Vakafa Vanogona Kutiona Here?
MUMWE mukadzi anoponda murume wake. Makore manomwe gare gare iye anotyiswa nechiroto icho anodavira kuti chiratidzo chokutsamwa kwomurume wake akafa. Kuti apfupe “mudzimu” wake, anotuma mwanasikana wake kundodururira zvipiriso zvinonwiwa paguva rake.
Mwanasikana wacho haazivi nzira yokutaura nayo kumudzimu wababa vake, sezvo chipiriso chacho chichibva kuna amai vake vakavauraya. Hanzvadzi yake inotarira yakavanda. Iyo inouya, uye iyo nehanzvadzi yayo vanonyengetera kuna baba vavo kuti vavabetsere kutsiva kupondwa kwavo.
Ichi chiono chinobva muThe Libation Bearers, mumwe mutambo wechiGiriki wakanyorwa makore 2 400 apfuura. Mumamwe mativi enyika, zvikurukuru muAfrica, zvibayiro zvakafanana zvaparutivi peguva zvinopiwa kunyange nhasi.
Rangarira, somuenzaniso, chakaitika chaIbe, uyo anogara muNigeria. Arasikirwa navana vatatu murufu, anosvika n’anga yomunzvimbomo, iyo inoudza Ibe kuti nzufu dzacho hadzisi dzisina chikonzero—baba vakafa vaIbe vakatsamwa nemhaka yokuti kuvigwa kwavo hakuna kuitwa nomutoo wakafanira.
Achitevera zano ren’anga yomunzvimbomo, Ibe anobayira mbudzi uye anodurura chipiriso chejini newaini paguva rababa vake. Anodanidzira kumudzimu wababa vake, achikumbira kanganwiro, achisimbisa rudo rwake, uye achikumbira chikomborero.
Ibe haapokani kuti baba vake vanogona kumuona nokumunzwa. Haadaviri kuti baba vake havasi vapenyu asi kuti parufu vaka“yambuka” vachibva munyika inooneka vachienda kunyika isingaoneki. Ibe anodavira kuti baba vake vakabva munyika yenyama neropa vachienda kunyika yemidzimu, nzvimbo yavakare.
Ibe anorangarira seizvi: ‘Kunyange zvavo Baba vasati vachiri munyika ino, vachiri kundiyeuka uye vanofarira garikano yangu. Uye sezvo zvino vava mudzimu une masimba akawedzerwa, vanokwanisa zviri nani zvikuru kundibetsera kupfuura zvavakanga vakaita somunhu pasi pano. Uyezve, vanogona kusvika zvakananga kuna Mwari nokuda kwangu, sezvo Mwari ari mudzimuwo. Baba vangava vakatsamwa iko zvino, asi kana ndikavaremekedza zvakafanira, vachandikanganwira ndokundikomborera.’
MuAfrica chitendero chokuti vakafa vanoona vanhu vari pasi pano ndokupesvedzera upenyu hwavo chakapararira pakati paavo vanoshandisa rudzidziso rwamagamuchidzanwa. Kuri pachena pakati pavanoti vaKristuwo. Somuenzaniso, pashure pokunge mukadzi achatiswa muchechi, hakusati kuri kwechienzi kuti iye aende kumusha kwavabereki vake kuzogamuchira chikomborero chamagamuchidzanwa. Ikoko vakare vanokumbirwa, uye chipiriso chinonwiwa chinovadururirwa. Vanhu vakawanda vanodavira kuti kukundikana kuita ikoku kunounza ngwavaira pamuchato wacho.
Kunofungwa kuti vakare, kana kuti midzimu yavakare, vanovimbisa kupukunyuka norubudiriro rwemhuri dzavo pasi pano. Maererano nouyu murangariro, ivo ishamwari dzine simba, dzinokwanisa kuunza kukohwa kwakanaka, kusimudzira garikano, uye kudzivirira vanhu pakuvadziko. Vanoreverera munhu. Kana vakafuratirwa kana kuti kugumburwa, zvisinei, vanounza ngwavaira—chirwere, urombo, kunyange rufu. Somugumisiro, kupfurikidza nechibayiro nomuitiro, vanhu vanovavarira kuchengeta ukama hwakanaka navakafa.
Iwe unodavira here kuti vakafa vanoita basa rokushingaira muupenyu hwavapenyu? Wati wambomira paguva romudiwa ndokuzviwana umene uchitaura mashoko mashomanene, kungoitira chete kuti iye angagona kukunzwa here? Eya, kana vakafa vachitiona nokutinzwa kana kuti kwete kunotsamira pachinoitika parufu. Ngatinzverei chinotaura Bhaibheri pamusoro peiyi nhau inokosha.