RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • th chidzidzo 10 p. 13
  • Kusiyanisa Inzwi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusiyanisa Inzwi
  • Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
  • Mashoko Akafanana
  • Kusiyanisa Inzwi
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kusimbisa Pfungwa Uye Kusiyanisa Inzwi
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Inzwi Rakakodzera
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kutaura Nechido
    Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
Ona Zvimwe
Shingairira Kuverenga Nekudzidzisa
th chidzidzo 10 p. 13

CHIDZIDZO 10

Kusiyanisa Inzwi

Rugwaro

Zvirevo 8:4, 7

PFUPISO YECHIDZIDZO: Ita kuti zvauri kutaura zvijeke uye zvibate-bate vateereri vako kuburikidza nekukwidza kana kudzikisa inzwi rako, kurikoresa kana kuritetepesa, uye kukurumidza kana kunonoka kutaura.

MAITIRWO AZVO:

  • Kwidza kana kuti dzikisa inzwi rako. Kwidza inzwi rako kuti usimbise pfungwa huru kana kuti ukurudzire vateereri. Itawo izvozvo paunenge uchiverenga mitongo iri muBhaibheri. Deredza inzwi kuti vateereri vave nechido chekunzwa zvawava kuda kutaura, kana kuti paunenge uchida kuratidza kutya kana kunetseka.

    Zano

    Usaramba uchingokwidza inzwi rako zvekuti vateereri vanonzwa sekuti vari kupopoterwa. Usazonyanya kuchinja inzwi zvekuti pfungwa dzevateereri dzinenge dzangova pamatauriro auri kuita.

  • Koresa kana kuti tetepesa inzwi rako. Kana zvichiita mumutauro wako, tetepesa inzwi rako kuti uratidze kuti une chido nezvauri kutaura, kana kuti uratidze kukura kwechinhu kana kureba kwedaro. Dzikisa inzwi rako kuti uratidze kusuruvara kana kunetseka.

  • Kurumidza kana kuti nonoka kutaura. Taura uchikurumidza paunenge uchitaura zvinhu zvinonakidza. Taura uchinonokera paunenge uchitaura pfungwa dzinokosha.

    Zano

    Usangoerekana wachinja inzwi rako zvekuti vateereri vanoshamisika kana kuvhunduka. Usanyanya kukurumidza kutaura zvekuti vanhu vanotadza kunzwa mashoko ako.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe