Vakaita Kuda kwaJehovha
Kushanya Kwakava Nemubayiro Mukuru
RWENDO rwekubva kuShebha kuenda kuJerusarema rwaifanira kuve rwainetesa nokuda kwamambokadzi. Akanga akajaira kurarama muumbozha. Zvino, akanga achifamba maererano nokufamba kwekamera rwendo rwemakiromita 2 400, chikamu chikuru charwo nomurenje rinopisa. Maererano nekumwe kufungidzira, kufamba kwake kungave kwakaitwa mumazuva 75, uye ikoko kuchingova kuenda chete!a
Nei uyu mambokadzi akapfuma akasiya musha wake wakanaka muShebha ndokuita urwu rwendo rwakaoma?
Mbiri Inofadza
Mambokadzi weShebha akauya kuJerusarema a“nzwa mbiri yaSoromoni pamusoro pezita raJehovha.” (1 Madzimambo 10:1) Zvakanzwikwa namambokadzi chaizvoizvo hazvina kutaurwa. Zvisinei, tinoziva kuti Jehovha akakomborera Soromoni neuchenjeri hunoshamisa, upfumi, uye kukudzwa. (2 Makoronike 1:11, 12) Mambokadzi akasvika sei pakuziva izvi? Sezvo Shebha yaiva nzvimbo yebhizimisi, zvingangoita kuti akanzwa nezvembiri yaSoromoni nevashambadzi vaishanyira nyika yake. Vamwe vaivava vangave vaiva vambosvika kuOfiri, nyika iyo Soromoni aiva nemibato yebhizimisi yakati nayo.—1 Madzimambo 9:26-28.
Zvisinei, mambokadzi akasvika muJerusarema “navanhu vazhinji namakamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha.” (1 Madzimambo 10:2a) Vamwe vanotaura kuti “vanhu vazhinji” vaibatanidza vaperekedzi vaiva nezvombo. Izvi zvinganzwisisika, tichifunga kuti mambokadzi wacho akanga ari mukuru-mukuru ane simba uye aifamba nezvinhu zvaikosha makumi ezviuru zvemadhora.b
Zvisinei, ona kuti mambokadzi uyu akanzwa nezvembiri yaSoromoni “pamusoro pezita raJehovha.” Saka urwu rwaisangova rwendo rwebhizimisi. Zviri pachena kuti mambokadzi uyu akauyira zvikurukuru kuzonzwa nezvekuchenjera kwaSoromoni—zvichida kunyange kuzodzidza chimwe chinhu pamusoro paMwari wake, Jehovha. Sezvo zvimwe akanga ari werudzi rwaShemi kana Hami, avo vaiva vanamati vaJehovha, angangove aida kuziva pamusoro pechitendero chemadziteteguru ake.
Mibvunzo Mikukutu, Mhinduro Dzinogutsa
Pakusangana naSoromoni, mambokadzi akatanga kumuidza ne“mibvunzo mikukutu.” (1 Madzimambo 10:1) Shoko rechiHebheru rakashandiswa pano rinogona kushandurwa kuti “zvirahwe.” Asi izvi hazvirevi kuti mambokadzi akaita hake mitambo yenhando naSoromoni. Sezvineiwo pana Pisarema 49:4, shoko rimwe chete iroro rechiHebheru rinoshandiswa kutsanangura mibvunzo yakakomba ine chokuita nechivi, rufu, uye rudzikinuro. Saka zvingangodaro kuti mambokadzi weShebha akanga achikurukura nhau dzakadzama naSoromoni idzo dzakaidza kudzama kwekuchenjera kwake. Bhaibheri rinoti “akataurirana naye pamusoro pezvose zvaiva mumwoyo make.” Soromoniwo “akapindura mibvunzo yake yose. Hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa mambo, chaakanga asingagoni kumuudza.”—1 Madzimambo 10:2b, 3.
Mambokadzi weShebha akaororwa kwazvo nokuchenjera kwaSoromoni uye nokubudirira kweumambo hwake zvokuti “akapera mweya.” (1 Madzimambo 10:4, 5) Vamwe vanoti kutaura uku kunoreva kuti mambokadzi akasara “asina romuromo.” Imwe nyanzvi inototi akafenda! Chero zvazvingave zvakaita, mambokadzi akashamiswa nezvaakanga aona uye nezvaakanzwa. Akati varanda vaSoromoni vaifara nokuda kwekukwanisa kwavo kunzwa kuchenjera kwamambo uyu, uye akakudza Jehovha nokuda kwekugadza Soromoni pachigaro chokutonga. Ipapo akapa mambo zvipo zvaidhura, ndarama yega yaisvika $1 480 000 000, mari yazvino. Soromoniwo akapa zvipo, achipa mambokadzi “zvose zvaaida nezvaakakumbira.”c—1 Madzimambo 10:6-13.
Zvatinodzidza
Jesu akashandisa mambokadzi weShebha semuenzaniso wokudzidzisa vanyori nevaFarise. “Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa norudzi urwu, acharupa mhosva,” akavataurira, “nokuti akabva pamagumisiro enyika kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni; tarirai, mukuru kuna Soromoni ari pano.” (Mateo 12:42) Hungu, mambokadzi weShebha akaratidza kuonga kukuru nokuda kwekuchenjera kwakapiwa naMwari. Kana akafamba makiromita 2 400 kuti azonzwa Soromoni, zvechokwadi vanyori nevaFarise vanofanira kuve vakateereresa Jesu, uyo aiva pamberi pavo chaipo.
Isu nhasi tingaratidza kuonga kukuru nokuda kwaSoromoni Mukuru, Jesu Kristu. Sei? Imwe nzira kutevedzera murayiro wake weku“dzidzis[a] marudzi ose.” (Mateo 28:19) Imwe yacho ndeyokufungisisa muenzaniso waJesu uye mafungire ake ndokuzvitevedzera.—VaFiripi 2:5; VaHebheru 12:2, 3.
Chokwadi, kutevedzera muenzaniso waSoromoni Mukuru kuchada nhamburiko kwatiri. Asi tikadaro tichave nemubayiro mukuru. Chokwadi, Jehovha anovimbisa vanhu vake kuti kana vakaratidzira mudzimu wekuzvipira, acha‘vazarurira mawindi ekudenga, ndokuvadururira zvikomborero kusvikira zvavakwanira vasisazvidi.’—Maraki 3:10.
[Mashoko Omuzasi]
a Nyanzvi zhinji dzinofunga kuti Shebha yakanga iri kumaodzanyemba kwakadziva kumavirira kweArabia, nhasi iri iyo Republic of Yemen.
b Maererano nenyanzvi yekare yechiGiriki yomugariro wapasi Strabo, vanhu veShebha vakanga vakapfuma zvikuru. Anotaura kuti vaishandisa ndarama yakawanda pafenicha yavo, pamidziyo yavo, uye kunyange pamadziro, magonhi, nepamatenga edzimba dzavo.
c Vamwe vanoti kutaura uku kunoreva kuti mambokadzi akarara naSoromoni. Ngano dzinoti vakatoita mwana. Zvisinei, hapana uchapupu hunotsigira kana chimwe cheizvi.