Dzivisa Ngozi Apo Inotyisidzira
VANHU vashomanene vanongwarira zvikuru ngozi kupfuura vafambisi vengarava. Ivo vanofanira kuramba vachingwarira mugariro wokunze, mafungu, uye kuva pedyo kwengarava yavo nemhenderekedzo yegungwa. Apo zvose zviri zviviri mafungu nemhepo zvinobatana kusaidzira ngarava kumhenderekedzo yegungwa, vafambisi vengarava vanotarisana nebasa rakaoma nengozi.
Muiyi migariro—inozivikanwa semhenderekedzo yegungwa inorova mhepo—mufambisi wengarava anochengeta nzvimbo yegungwa yakati pakati peigwa rake nemhenderekedzo yegungwa, zvikurukuru kana chikepe chacho chichifambiswa bedzi namachira. Bhuku remiraidzo yokufambisa ngarava rinotsanangura kuti ‘kubatwa mudutu pamhenderekedzo yegungwa inorova mhepo zvichida mugariro wakaipa zvikurusa’ umo mufambisi wengarava anogona kuzviwana amene ari mauri. Mushonga unorumbidzwa? ‘Usatongobvumira ngarava yako kuwanwa iri mumugariro wakaoma wakadaro.’ Nzira yakakotsekana yokudzivisa nayo kurovera pajecha kana kuti mhenderekedzo yegungwa ine mabwe kuramba kure nenzvimbo ine ngozi.
MaKristu anofanira kungwarira ngozi dzingagona kuparadza kutenda kwawo. (1 Timotio 1:19) Mazuva ano, migariro haisati ichitongova yakanakira kuchengeta nzira yakadzikama. Sezvo igwa richigona kubviswa munzira nemhepo namadutu, naizvozvo upenyu hwedu hwakatsaurirwa hunogona kurasikirwa nenhungamiro nemhaka yokukweva kwenguva dzose kwenyama yedu isina kukwana nokurova kunopfuurira kunoitwa nomudzimu wenyika—zvino rinodokuva simba redutu muukombi.
Mumwe Murume Akararama Zvine Ngozi
Kuri nyore sei kupinda usingazivi mumvura dzomudzimu dzine ngozi!
Rangarira muenzaniso wakaitika pedyo nemvura iri pakati penyika, Gungwa Rakafa. Tinonongedzera kumuenzaniso waRoti. Chisarudzo chake chokugara muSodhoma chakamuunzira zvinetso zvakawanda norusuvaro rukuru. Pashure pebopoto pakati pavafudzi vavo vakatsaukana, Abrahama naRoti vakabvuma kugara munharaunda dzakasiana. Roti, tinoudzwa kudaro, akasarudza Ruwa rwaJoridhani ndokudzika tende yake pakati pamaguta oRuwa rwacho. Gare gare, akasarudza kugara muSodhoma, kunyange zvazvo mararamire avaSodhoma akamutambudza.—Genesi 13:5-13; 2 Petro 2:8.
Neiko Roti akapfuurira kugara muguta raisanozivikanwa nokuda kwoutere iro rakagumbura Jehovha zvikuru uye kunyange kuparira kudanidzira kwavose kwakabva kuvanhu vaigara pedyo? Sodhoma rakanga richibudirira, uye mudzimai waRoti pasina panikiro akafarikanya betsero dzokunyama dzoupenyu hweguta. (Ezekieri 16:49, 50) Zvichida kunyange Roti akakwezviwa noupfumi hunobudirira hweSodhoma. Chipi kana chipi chaiva chikonzero chake chokugaramo, aifanira kuve akabva nokukurumidza kupfuura zvaakaita. Mhuri yaRoti pakupedzisira yakabva munharaunda ine ngozi bedzi pakuraira kwokukurumidzira kwengirozi dzaJehovha.
Nhauro yaGenesi inoti: “Utonga huchitsvuka vatumwa vakakurumidzisa Roti, vachiti: ‘Simuka, uende nomukadzi wako, navakunda vako vaviri vari pano, kuti urege kuparadzwa kana guta rorohwa.’” Asi kunyange pashure penyevero iyoyo yakakomba, Roti “akanonoka.” Ngirozi pakupedzisira dza“kabata ruoko rwake, noruoko rwomukadzi wake, namaoko avakunda vake vaviri; . . . vakamubudisa, vakamuisa kunze kweguta.”—Genesi 19:15, 16.
Kunze kweguta, ngirozi dzakapa mhuri yaRoti miraidzo yokupedzisira: “Tiza nokuda kwoupenyu hwako; usacheuka shure kwako, kana kumira pabani rose; tizira kugomo, kuti urege kuparadzwa.” (Genesi 19:17) Kunyange panguva iyeyo, Roti akakumbira mvumo yokuenda kuguta raiva pedyo reZoari panzvimbo pokubva munharaunda yacho chose chose. (Genesi 19:18-22) Nenzira yakajeka, Roti akanga achizengurira kudzivisa ngozi zvikuru sezvinobvira.
Achienda kuZoari, mudzimai waRoti akacheuka kuSodhoma, sezviri pachena achishuva zvinhu zvaakanga asiya shure. Nemhaka yokufuratira mirairidzo yengirozi, akarasikirwa noupenyu hwake. Roti—murume akarurama—akapukunyuka ruparadziko rweguta pamwe chete navanasikana vake vaviri. Asi mutengo wakadini waakabhadhara nokuda kwokusarudza kugara pedyo nengozi!—Genesi 19:18-26; 2 Petro 2:7.
Kugara Kure Nengozi
Chinoitika chakaipa chaRoti chinoratidza chinogona kuitika kana tikasvika pedyo kana kuti tikanonoka tiri mumhoteredzo ine ngozi. Uchenjeri hwaizoraira kuti, kufanana navachairi vengarava vakanaka, tisatongozvibvumira timene kupinda mumugariro wakaipa wakadaro. Ndedzipi dziri nharaunda dzine ngozi dzatinofanira kugara kure nadzo? Mamwe maKristu akatsauka kupfurikidza nokunyanyobatanidzwa mumibato yebhizimisi, kupfurikidza nokusakurira ushamwari hwapedyo navasonganiri venyika, kana kuti kupfurikidza nokubatanidzwa mundangariro nomumwe munhu ane mitezo yevatano yakasiana apo vanenge vasina kusununguka kuroora.
Nzira yokuchenjera, muchinoitika chimwe nechimwe, kudzivisa ngozi. Somuenzaniso, tinosvinurira here ngozi dzomudzimu rinonzi banza rebhizimisi rakaisvonaka ringagona kuunza? Dzimwe hama dzakazvinyudza dzimene mumabasa ezvokutengeserana kukuvadziko yemhuri dzadzo, utano hwadzo, uye mitoro yadzo youbati ushe hwaMwari. Pane dzimwe nguva nyengedzo yacho mararamire akanaka zvikuru ayo mari inogona kuunza. Padzimwe nguva idenho yokubvumikisa mano ounyanzvi hwadzo hwebhizimisi. Vamwe vangarangarira kuti vavariro yavo kugovera basa dzimwe hama kana kuti kukwanisa kupa norupo zvikuru nokuda kwebasa renyika yose. Zvichida vanofunga kuti apo basa rinenge rava kushanda zvakanaka, vachava nenguva yakawanda zvikuru yokupa kufariro dzoUmambo.
Ndedzipi dziri dzimwe dzengozi? Mugariro wepfuma usina chokwadi uye “chinoitika chisingadeyi kuonekwa” zvinogona kudzivisa basa rebhizimisi rakasanorongwa. (Muparidzi 9:11, NW) Kuparapatika nechikwereti chikuru kunogona kuunza nhamo uye kungatsvikinyidzira kunze zvinhu zvomudzimu. Uye kunyange apo bhizimisi rinenge richibudirira, sezvingabvira richatora nguva yakawanda nesimba rendangariro, uye ringada songaniro yenyika yakati.
Mumwe mukuru wechiKristu muSpain akanga ari muzvitambudzo zvakakomba zvemari apo kambani yeinishuwarenzi yakamuitira chikarakadzo chinokwezva. Kunyange zvazvo kwakanga kune kariro dzokuita mari yakawanda somumiriri weinishuwarenzi dzakawanda, iye pakupedzisira akaramba chikarakadzo chacho. “Chakanga chisiri chisarudzo chiri nyore, asi ndinofara kuti ndakati aiwa,” anotsanangura kudaro. “Kutanga, ndaizengurira kuita mari—kunyange nenzira isina kunanga—kupfurikidza neonano dzangu dzoubati ushe hwaMwari. Uye kunyange zvazvo ndakada pfungwa yokuva bhasi wangu ndimene, ndaitozofanira kufamba kakawanda ndokupedza maawa akawanda ndiri pabasa. Nenzira isingadzivisiki kungadai kwakareva kuregeredza mhuri yangu neungano. Kupfuura zvose, ndinopwiswa kuti kudai ndakanga ndagamuchira chikarakadzo ichocho, ndingadai ndakarasikirwa nokudzora upenyu hwangu.”
Hakuna muKristu anogona kutsunga kurasikirwa nokudzora upenyu hwake. Jesu akaratidza miuyo ine ngwavaira yenzira yakadaro kupfurikidza nokurondedzera muenzanisiro womumwe murume akaunganidza fuma yakawanda kuti arege kushanda ndokugara zvakanaka. Asi pausiku humene uhwo akasarudza kuti pakupedzisira akanga aunganidza mari yakakwana, akafa. “Ndizvo zvakaita munhu anozviunganidzira pfuma, asingafumi kuna Mwari,” Jesu akanyevera kudaro.—Ruka 12:16-21; enzanisa naJakobho 4:13-17.
Tinofanirawo kudzivisa songanirano refu navanhu venyika. Zvichida muvakidzani, shamwari yokuchikoro, mushandi biyako, kana kuti musonganiri webhizimisi. Tingarangarira kuti, ‘Iye anoremekedza Zvapupu, anorarama upenyu hwakachena, uye tinotaura pamusoro pezvokwadi panhambo nenhambo.’ Bva, chinoitika chavamwe chinobvumikisa kuti pashure penguva yakati tingatozviwana timene tichida songaniro yakadaro yenyika kupfuura yehama yomudzimu kana kuti hanzvadzi. Ndedzipi dziri dzimwe dzengozi dzoushamwari hwakadaro?
Tingagona kuvamba kuderedza ukoshi hwenguva dzatiri kurarama madziri kana kuti kuva nefariro inokura muzvinhu zvokunyama panzvimbo pezvomudzimu. Zvichida, nemhaka yokutya kutsamwisa shamwari yedu yenyika, tingatoshuva kugamuchirwa nenyika. (Enzanisa na 1 Petro 4:3-7.) Wezvamapisarema Dhavhidhi, pane rumwe rutivi, akada zvake kusonganirana navanhu vaida Jehovha. “Ndichadudzira zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai pakati peungano,” akanyora kudaro. (Pisarema 22:22) Tichataviridzwa kana tikatevedzera muenzaniso waDhavhidhi, kutsvaka ushamwari hunogona kutivaka mumudzimu.
Imwe nzira ine ngozi ndeiya yokubatanidzwa mundangariro nomunhu ane mitezo yevatano yakasiana apo munhu anenge asina kusununguka kuroora. Ngozi yacho ingamuka apo munhu anokweverwa kuno mumwe munhu anokwezva, ane kurukurirano inonyandura, uye anotova nomurangariro mumwe chetewo nepfungwa yokusetsa kana kuti murangariro. Munhu angafarikanya songaniro yake, achirangarira kuti, ‘Ndinoziva pokusvika. Tinongova chete shamwari.’ Kunyanguvezvo, mirangariro ikangonyandurwa bedzi haisi nyore kudzora.
Mary, imwe hanzvadzi duku yakaroorwa, akafarikanya songaniro yaMichael.a Iye akanga ari hama yakaisvonaka asi akakuwana kwakaoma kuita shamwari. Ivo vaiva nezvinhu zvakawanda zvavo vose, uye vakawana kuti vaigona kuita jee pamwe chete. Mary akanyengedzwa kufunga kuti hama isina kuroora yaida kuvimba naye. Nguva refu isati yapfuura, hwairatidzika kuva ushamwari husina mhaka hwakava batanidzwo huru yemirangariro. Vakapedza nguva yakawanda zvikuru vari pamwe chete uye pakupedzisira vakaita utere. “Ndinofanira kuva ndakaziva ngozi pamavambo,” Mary anogomera kudaro. “Apo bedzi ushamwari hwakatanga, hwakava hwakafanana nejecha rinotinyudza nguva dzose.”
Hatifaniri kutongokanganwa nyevero yeBhaibheri: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva.” (Jeremia 17:9) Mwoyo wedu unonyengera, kufanana nefungu rinosundira igwa rinofambiswa namachira pamabwe, unogona kutisundira muukama hune ngwavaira mundangariro. Mushonga wacho? Kana usina kusununguka kuroora, noune dzivisa mundangariro mumwe munhu waunowana kuva anokwezva.—Zvirevo 10:23.
Kusununguka Nokuramba Wakasununguka Mungozi
Zvakadini kana tichitozviwana timene tiri mungozi yomudzimu? Vafambisi vengarava, apo vanenge vachisundirwa kumhenderekedzo yegungwa ina mabwe nemhepo nedutu, vanoshanda zvakakomba zvikuru kuti ngarava dzavo dziende kugungwa, kana kuti kutendeukira kunobva mhepo, kutozosvikira vasvika mvura dzakakotsekana zvikuru. Nenzira yakafanana, tinofanira kuparapatika kuti tizvisunungure timene. Kupfurikidza nokuteerera zano rapaMagwaro, kunyengetera zvapachokwadi nokuda kwebetsero yaJehovha, uye kutsvaka rubatsiro runobva kuhama dzechiKristu dzakakura mumudzimu, tinogona kudzokera munzira yakakotsekana. Tichakomborerwa zvakare norugare rwendangariro nomwoyo.—1 VaTesaronika 5:17.
Ipi kana ipi iri migariro yedu, takachenjera kudzivisa “zvinhu zvenyika.” (VaGaratia 4:3, NW) Mukupesana naRoti, Abrahama akasarudza kugara akaparadzana navaKanani venyika, kunyange zvazvo kwakareva kugara mumatende kwamakore akawanda. Zvichida akashaiwa zvakanaka zvokunyama, asi mararamire ake akapfava akamudzivirira mumudzimu. Panzvimbo pokutambura kuparadzwa kwokutenda kwake, akava “Baba vavose vanotenda.”—VaRoma 4:11.
Sezvatakapoteredzwa nenyika inozvigutsa ine “mudzimu” wakasimba zvikuru nguva dzose, tinofanira kutevera muenzaniso waAbrahama. (VaEfeso 2:2, NW) Kana tikagamuchira nhungamiro yaJehovha muzvinhu zvose, tichakomborerwa nokuwana zvakananga dziviriro yake yorudo. Tichanzwa sezvakaita Dhavhidhi: “Unoponesa mweya wangu; unondifambisa panzira dzokururama nokuda kwezita rake. Zvirokwazvo unyoro nenyasha zvichanditevera mazuva ose oupenyu hwangu; uye ndichagara mumba maJehovha mazuva namazuva.” Hapana panikiro pamusoro pako, kufamba mu“nzira dzokururama,” panzvimbo pokuenda kunzira dzengozi, kuchaunza zvikomborero zvisingagumi.—Pisarema 23:3, 6.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Kana usina kusununguka kuroora, dzivisa mundangariro mumwe munhu waunowana kuva anokwezva