RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 22 p. 58-p. 59 ndim. 6
  • Vadzidzi Vana Vachava Vabati Vevanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vadzidzi Vana Vachava Vabati Vevanhu
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Kubatira Savaredzi Vavanhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Aingopishana Nokutya Uye Nokusava Nechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Akarwisana Nokutya Uye Nokusava Nechokwadi
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Jesu Anozviratidza Kuvabati Vehove
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 22 p. 58-p. 59 ndim. 6
Jesu anotaura naPetro, Andreya, Jakobho, naJohani ari pamhenderekedzo yeGungwa reGarireya

CHITSAUKO 22

Vadzidzi Vana Vachava Vabati Vevanhu

MATEU 4:13-22 MAKO 1:16-20 RUKA 5:1-11

  • JESU ANODANA VADZIDZI VAKE KUTI VACHIRAMBA VACHIMUTEVERA

  • VABATI VEHOVE VANOVA VABATI VEVANHU

Pashure pekunge Jesu atiza vanhu vekuNazareta vaiedza kumuuraya, anoenda kuguta reKapenaume, pedyo neGungwa reGarireya, iro rinonziwo “gungwa reGenesareti.” (Ruka 5:1) Izvi zvinozadzisa uprofita huri mubhuku raIsaya hwokuti vanhu vaigara pedyo neGungwa reGarireya vaizoona chiedza chikuru.—Isaya 9:1, 2.

Ari muno muGarireya, Jesu anoenderera mberi achizivisa kuti “umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.” (Mateu 4:17) Jesu anosangana nevamwe vadzidzi vake vana. Vakanga vambofamba naye asi pavakadzoka naJesu vachibva kuJudhiya, vakadzokera pabasa ravo rekubata hove. (Johani 1:35-42) Asi iye zvino vava kufanira kuramba vaina Jesu kuti vadzidziswe kuti vanozosara vachiita sei ushumiri iye aenda.

Achifamba nemumhenderekedzo yegungwa, Jesu anoona Simoni Petro, nemunun’una wake Andreya nevamwe vavo vachigeza mambure avo. Jesu anosvika pavari opinda muigwa raPetro omukumbira kuti akwasve zvishoma achipinda mugungwa. Jesu anobva agara pasi otanga kudzidzisa vanhu vakawanda vaungana mumhenderekedzo yegungwa kuti vanzwe chokwadi nezveUmambo.

Jesu anozoti kuna Petro: “Enda pakadzika, mudzikise mambure enyu kuti mubate.” Petro anopindura achiti: “Murayiridzi, usiku hwose tashanda zvakaoma tikasabata chinhu, asi nokuti marayira ndichadzikisa mambure.”—Ruka 5:4, 5.

Andreya, Jakobho, naJohani vanotambura kuisa mambure mugwa; Petro anopfugamira Jesu

Vanodzikisa mambure avo vobata hove dzakawanda zvokuti anotanga kubvaruka. Varume vacho vanosimudza maoko vachidaidza vamwe vavo vari mune rimwe igwa riri pedyo kuti vakurumidze kuzovabatsira. Pasina nguva magwa ose ari maviri anozara nehove zvokuti anotanga kunyura. Achiona izvi Petro anopfugamira Jesu achiti: “Ibvai kwandiri Ishe, nokuti ndiri munhu anotadza.” Jesu anomupindura achiti: “Rega kutya. Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.”—Ruka 5:8, 10.

Jesu anoudza Petro naAndreya kuti: “Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.” (Mateu 4:19) Anodanawo vamwe varedzi vaviri, Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi. Vanobva vangomuteverawo. Saka vese vari vana vanobva vasiya bhizimisi ravo rekubata hove vova vadzidzi vokutanga vacharamba vachifamba naJesu.

  • Jesu anodana vanhu vaiita basa rei kuti vave vadzidzi vake vacharamba vachimutevera, uye ndivanaani?

  • Chishamiso chipi chinovhundutsa Petro?

  • Vadzidzi vana vachange vava kubata chii?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe