RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 2/1 p. 3
  • Ngwarira Vaporofita Venhema!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ngwarira Vaporofita Venhema!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinoreva Kuporofita
  • Vaprofita Venhema
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • “Vanakomana Venyu Nevanasikana Venyu Vachaprofita”
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Chii Chinonzi Uprofita?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Rangarira Somuenzaniso Vaporofita vaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 2/1 p. 3

Ngwarira Vaporofita Venhema!

V AROORANI veBrazil vakanga varara usiku apo vakanzwa mbavha dzichipaza mumusha mavo. Varoorani vakatyiswa vakakwanisa kupukunyuka napahwindo romukamuri rokurara ndokudana mapurisa. Asi pashure pacho mudzimai wacho akatyiswa kwazvo nechinoitika chacho zvokuti aisagona kurara mumba uye aifanira kuenda kwamai vake.

Munhu upi noupi ane imba yake yakapazwa kana kuti akabirwa neimwe nzira yakati achamunzwira tsitsi. Chinoitika chakadaro chinogona kuva chinovhiringidza, uye, nenzira isingafadzi, vanhu vazhinji zvikuru vari kutambura neiyi nzira. Zvisinei, kune chimiro chakati choumbavha chine miuyo yakakomba zvikuru kwazvo.

Chii chiri ichi chimiro chakakomba zvikuru choumbavha, uye ndivanaani vari mbavha dzacho? Jesu Kristu akatipa mashoko pamusoro pacho apo, mukutaura pamusoro pezuva redu, akati: “Vaporofita vazhinji venhema vachamuka, vachitsausa vazhinji.” (Mateo 24:11) Vaporofita venhema imbavha. Munzirai? Chii chavari kuba? Kuba kwavo kwakabatanidzwa nokuporofita kwavo. Naizvozvo kunzwisisa nhau yacho zvizere, tinofanira kutanga kuziva chiri kuporofita mukuwirirana neBhaibheri.

Chinoreva Kuporofita

Apo unofunga nezvokuporofita, zvichida chinhu chokutanga chaunorangarira kudeya kutaurwa kwenguva yemberi. Ikoku zvamazvirokwazvo kwakanga kuri rutivi rwebasa ravaporofita vaMwari vekare, asi kwakanga kusiri basa ravo guru. Somuenzaniso, apo aiva muchiono muporofita Ezekieri akaudzwa ku“porofita kumhepo,” iye aingofanira zvake kutaura murairo wakabva kuna Mwari. (Ezekieri 37:9, 10) Apo Jesu akanga ari kutongwa pamberi pavaprista, akapfirwa mate ndokurohwa nembama, uye vatambudzi vake nenzira yokunyomba vakati: “Porofita, iwe Kristu, kuti ndiani wakurova.” Ivo vakanga vasiri kukumbira Jesu kudeya kutaura nguva yemberi. Vakanga vachimudenha kuti azivise nesimba raMwari avo vakanga vamurova.—Mateo 26:67, 68.

Kutaura idi, mufungo mukuru unopiwa namashoko apakuvamba omutauro weBhaibheri anoshandurwa kuti “porofita” kana kuti “uporofita” zvikurukuru kutaura murangariro waMwari panhau kana kuti, sokureva kunoita bhuku raMabasa, kutaura “mabasa makuru aMwari.” (Mabasa 2:11) Mupfungwa iyoyi umo vanhu vakawanda vari kubirwa navaporofita venhema.

Ndivanaani, kunyanguvezvo, vari vaporofita venhema, uye chii chavari kuba? Kupindura uyu mubvunzo, ngatitarisei shure munhau yorudzi rwaIsraeri kusvikira kunguva yaJeremia.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe