RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/02 p. 8
  • Iva Munhu Anogona Kukurukura Nevamwe!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Munhu Anogona Kukurukura Nevamwe!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha naKristu—Vakurukurirani Vakurusa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kurukurirano Muushumiri hwechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kukurukurirana Mukati Memhuri Nomuungano
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Kukurukurirana Zvakanaka—Chinhu Chinokosha Kuti Mhuri ive Yakanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 8/02 p. 8

Iva Munhu Anogona Kukurukura Nevamwe!

1 Kuti tiite basa redu rokuparidza nokuita vadzidzi, tinofanira kutaura mashoko kune vamwe. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Kukurukurirana kunogona kuva kwakaoma kunyange pakati peshamwari. Chii chingatibatsira kusvika nemashoko akanaka kune vanhu vatisingazivi?

2 Kubva Pakusazivana Kusvika Pakuva Shamwari: Edza kuzviisa munzvimbo yevaya vaunokurukura navo muushumiri. Munyika yanhasi, zvinonzwisisika kuti vamwe vangafungira, kana kutotya vanhu vavasingazivi. Izvi zvinogona kutadzisa kukurukurirana. Ungakurira sei kutya kwepakutanga kwevaya vaunosangana navo? Tisati tatombotaura shoko, imwe nzira yatinokurukura nayo iri kuburikidza nechitarisiko chedu chine mwero. Mbatya dzedu dzakagadzirwa zvakanaka nokuzvibata kunoremekedzeka zvinobatsira kuderedza kutya.—1 Tim. 2:9, 10.

3 Chimwe chinoyamura pakukurukurirana kuva akasununguka, ane ushamwari. Izvi zvinoita kuti vamwe vanzwe vakasununguka ndokuvaita kuti vade kuteerera zvikuru. Kugadzirira kwakanaka kunokosha munhau iyi. Kana tichinyatsoziva zvatichataura, hatizonyanyi kutya. Uye mafungiro edu ane rugare anogona kukwevera vamwe kumashoko edu. Mumwe mukadzi akataura izvi pakashanya chimwe Chapupu: “Chandinoyeuka nezvokufara kwechiso chake rwaiva rugare. Ndakafara zvikuru.” Izvi zvakazarura nzira yokuti mukadzi wacho ateerere mashoko akanaka.

4 Zvinhu Zvinokwezva: Tinofanira kuva nehanya nezvinhu zvevamwe. (VaF. 2:4) Imwe nzira yokuita izvozvo ndeyokuti isu tisataura kupfuura vamwe. Chaizvoizvo, kukurukurirana kunosanganisirawo kuteerera. Patinokumbira vateereri vedu kuti vataure tobva tateerera nomufaro kune zvavanotaura, vanoona kuti tine hanya navo. Saka vateereri vako pavanotaura, usakurumidza kuda kudzokera kumharidzo yako yawakagadzirira. Varumbidze nomwoyo wose kana uchigona, uye edza kuvakira mashoko ako pane zvavanotaura. Kana mashoko avo achiratidza chimwe chinhu chiri pamwoyo yavo, chinja mharidzo yako mutaure zvavane hanya nazvo.

5 Kuva nomwero uye kuzvininipisa kunoita kuti kukurukurirana kuenderere mberi zvakanaka. (Zvir. 11:2; Mab. 20:19) Vanhu vaikweverwa kuna Jesu nokuti aiva “munyoro uye anozvininipisa mumwoyo.” (Mat. 11:29) Asi kuzvikudza kunodzinga vanhu. Saka, kunyange tichivimba zvakasimba kuti tine chokwadi, nokuchenjera tinoda kurega kuomerera kune zvatinotaura.

6 Zvakadini kana zvinotaurwa nomunhu wacho zvichiratidza zvitendero zvisingaenderani nezvinodzidziswa neBhaibheri? Tinosungirwa kumururamisa here? Hungu, nokufamba kwenguva, asi hatifaniri kuedza kuita kudaro patinoshanya kokutanga. Kazhinji zvinobatsira kutsanangura pfungwa dzatinoziva tose nomuteereri wedu tisati tamuudza dzidziso dzeBhaibheri dzaangaona dzakamuomera zvikuru kubvuma. Izvi zvinoda kushivirira uye unyanzvi. Pauro akaratidza muenzaniso wakaisvonaka munhau iyi paaipupurira vatongi veAreyopago.—Mab. 17:18, 22-31.

7 Kupfuura zvose, rudo rusina udyire ruchatibatsira kukurukura nevamwe zvinobudirira. SaJesu, tinofanira kusiririswa nevanhu avo ‘vanobatwa zvisina kufanira uye vakapararira kufanana nemakwai asina mufudzi.’ (Mat. 9:36) Izvi zvinotiita kuti tivaendesere mashoko akanaka uye tivabatsire kupinda mumugwagwa unoenda kuupenyu. Mashoko edu ndeorudo, saka ngatirambe tichiataura nenzira yorudo. Nokuita kudaro, tinotevedzera Jehovha Mwari naJesu Kristu—Vanhu vanogona kukurukura nevamwe zvikuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe