Kubudirira Mukurwisana noUdhakwa
“Mukati mebasa, inenge nguva yechigumi mumangwanani, ndaivamba kufunga pamusoro pechokunwa chinodhaka. Paizosvika 12 kiroko ndaibuda kuti ndindonwa chimwe kana kuti zviviri. Paizosvika nguva yechitatu ndaizova ndichidedera. Ndaishuva nguva yokupedza basa kuti ndigone kuva nechimwe chokunwa chinodhaka. Kazhinji kazhinji ndainwa zvakawanda ndichienda kumba. Inenge nguva yechinomwe ndaiva negombedzero zvakare. Ndainwa, kudonha pachigaro ndisingazivi, kuitira weti mubhurukwa rangu, uye kurara muweti yangu kutozosvikira mangwanani. Tora ikoku ndokukuwanziridza namazuva manomwe pavhiki; wanziridza ikoko namavhiki 52 pagore; wanziridza ikoko namakore 29.”
UYU murume chidhakwa. Haasati ari oga. Mamirioni munyika yose anorwisana nouyu mugariro unouraya uyo, mukuwirirana naDr. Vernon E. Johnson, “unobatanidza munhu wose: mumuviri, mundangariro, mukushanda kwendangariro, uye mumudzimu.”a
Nyanzvi zhinji dzinotaura kuti udhakwa hahugoni kurapwa asi kuti hunogona kugumiswa kupfurikidza negadziriro yokurega munduramo yose. Ichi hachisati chiri chinodikanwa chisina mufungo, nokuti doro harikoshi kuupenyu. Kutaura idi, kushandiswa zvisina kufanira kwedoro kunounza kusafarira kwaMwari. (1 VaKorinte 6:9, 10) Zviri nani kupinda munyika itsva yaMwari tanyimwa doro kupfuura kutera kukuripanga ndokurasikirwa noupenyu husingaperi.—Mateo 5:29, 30.
Kusununguka—uye kuramba wakasununguka—pakushandiswa zvisina kufanira kwedoro kazhinji kazhinji idenho inokangaidza. (Enzanisa naVaRoma 7:21-24.) Chii chinogona kubetsera? Ngatigovere zano rakananga. Kunyange kana usingatongonwi doro, iri zano richava rinorairidza uye ringakugonesa kubatsira shamwari yakati kana kuti hama yokunyama iyo iri kurwisana noudhakwa.
Kuzvinzvera Umene Kwokutendeseka
Imwe yemhinganidzo hurusa dzokukurira ndiko kurambwa kweidi rokuti uri chidhakwa. Kuramba chimiro chokusatendeseka. Kupembedza kune donzo: kudzivirira rusununguko rwako rwokunwa. ‘Handina kushata zvakadaro,’ ungarangarira kudaro. ‘Ndichine mhuri yangu. Ndichine basa rangu.’ Chinokosha zvikurusa, uchine doro rako.
Kuramba kungakudzivisa kuteerera shamwari idzo dzinoda kukubetsera. Robert akataura kuti baba kuna mai vomudzimai wake vakanga vagamuchira mitoo yakashata yokunwa nomufambiro wokuvirima. “Pashure pamazuva mashomanene, ndakanangana navo,” anodaro Robert, “ndichivabvunza kana vairangarira kuti kunwa kwavo kwakabetsera mufambiro wavo.” Muuyo wacho? “Ndakawana kuramba chose chose, netsinhiro dzakadai sokuti, ‘Hauna chibvumikiso’ uye, ‘Hauzivi kunzwa kwandinoita.’”
Kana ukasvikwa nomutezo wemhuri kana kuti shamwari iyo inoitira hanya pamusoro pokunwa kwako, ita kusanozvinzvera umene kwakakwana, kwokutendeseka. (Zvirevo 8:33) Unogona kurarama usina doro kwevhiki rose, kwomwedzi wose, kana kuti kwemwedzi inoverengeka here? Kana usingagoni, zvokona nei? Usafanana nomunhu anozvinyengera amene nokurangarira kwenhema. Jakobho anoti: “Wakafanana nomunhu unoona chiso chake, chaakaberekwa nacho, muchionioni. Nokuti unozvivona, ndokuenda, ndokukanganwa pakarepo kuti wakadini iye.”—Jakobho 1:22-25.
Kunyange pashure pokunge kunaya kwavamba, uchiri achafanira kungwarira kuramba. Bhuku rinonzi Willpower’s Not Enough rinotsanangura, kuti: “Munhu achangobva kurega anogona kudavira nokukanganisa kuti nemhaka yokuti akwanisa kurega kunwa doro kwechinguvana—zvichida kwenguva yokutanga—zvino arapwa.” Ikoku kufunga kwokupindwa muropa pakusimba kwako kukurusa, uye inhano yokutanga kukunwazve. Kana uchizodzivisa kuramba kwakadaro, haufaniri kusava nebetsero yavamwe.
Wana Betsero
Achiziva kuti aisagona kurwisa udhakwa ari oga, mumwe murume watingadana kuti Leo akatsvaka betsero inobhadharwa. Pashure penhambo yokurapwa kukuru; akanga ava kunaya. Leo anorangarira kuti ukoshi hwebetsero younyanzvi hahugoni kusimbiswa zvinopfuurezvi.b Kana betsero yakadaro ichiwanika munzvimbomo, ungasarudza kuishandisa.
Unofanira kuziva, zvisinei, kuti kune zvakawanda kukunaya kupfuura kungoregawo zvako. Pasi poudhakwa sezvingabvira pane nhau huru zvikuru dzaunofanira kutarisana nadzo. Kufuratira idzodzi kunogona kuva kune ngozi. Dr. Charlotte Davis Kasl anonyora, kuti: “Ndakabvunzurudza vanhu vakarapwa nokuda kwokushandisa zvisina kufanira zvinopinda muropa kusvikira kukane gumi nekana nemhaka yokuti zvinetso zvikuru zvokushandisa zvisina kufanira, kuvimbika, uye kuregeredza hazvina kubatwa nazvo.”
Dennis akawana ikoku kuva kwechokwadi. “Ndakanga ndiri chidhakwa chine mufungo icho chakanga chichine zvinetso zvakawanda,” iye anonyora kudaro. “Kwakanga kusina kukwana kurega kunwa. Ndaifanira kutarira nguva yangu yakapfuura, kunzvera zvifundo zvouduku hwangu, kunzwisisa kuti zvakanga zvichinditapura sei, uye kuita chinjo mumufambiro wangu.”
Nenzira yakafanana, Leo aifanira kutarira pasi mukati make amene kuti afambire mberi mukunaya. “Ndakanga ndiri munhu ane godo zvikuru, ane masimba masimba,” iye anodaro. “Ndaichinja-chinja pakati penhambo dzokuzvikudza nenyengedzo dzomukuru.” Leo akashandisa zano reBhaibheri riri pana VaEfeso 4:22: “Kuti pamufambire wenyu wokutanga mubvise [hunhu hwekare, NW].” Hungu, “mufambire [wako] wokutanga” wakashandisa pesvedzero ine simba pahunhu hwako. Sezvo plaster ichiwirirana neforoma, naizvozvo hunhu hwako murutivi hwakaumbwa nenzira yako yomunguva yakapfuura. Apo mufambiro wakaipa unobviswa, chii chinosara? Hunhu hwakaumbwa zvichida kwenhambo yamakore mazhinji. Naizvozvo, kunaya kunofanira kubatanidza kuchinja hunhu hwekare hunowirirana nowaichimbova mufambiro wako.
Tanga Ukama naMwari
Kunaya kwaLeo kwakabatanidzawo kutanga ukama hwomunhu oga naMwari. “Kudzidza kuvimba naJehovha kwakachinja chose chose chimiro changu chendangariro, mufambiro, uye murangariro,” iye anodaro.
Zvisinei, ngwariro yakakodzera. Ukama hupi nohupi—navanhu kana kuti naMwari—hunoda kusununguka, kutendeseka, uye chivimbo. Iwaya ndiwo mavara amene ayo udhakwa hunoparadza. Anogona kusakurirwa, asi kunotora nguva.
Sechidhakwa, ungasaziva kuti ukama hwapedyo hunonzwika kuva hwakafanana nei. Zvichida hauna kutongohuwana. Naizvozvo shivirira. Usakurumidzisa iyi nhano, uchikarira ukama naMwari kuitika somuuyo wechipiri unoerekana wavapo wokurega. Shanda zvakaoma kuti unzwisise Mwari namavara ake. Fungisisa nguva dzose, zvichida uchisanorava mapisarema eBhaibheri anoratidzira mirangariro mikuru, yokuonga pamusoro paJehovha nenzira dzake.c
“Simba Rinopfuura Romuzvarirwo”
Ukama hwokuvimba, hune chivimbo naMwari hunogona kuva nepesvedzero ine simba pauri. Jehovha achatsigira nhamburiko dzako dzokunaya. (Enzanisa nePisarema 51:10-12; 145:14.) Ungamusvika mumunyengetero wokushingaira panguva ipi neipi, uine chivimbo chokuti achakugovera “simba rinopfuura romuzvarirwo.”—2 VaKorinte 4:7, NW; VaFiripi 4:6, 7.
Musiki anoziva muitirwo wedu zviri nani kupfuura munhu upi noupi. (Pisarema 103:14) Vapi vezano vavanhu, avo vanotsamira pauchenjeri hwavanhu, vanogona kubetsera; asi Musiki wavanhu anogona kubetsera zvikuru kwazvo sei muuku kurwa! (Isaya 41:10; 48:17, 18) Akagovera tsigiro yorudo mukati meungano yechiKristu.
Gadziriro Yokutsigira
Vakuru vakakura mumudzimu vari muungano yechiKristu vanogona kuva manyuko makuru ebetsero. Vashomanene vavo vangataura kuti vane unyanzvi mune zvokurapa kana kuti mune zvokurapa ndangariro, asi vanoziva uye vanovimba neShoko raMwari nenheyo. Vanogona kubvumikisa kuva “soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.” (Isaya 32:2) Shandisa zvakazara betsero yavo.d
Chokwadika, vakuru vechiKristu vakadaro, pamwe chete nemimwe mitezo yemhuri neshamwari, havasati vachizokudzivirira pamiuyo yezviito zvako umene. Chinyorwa chinonzi Coming Off Drink chinotsanangura, kuti: “Chinhu chakakomba chiri mukurapwa kwezvidhakwa kunangana nezvidhakwa zvine miuyo inokuvadza yokupindwa muropa nokuzviita kuti zvitore mutoro womufambiro wazvo zvimene.” Naizvozvo vachava vane mutsa asi vakananga, vachikukurudzira kutarisana neidi ndokunamatira kukurapwa kupi kana kupi nomufambiro unodikanwa kukunda hondo yako yokurwisana nedoro.
Kunaya Mutoro Wako
Nepo uchibetserwa netsigiro yavamwe, unofanira kuziva kuti hakuna munhu kana kuti mudzimu unogona kumanikidzira kunaya kwako. Une rusununguko rwokuzvisarudzira. Kunaya kwako pakupedzisira mutoro wako. (Enzanisa naGenesi 4:7; Dheuteronomio 30:19, 20; VaFiripi 2:12.) Gamuchira mutoro iwoyo, uye Jehovha achakukomborera. Tinovimbiswa pana 1 VaKorinte 10:13, kuti: “Hakuna muidzo wakakubatai imi, asi wavanhu vose; asi Mwari, wakatendeka, haangatenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo; asi pamwe chete nomuidzo, iye uchakupaiwo nzira yokubuda nayo, muve nesimba rokutsunga.” Naizvozvo, wana nyaradzo—unogona kubudirira mukurwisana noudhakwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Kunyange zvazvo tichanongedzera kuchidhakwa somunhurume, nheyo dziri muno dzinoshanda zvakaenzana kuchidhakwa chomunhukadzi.
b Kune nzvimbo dzakawanda dzokurapa, zvipatara, uye dzimwe gadziriro dzokunaya idzo dzinogona kugovera betsero. Nharireyomurindi haitsigiri kurapa kwakati kupi nokupi. Ngwariro inofanira kushandiswa kuti munhu asabatanidzwe mumibato ingabvumiranisa pane zvisina kufanira nheyo dzapaMagwaro. Pakupedzisira, zvisinei, mumwe nomumwe achafanira kuzvisarudzira amene kuti rudzii rwokurapa runodikanwa.
c Mimwe mienzaniso Mapisarema 8, 9, 18, 19, 24, 51, 55, 63, 66, 73, 77, 84, 86, 90, 103, 130, 135, 139, 145.
d Nhungamiro dzinobetsera nokuda kwavakuru dzinowanwa muNharireyomurindi, October 1, 1983, mapeji 8-11.
[Bhokisi riri papeji 24]
Zvichida unotambura manyadzi nenhamo izvo udhakwa hunoparira. Kana zvakadaro, usarega tariro. Betsero inowanika.
[Bhokisi riri papeji 26]
Kana Ukadzokorora
“Kuva akagadzirira kudzokorora kwakafanana nokudzokorora zvokuita apo kunova nomwoto,” rinodaro bhuku rinonzi Willpower’s Not Enough. “Hakusati kuchireva kuti unokarira mwoto asi kuti wakagadzirira kuita chiito chine mufungo kana ukaitika.” Kana ukadzokorora:
□ Nyengetera kuna Jehovha. Iva nechokwadi chokuti iye anonzwisisa chinetso chako uye anoda kubetsera.—Pisarema 103:14; Isaya 41:10.
□ Udza mukuru wechiKristu, uchiva wasarudza pachine nguva mberi wokuonana naye kana dikanwo ikavapo. Iva akatendeseka pamusoro pezvakaitika, uye sanoteerera zano rake rapaMagwaro.
□ Dzivisa kuora mwoyo. Kuzvisema kunongokuswededza bedzi pedyo zvikuru nokudzokorora kwakazara, naizvozvo isa chikanganiso chako mumurangariro wakafanira. Kana uchinge warasikirwa nokurwa kumwe hakusati kuchireva kuti warasikirwa nehondo. Apo mumhanyi wenhangemutange anowa, haadzokeri kumutsetse wokutangira; anosimuka uye anopfuuridzira nhangemutange yacho. Ita zvimwe chetezvo nokunaya kwako. Uchiri mumugwagwa. Mavhiki, mwedzi, kana kuti makore okurega zviri shure kwako hazviregi kuvapo.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Dzivisa kuramba kupfurikidza nokuitakusanozvinzvera umene, kwokutendeseka