RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 7/15 pp. 8-9
  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Brazil

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Brazil
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kubatira Kune Kushayiwa Kukuru
  • Kugovera Mabhuku eBhaibheri
  • Ndakasimbiswa Nechivimbo Changu Muna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Tsungiriro Inotungamirira Kufambiro Mberi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Jehovha Akakomborera Kutsunga Kwangu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Rutivi 5—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 7/15 pp. 8-9

Zvapupu zvaJehovha Kupota Nyika—Brazil

BRAZIL inyika huru muna mativi akawanda. Muzvose zviri zviviri ukuru uye vagari vemo, ndiyo nyika yechishanu pahurusa munyika. Inofukidza inodokuva hafu youkuru hwenyika yeSouth America uye musha wevanhu vakawanda kupfuura dzimwe nyika dzose dzomukondinendi iyoyo dzabatanidzwa. Brazil inewo masango emvura makurusa munyika. Musango iroro munoerera rwizi rwune simba zvikurusa pasi pano—Amazon.

Brazil yakakurawo mune mumwe mufungo. Nhamba yavaparidzi vayo vemashoko akanaka oUmambo hwaMwari yodokusvika 400 000, uye gore rakapera vanopfuura 1 000 000 vakapinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Iyi nyika naizvozvo yakatanhamara kana toreva nezvebasa rokuparidza Umambo. Zvakaitika zvenguva pfupi yapfuura zvinoratidzira iri pfundo.

Kubatira Kune Kushayiwa Kukuru

Antonio nomudzimai wake vakaita chisarudzo chakaoma chokusiya hama dzavo dzokunyama nebasa rakachengeteka, rinobhadhara zvikuru muSão Paulo kuti vanobatira kwaiva nokushayiwa kukuru kwavazivisi voUmambo muruwa rweMinas Gerais. Ndima yavo yaibatanidza boka ravashandi vapanogadzirwa shuga. Zuva rokutanga ravakapupurira ipapo, vakatanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha pfumbamwe. Mukati memwedzi 18, vakanga vave kuitisa fundo dzinopfuura 40!

Pakutanga, misangano yaiitirwa maigadzirirwa chaimo. Zvisinei, vaparidzi vatsva vaida kuona Horo yoUmambo chaiyo. Nokudaro, bhazi rakaripirwa kuti riendese vanhu 75 kuungano yaiva pedyo zvikurusa. Tevere kwakauya kokorodzano; 45 vevadzidzi veBhaibheri vatsva vakapinda uye vakabvunzurudzwa. Gumi navashanu vaivava vakabhapatidzwa panhambo iyoyo. Chokwadika, misodzi yomufaro yakaerera nokuzvidira!

Kambani yebhazi imwe cheteyo yakashandiswa nokuda kwenzendo dzakafanana, uye vakuru vakuru vakagovera mitengo chaiyo. Mukuonga, Antonio akagovera yamuro yefundo yeBhaibheri kumuridzi wefemu yacho. Akabvuma kuvamba kufunda Bhaibheri manheru iwayo chaiwo uye akabhapatidzwa pashure pemwedzi inoverengeka yokufunda kwokushingaira. Pakutanga, mudzimai wake aishora kufunda kwacho, asi mukufamba kwenguva, chimiro chake chendangariro chakapfava. Nhasi naiyewo Chapupu chaJehovha chakabhapatidzwa.

Muna February 1992 ungano ine vaparidzi 22 vanoshingaira yakaumbwa. Pakazosvika 1994 iyi nhamba yakanga yawedzera kusvika ku 42, ine mapiyona enguva dzose vana, kana kuti vaparidzi venguva yakazara vamashoko akanaka. Somugumisiro, Antonio akagumisa, kuti: “Mudzimai wangu neni takaona kuti kana tika‘edza Jehovha,’ sezvinotaura Maraki 3:10, acha‘dururira patiri chikomborero kusvikira pasisina kushayiwa.’”

Kugovera Mabhuku eBhaibheri

Zvichida chimwe chikonzero nei basa rokuparidza riri kuita fambiro mberi huru yakadaro muBrazil ndechokuti Zvapupu zvinogovera mabhuku eBhaibheri pamukana uri wose. Somuenzaniso, imwe ungano yakanyorera hofisi yebazu yeWatch Tower Society ichikumbira makopi 250 ebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda. Neiko odha huru yakadaro?

Tsamba yacho yakatsanangura, kuti: ‘Chimwe chezvikoro zviri mutaundi chakasarudza kushandisa iri bhuku sechishandiso chokudzidzisa murimwe ramakirasi. Chisarudzo chezviremera zvechikoro chiri nemhaka yokupupura kwamasanga kwakaitwa navabereki vevadzidzi vari Zvapupu zvaJehovha uye nomumwe wavatarisiri vechikoro. Jehovha ngaapfuurire kukomborera vabatiri vake sezvavanogovera murayiridzo wakaisvonaka neiri bhuku.’ Hungu, uye Jehovha ngaapfuurire kukomborera fambiro mberi yakaisvonaka yebasa rokuparidza Umambo munyika huru yeBrazil.

[Bhokisi riri papeji 8]

KUKAMURANISWA Kwenyika

Gore Rebasa ra 1994

NHA. YAPAMUSORO INOPUPURA: 385 099

RESHIYO: Chapupu 1 ku 404

VAKAPINDA CHIRANGARIDZO: 1 018 210

AVH. YAVAPARIDZI MAPIYONA: 38 348

AVHAREJI YEFUNDO DZEBHAIBHERI: 461 343

NHAMBA YAKABHAPATIDZWA: 24 634

NHAMBA YEUNGANO: 5 928

HOFISI YEBAZU: CESÁRIO LANGE

[Mufananidzo uri papeji 9]

Motokari ine gudzanzwi yaishandiswa muSão Paulo munenge muna 1940

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kupupurira muBotanical Garden muRio de Janeiro

[Mufananidzo uri papeji 9]

Bazu rehofisi muCesário Lange

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe