RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lmd chidzidzo 7
  • Usaneta

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usaneta
  • Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Pauro Akazviratidza Sei?
  • Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naPauro?
  • Zvininipise
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Kufarira Vanhu
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Iva Nemwoyo Murefu
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Tinofanira Kudzokera Rini Kune Vanenge Vafarira?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
lmd chidzidzo 7

KUDZOKERA KUVANHU VAKARATIDZA KUFARIRA

Muapostora Pauro achiudza vanhu mashoko akanaka muimba yepachikoro.

Mab. 19:​8-10

CHIDZIDZO 7

Usaneta

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Vakaramba vachidzidzisa nekuzivisa mashoko akanaka . . . . vasingaregi.”—Mab. 5:42.

Pauro Akazviratidza Sei?

Muapostora Pauro achiudza vanhu mashoko akanaka muimba yepachikoro.

VHIDHIYO: Pauro Anoramba Achiparidza muEfeso

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Mabasa 19:​8-10, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1. Kunyange zvazvo vamwe vaimupikisa, Pauro akaramba sei achibatsira vaya vakanga vachiratidza kufarira?

  2. Pauro akadzokera kakawanda zvakadii kunodzidzisa vaya vakanga vafarira uye akazviita kwenguva yakareba sei?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naPauro?

2. Kudzokera kuvanhu vanofarira uye kutanga zvidzidzo zveBhaibheri kunotoda kuti tizvipire kushandisa nguva yedu nesimba.

Tevedzera Pauro

3. Ronga nguva yako uchifunga nezvemunhu wacho. Zvibvunze kuti: ‘Inguva ipi yakanyanya kumunakira? Ndekupi kwandingamuonera kuri nyore kukurukura naye?’ Dzokera kumunhu anofarira kunyange kana nguva yacho isinganyatsokuitira.

4. Rangana naye kuti mungazoonana riini zvakare. Nguva dzese pamunopedza kukurukura, edza kunyatsova nenguva yamungarangana kuti muzoonana zvakare. Usazorega kuita zvawavimbisa.

5. Ramba uine tariro. Usakurumidza kufunga kuti kana munhu asingawanzowanika pamba kana kuti achiwanzogara akabatikana zviri kureva kuti haafariri. (1 VaK. 13:​4, 7) Asi ngwarirawo kungosimbirira pamunhu ari kukudyira nguva pasina zvinobuda.—1 VaK. 9:26.

ONAWO

Mab. 10:42; 1 VaK. 9:​22, 23; 2 VaK. 4:1; VaG. 6:9

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe