vaviri vari kudzidza Bhaibheri

Mwari anosiyirei vanhu vachitambura?

Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana VAROMA 5:12 na2 PETRO 3:9.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe