RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 12/15 pp. 22-24
  • Kushongedzerwa Nokuda Kwebasa Roufundisi Muma 1990

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushongedzerwa Nokuda Kwebasa Roufundisi Muma 1990
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • “Zvinhu Zvinovaka Kariro Dzedu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Rovedzo yeGilead Mukutenda Kutsvene Zvikurusa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Vafundisi Vakawanda Nokuda Kwokucheka Munyika Yose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Nyanzvi Dzinopedza Kufunda dzeShoko raMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 12/15 pp. 22-24

Kushongedzerwa Nokuda Kwebasa Roufundisi Muma 1990

NGUVA chaiyo iri kuvamba nokuda kwebasa roufundisi. Namasuo ebanza ari kuzaruka pamativi matsva akawanda, vose veZvapupu zvakatendeka zvaJehovha vanodisa kufambira mberi kumubato unotova mukuru zvikuru.

Naizvozvo vadzidzi 24 vekirasi yechi 89 yeWatchtower Bible School of Gilead vakapinda purogiramu yavo yokupedza kudzidza pana September 9, 1990 nekariro huru. Vateereri navaenzi vakakokwa nemitezo yemhuri yeBheteri vanopfuura 5 000 vakaungana nokuda kwokupedza kudzidza kwaava vafundisi vatsva, avo vakanga vatogamuchira migove kunyika gumi. Ichitanga paAssembly Hall of Jehovah’s Witnesses muJersey City, New Jersey, purogiramu yose yakanzwiwawo naavo vakaungana paBheteri yeBrooklyn, Watchtower Farms, uye Watchtower Educational Center kuPatterson, New York.

Nokukurumidza pa 10:00 a.m., Theodore Jaracz, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha uye sachigaro wezuva racho, akadana nokuda kwerwiyo rwokutanga. Pashure pairworwu, munyengetero wakapiwa naArthur Worsley wemhuri yeBheteri yeBrooklyn. Sachigaro ipapo akanongedzera kuna Mabasa 10:33 (NW), apo mukuru wezana weRoma Kornerio akati kuna Petro: “Tose tiripo pamberi paMwari kuzonzwa zvinhu zvose zvamakarairwa naJehovha kutaura.” Kwakataurwa kuti zvinoitika zvinoshamisa zvakaitika muzuva raPetro zvaifanira kuzarura nzira yokuti mashoko akanaka aziviswe kuvanhu vamarudzi ose.

Philip D. Wilcox, wokuWatchtower Farms, akapa yokutanga yehurukuro nomwe dzinokurudzira. Achishandisa VaFiripi 4:7, iye akatora somusoro wake “Rugare rwaMwari Ngarukubetserei Mumugove Wenyu.” Iye akati: “Jehovha Mwari ndiye Manyuko orugare rwose rwechokwadi. Iye anofarikanya rugare mupfungwa yakazara, kana kuti yakakwana, uye haasati achiwana funganyo ipi neipi inoodza mwoyo, rutyo, kana kuti kusaterama kwendangariro. Somuuyo, kune runyararo norugare zvakakomba kuvapo kunopenya kwaJehovha pachigaro chake choumambo, sezvinoratidzirwa nomuraraungu wegirini wakaonwa naJohane muchiono. (Zvakazarurwa 4:2, 3) Rugare rwake runobuda kunze kupfuura iye amene kusvikira kuavo vacharubvumira kuvabetsera. Ucharurega ruchidaro here?” Hama Wilcox akaonesa betsero mbiri dzinokosha, munyengetero nokudisa kumirira Jehovha. (Mika 7:7; VaFiripi 4:6) Hapana chinhu Mwari anobvumidza chinogona kutiparira kuvadziko isingagumi, iye akadaro.

Lloyd Barry, mumwe mutezo woMutumbi Unodzora, akatevera pamusoro unoti “Rambai Muchinyemwerera.” Iye akavamba nechirevo chinoti, “Kuseka mushonga wakanaka.” Iye akayeuka chitsama ichocho chamashoko nemhaka yokuti shure muna 1955 chakanga chiri musoro webutiro wechinyorwa chokutanga chamagazini yaMukai! kuoneka mumutauro wechiJapan. Asi rudziiko rwokuseka? Kwete “kuseka kwebenzi” kusingadzoreki, kusina mufungo. (Muparidzi 7:6) Panzvimbo pezvo, ndiko kuseka kwokufara, kwokusharanganya kwavafundisi navamwe vanogamuchira kokero yaDhavhidhi yo“kufara muna Jehovha” nguva dzose. (Pisarema 32:11) Hama Barry akataura kuti pasinei zvapo nemiedzo yakakomba, Jobho aigona kuramba achinyemwerera, nokuti iye aiziva kuti akanga achichengeta perero kuna Mwari. Vafundisi vakatsiga pasinei zvapo nezvinotambudza zvinoedza kufanana nezvaJobho vachagamuchira chikomborero chikuru zvikuru pamugumo. (Jobho 29:24; 42:12) Mukurukuri akagumisa, kuti: “Rambai makabatikana, rambai muchinyemwerera, uye imiwo muchawana nyemwerero isingagumi yaJehovha yetendero.”

Mukurukuri akatevera akanga ari Richard E. Abrahamson, uyo akasarudza musoro unoti “Kuva Nomufungo Kwenyu Ngakuzivikanwe Kuvanhu Vose,” wakavakirwa pana VaFiripi 4:5. Mukuwirirana neshoko guru rechiGiriki, shoko rokuti “ane mufungo” rinogona kupa pfungwa yo“kutera.” Vamwe vafundisi vakava nezvinetso nemhaka bedzi yezvido zvomunhu oga. Mumwe akakatyamadzwa nenzira iyo mufundisi biyake akacheka nayo chizi patafura. Pashure pamakore 22 ebasa roufundisi, uyo akanga akatyamadzwa akataura kuti zvitambudzo zvizhinjisa zvinotanga pamusoro penhau dzisingakoshi zvikuru kupfuura nzira inocheka nayo mumwe munhu chizi. Mukurukuri akapa zano, kuti: “Dzidzai kuchinja, kufanana nomuti muduku. Pane betsero dzakawanda dzokuva anotera, zvakadai sokukwanisa zviri nani kutsungirira miedzo ndokunamatira kumugove wako norugare rwendangariro.”

Milton G. Henschel, woMutumbi Unodzora, akakurukura musoro unoti “Suo Guru Rinotungamirira Kumubato Rakazaruka.” Hama Henschel akataura kuti Jesu aida vanhu, aivanzwira tsitsi, uye akavadzidzisa zvinhu zvizhinji. Ari Efeso muapostora Pauro akanyorera vaKorinte, kuti: “Suo guru rinotungamirira kumubato rakandizarurirwa, asi kuna vashori vazhinji.” (1 VaKorinte 16:8, 9, NW) Pasinei zvapo neichi chishoro, Pauro aidzidzisa muhoro yechikoro yaTirano kwamakore maviri, zvokuti shoko roUmambo rakasvika pakuzivikanwa muruwa rwose rweAsia. (Mabasa 19:9, 10) Suo rakazaruka rakatungamirira kubudiriro mukuparidzira kwake. Ungano yeEfeso yakanga ichiri kushanda pamugumo wezana rokutanga ramakore.—Zvakazarurwa 2:1-7.

Jack D. Redford, mumwe muraidzi weGilead, akataura musoro unoti “Rambai Muchiedza Zvamuri.” (2 VaKorinte 13:5) Vafundisi veGilead vakazarura minda mitsva uye vakasimbisa ungano dzakatoumbwa, vachitsungirira zvakawanda nokudzivisa musungo Dhiabhorosi uyo akapawo kuvatsausa. Uye vatsva vanoramba vachikumbanira. Nezvinoitika zviviri zvinoshamisa, muraidzi akaenzanisira kuti kuedza kutenda kwomunhu kunokosha sei. Mufundisi mumwe akarasikirwa namaropafadzo ake pashure pokunge afuratira nokuzvitutumadza zano rinonyevera pamusoro pomufambiro wakaipa. Mukupesana, mumwe akarambira mumugove wake nomufaro, kunyange zvazvo mumwedzi yake mitatu yokutanga ikoko, akanga aondeswa zvikuru nechirwere chakagumawo nokurasikirwa nevhudzi rake nokunzwa kwake. Iye achiriko pashure pamakore 42 uye, kupfurikidza nefundo dzeBhaibheri, akabetsera vanhu 156 kurubhapatidzo. Hama Redford akagumisa, kuti: “Dzivisai Dhiabhorosi, uye iye achakutizai. Musatongotora chinokwezva chake. Rambai muchibvumikisa zvamuri mumene. Jehovha achakutarisirai.”

Tevere, mumwe muraidzi, Ulysses V. Glass, akataura pamusoro unoti “Uchenjeri Hune Vanozvininipisa.” (Zvirevo 11:2) Iye akashandisa wachi yomuruoko ine bhatiri rinoshanda nezuva kuenzanisira kuti chiedza cheShoko raMwari chinogona kutichengeta “takachajwa.” “Asi,” iye akaonesa, “zivo yoga haisati ichipa uchenjeri. Kuzvininipisa kunodikanwawo naMwari.” (Mika 6:8) Kuzvininipisa kuchatitungamirira kukutya Mwari, uye “kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri.” (Zvirevo 9:10, NW) Chokwadi, tinofanira kufunga chimwe chinhu nezvedu timene; kuzvishurikidza kunogona kuva kunoparadza. Jehovha akapa mano chaiwo kuvamwe, sezvaakaita mukati mokuvakwa kwetabhernakeri, asi kutendeka mukuzvininipisa kunofanira kushandirwa. “Mukati metemu,” Hama Glass akaudza kirasi, “makapa ufakazi hwokuvimbika noruremekedzo. Ratidzirai kutendeka kumwe cheteku mumugove wenyu, uye Mwari achakukomborerai.”

Albert D. Schroeder, woMutumbi Unodzora, akapa hurukuro huru yaiva nomusoro unoti “Vakashongedzerwa Zvakanaka Nokuda Kwebasa Roufundisi Muma 1990.” Iye akavamba: “Ma 1990 akatova namavambo anobudirira. Marudzi akawanda eEastern Europe akazununguswa. Mwedzi inoverengeka yapfuura Berlin Wall yakazarurwa. The New York Times yaiva nomusoro mukuru, unoti: ‘August 1990, Mwedzi Uyo Wakazunungusa Nyika.’ Naizvozvo, imi makapedza kudzidza muri kurarama munguva yokuzunungusa. Ko mwedzi yenyu mishanu yefundo yakakugadzirira nokuda kwako here? Zvamazvirokwazvo hungu!” Iye ipapo akadudza mamwe amativi anobetsera eNew World Translation of the Holy Scriptures—With References uye kuti kufundwa kwayo kwakaita sei kuti Shoko raMwari rive benyu. Chimwe chombo chine simba icho chakashongedzera vadzidzi i“All Scriptures Is Inspired of God and Beneficial,” zvino muchinyorwa charo chakahwirudzurwa cha 1990. Chinyorwa chazvino uno Mankind’s Search for God chinofanira kuvawo betsero ine simba nokuda kwavafundisi. Hama Schroeder akagumisa: “Naizvozvo ipapoka, hama, ongai Jehovha nokuda kwedzidzo inoshamisa, inokosha yamakava nayo—iyo yakasimba uye isingagoni kuzununguswa. Endai nechikomborero chaJehovha uye ivai nechivimbo chakazara maari noMutungamiriri wedu anoshamisa, Jesu Kristu. Mashoko atinawo muMagwaro zvamazvirokwazvo akafuridzirwa uye achakutungamirirai mubasa roufundisi.”

Kwaziso dzakabva kunyika 11 dzakaraviwa. Vadzidzi vakagamuchira magwaro avo, uye mumwe wavo akarava tsamba yomwoyo wose kuMutumbi Unodzora nemhuri yeBheteri.

Rusando rwamasikati rwakabatanidza fundo yakapfupikiswa yeNharireyomurindi, yakaitiswa naDavid L. Walker, mutezo weDare reWatchtower Farms. Ipapo vadzidzi vakashandisa musoro unokurudzira “Simba Romunyengetero Mukuparidzira” mukuita zvinoitika zvomumunda. Ungano yomunzvimbomo yakapa chinoitika chinokurudzira chinoti Vakasunungurwa Kusimudzira Kunamata Kwechokwadi, chakavakirwa pakudzokera kwaEzra kuJerusarema kuzosimudzira kunamata kwechokwadi. Hama Frederick W. Franz, purezidhendi weGilead School, akagumisa nomunyengetero unonyandura.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Kirasi Inopedza Kufunda Yechi 89 yeWatchtower Bible School of Gilead

Mundaza iri pasi apa, mitsetse inoiswa nhamba kuvambira pamberi kudzokera shure, uye mazita akarongwa kuvambira kuruboshwe kuenda kurudyi mumutsetse mumwe nomumwe. (1) Ahr, K.; Johnston, L.; Ng Ying Kin, V.; Sukkau, A.; Rodriguez, A.; Myklebust, N. (2) Ahr, H.; Verbeek, P.; Verbeek, K.; DeBolt, S.; DeBolt, S. (3) Sukkau, W.; Ayala, L.; Ayala, S.; Jenson, R.; Ng Ying Kin, J.; Myklebust, T. (4) Rodriguez, C.; Ferlisi, G.; Ferlisi, L.; Tank, J.; Jenson, K.; Tank, J.; Johnston, P.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe