RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 8/1 pp. 3-4
  • Mweya Haufi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mweya Haufi Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mimwe Mibvunzo Inonetsa
  • Kune Upenyu Here Pashure Porufu?
    Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?
  • Upenyu Pashure Porufu—Vanhu Vanodavirei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Kudavira Kwako Rumuko Kwakasimba Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Ko Mweya Unopukunyuka Rufu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 8/1 pp. 3-4

Mweya Haufi Here?

CHINYARARIRE, shamwari nemhuri vanofamba vachipfuura napabhokisi rakavhurwa. Ivo vanotarisisa mutumbi wacho, uya womukomana ane makore 17 okukura. Shamwari dzake dzokuchikoro dzinodokusamuziva. Kushandiswa kwemishonga yakamurapa kwaundura bvudzi rake; kenza yakamuonza. Uyu anogona chaizvoizvo kuva shamwari yavo here? Vhiki shomanene chete ikoku kusati kwaitika, iye akanga akazara kwazvo nemifungo, nemibvunzo, nesimba—noupenyu! Amai vomukomana wacho vanodzokorora vadzokororazve nemisodzi, kuti: “Tommy ava kufara zvino. Mwari aida Tommy kuti ave mudenga naye.”

Ava amai vaodzwa mwoyo vanowana tariro yakati nenyaradzo mupfungwa yokuti munzira yakati mwanakomana wavo achiri kurarama. Muchechi ivo vave vachidzidziswa kuti mweya haufi, kuti iwo ndiwo chigaro chounhu, mifungo, yeuko—“munhu amene.” Mweya womwanakomana wavo, ivo vanodavira kudaro, hauna kutongofa; munhu womudzimu mupenyu, iwo wakasiya mutumbi parufu ndokuenda kudenga kuti uve naMwari nengirozi.

Munguva yengwavaira, mwoyo womunhu unonamatira zvikuru kukatariro kapi nakapi, naizvozvo hakuna kuoma kuona chikonzero nei urwu rudaviro ruchifadza zvikuru. Rangarira, somuenzaniso, nzira iyo mufundisi J. Paterson-Smyth anotaura nayo iye amene muThe Gospel of the Hereafter: “Rufu chinhu chiduku zvikuru mukuenzanisa nechinouya pashure parwo—nyika iya yakaisvonaka, yakaisvonaka, yakaisvonaka umo Rufu runotipinza.”

Kupote nyika uye mumarudzidziso akawanda netsika, vanhu vanodavira kuti munhu ane mweya usingafi mukati make, mudzimu unoziva uyo unopfuurira kurarama pashure pokunge muviri wafa. Rudaviro rwacho rwakapararira zvikurusa muzviuru zvemarudzidziso nemasekete zvechiKristudhomu. Idzidziso yapamutemo muchiJudhawo. VaHindu vanodavira kuti munhu womukati, kana kuti mweya, wakasikwa panguva yapakuvamba, unoiswa mumuviri pakuzvarwa, uye parufu unotamira kune mumwe muviri mudenderedzwa rinopfuurira rokuberekwazve. VaMuslim vanodavira kuti mweya unovapo nomuviri uye unopfuurira kurarama pashure pokunge muviri wafa. Kumwe kutenda—chitendero chokuti zvinhu zvose zvine mweya cheAfrica, cheShinto, kunyange chechiBuddha mumurangariro wakati—kunodzidzisa misiyano pamusoro mumwe cheteyu.

Mimwe Mibvunzo Inonetsa

Nepo mufungo wemweya usingafi uchifadza zvisingarambiki uye zvinenge zvakapararira, kunyange zvakadaro iwo unomutsa mimwe mibvunzo inonetsa. Somuenzaniso, vanhu vanoshamisika kuti mweya womudiwa unoendepi kana iyeyo asina kurarama upenyu hwomuenzaniso. Iye achaberekwazve sechimwe chimiro chakaderera choupenyu here? Kana kuti iye anotumirwa kupurigatori, uko achacheneswa nomumwe muitiro wakati womwoto kutozosvikira arangarirwa kuva akafanirwa nokuenda kudenga here? Zvakatoipa, iye achatambudzwa nokusingaperi muhero inopisa here? Kana kuti iye, seizvo marudzidziso akawanda anoti zvinhu zvose zvine mweya anodzidzisa, mudzimu unofanira kunyaradzwa here?

Mirangariro yakadaro inoparira kariro dzinorema nokuda kwavapenyu. Tinofanira kunyaradza midzimu yavadiwa vedu vakafa kutyira kuti ingatiunzira matsive here? Tinofanira kuibetsera kubuda mupurigatori yakati inotyisa here? Kana kuti tinongofanira hedu kudedera mukutya kusingabetseri pakufunga pamusoro pokutambudzika kwayo muhero here? Kana kuti tinofanira kubata dzimwe mhuka mhenyu sokunge dzine mweya yavanhu vakafa here?

Mibvunzo inomuka pamusoro paMwari amene haitongonyaradzi. Somuenzaniso, vabereki vakawanda, saamai vadudzwa pakuvamba, pakutanga vanonyaradzwa nomufungo wokuti Mwari “aendesa” mweya usingafi womwana wavo kudenga kuti uve naye. Nokuda kwavakawanda, kunyange zvakadaro, inongova nhau yenguva bedzi vasati vavamba kushamisika kuti rudzii rwaMwari rwungapa chimwe chirwere chinotyisa mwana asina mhaka, achibvuta anokosha zvakadaro kuvabereki vakaodzwa mwoyo kuti angotamisira mwana wacho kudenga nguva isati yakwana. Ruramisiro, rudo, ngoni, zviripi muna Mwari akadaro? Vamwe vanotopanikira uchenjeri hwaMwari akadaro. Nei, ivo vanobvunza, Mwari akachenjera aizoisa hake mweya iyi yose pasi pano pakuvamba kana vose vachifanira kuguma mudenga? Ikoko kwaisazoreva kuti chisiko chapasi chaizvoizvo kupambadzwa kwenhamburiko kunotyisa here?—Enzanisa naDheuteronomio 32:4; Pisarema 103:8; Isaya 45:18; 1 Johane 4:8.

Nenzira yakajeka, ipapoka, dzidziso yokusafa kwomweya womunhu, muchimiro chipi kana chipi umo dzidziso yacho inodzidziswa, chinomutsa mibvunzo inoshamisa, kunyange kusawirirana. Nei? Zvakawanda zvechinetso chacho zvine chokuita namavambo eiyi dzidziso. Ungakuwana kuchikupa nzwisiso kunzvera aya mavambo nokupfupikisa; uye ungashamiswa kuziva icho Bhaibheri rimene rinotaura pamusoro pemweya. Rinopa tariro iri nani zvikuru youpenyu pashure porufu kupfuura izvo marudzidziso enyika anowanzodzidzisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe