Chikonzero Nei Vachishandisa Zvisaririra Mukunamata
NAPLES, Italy. Fungidzira kuti uri imomo mumakore apakuvamba ezana ramakore rechi 18 reNguva yedu yaVose. Ari muchechi yayo, muzivi weIreland George Berkeley anomira pamberi pechisaririra chorudzidziso chine mukurumbira. Anotarira nepanikiro kunoratidzika kuva kunyunguduka kweropa ra“San Gennaro,” “musande” weKaturike Januarius.
Naples yakachinja zvishomanene muna ikoku. Somuenzaniso, pasinei zvapo nomugariro wokunze wakashata pane imwe nhambo mumakore achangobva kupfuura aya, chechi yacho yakanga ichizarazve navanhu, uye rinoratidzika kuva nenji rakanga raitika. Chisaririra nomudungwe waitungamirirwa nabhishopi mukuru zvakakwaziswa nokuombera maoko kwoushamwari. Hungu, iyoyi yakanga iri imwe yenguva dzakawanda idzo ropa ra“San Gennaro” rairatidzika kuva rainyunguduka. Manenji anobatanidza chisaririra ichochi chorudzidziso sezvinoshumwa akanga ave achiitika chifo chezana ramakore rechi 14.
Mukuwirirana negamuchidzanwa reKaturike, chisaririra (kubva mushoko rechiLatin relinquere, rinoreva “kusiya”) chinhu chinosiiwa nomunhu anorangarirwa kuva musande. Dizionario Ecclesiastico inoonesa kuti, zvisaririra “mupfungwa chaiyoiyo yeshoko racho, muviri kana kuti rutivi rwomuviri namadota aMusande, mupfungwa yakafara zvikuru chinhu chakava nebatano nomuviri wamusande uye naizvozvo chiri chakafanirwa nokuzvipira.”
Kutsigira Kwavanapapa
Pasina panikiro, vakawanda vanoremekedza zvisaririra zvorudzidziso nemhaka yaanoratidzika kuva manenji akabatanidzwa nazvo. Kutsigira kwavanapapa sezviri pachena ndichimwe chinhu mukukurumbira kwazvo.
Vanenge vanapapa vana mumakore 70 okupedzisira vakapa ngwariro chaiyo kuzvisaririra. Magazini inobuda panhambo nenhambo yeKaturike inozivisa kuti kufanana nowaakatsiva Pius XI, Papa Pius XII “akachengeta zvisaririra zvamusande weLisieux paari amene.” Paul VI “akachengeta munwe womuapostora [Tomasi] pachibhariro mufundo yake,” uye John Paul II “anochengeta, mufurati rake amene, zvimedu zve . . . marangwanda akafa” a“Musande Benedict” na“Musande Andrew.”—30 giorni, March 1990, peji 50.
Nemhaka yokutsigira kwavanapapa kwakadaro, hakushamisi kuti kudikanwa kwezvisaririra nokuda kwezvose zviri zviviri kuzvipira kwomunhu oga nokwavazhinji kuri kuwedzera. Asi kuzvipira kuzvisaririra zvorudzidziso kunofadza Mwari here?
[Mufananidzo uri papeji 3]
Munochengeterwa zvisaririra, chinhu umo zvisaririra zvorudzidziso zvinochengetwa
[Kwazvakatorwa]
Courtesy of The British Museum