RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 8/15 pp. 4-7
  • Iva Ne“upenyu Chaihwo”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Ne“upenyu Chaihwo”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Upenyu Chaihwo” Panguva Iyoyo
  • “Upenyu Chaihwo” Ndehwechokwadi—Hubatisise!
  • “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
    “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva”
  • Jehovha Anozadzika Zvipikirwa Zvake Kune Vakatendeka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Vimba naJehovha Kuti Azadzike Donzo Rake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
    Upenyu Munyika Itsva Ino Rugare
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 8/15 pp. 4-7

Iva Ne“upenyu Chaihwo”

JEHOVHA MWARI akapa munhu pfungwa yezvisingaperi. (Muparidzi 3:11) Izvi zvinoita kuti vanhu vanzwe vasina simba mukutarisana nerufu, asi zvinobva zvamutsawo chido chinopfuurira chekurarama.

Bhaibheri Dzvene, Shoko rakafuridzirwa raMwari, rinotipa tariro huru. (2 Timotio 3:16) Jehovha, uyo ari rudo rwechokwadi, haaizosika munhu aine mano ekunzwisisa pfungwa yezvisingaperi asi omutemera kurarama makore mashomanene. Kutisikira kuti tingotambura noupenyu hazvimbopindirani neunhu hwaMwari. Hatina kusikwa se“mhuka dzisina murangariro, dzakaberekwa kuti dzibatwe, dziparadzwe.”—2 Petro 2:12.

Paakasika Adhama naEvha vaine pfungwa yokuzvarwa nayo yezvisingaperi, Jehovha Mwari akaita chimwe chinhu cha“kanaka kwazvo”; akavaumba vaine simba rekurarama nokusingaperi. (Genesi 1:31) Asi zvinosuruvarisa kuti vabereki vokutanga vakashandisa zvisina kufanira rusununguko rwavo rwokuzvisarudzira, vasingateereri kurambidza kwakajeka kwoMusiki vachibva varasikirwa nekukwana kwavo kwepakuvamba. Somugumisiro, vakafa, vapfuudzira kusakwana kuvana vavo.—Genesi 2:17; 3:1-24; VaRoma 5:12.

Bhaibheri harisiyi mugariro usinganzwisisiki wakapoteredza nezvechinangwa choupenyu nezvinoreva rufu. Rinoti murufu “hakune basa, kana zano, kana zivo” uye kuti vakafa “havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5, 10) Nemamwe mashoko, vakafa vakafa. Dzidziso yemweya usingafi haisi yeBhaibheri, saka hapana chinoshamisa chikuru chinofanira kupedzwa pamusoro pemugariro wevakafa.—Genesi 3:19; Pisarema 146:4; Muparidzi 3:19, 20; Ezekieri 18:4.a

Mwari aiva nechinangwa; haana kusika pasi kuti rive “dongo.” Akariumba kuti “[r]igarwe” nevanhu vakakwana mumugariro weparadhiso, uye Mwari haana kuchinja chinangwa chake. (Isaya 45:18; Maraki 3:6) Kuti chizadzike, akatuma Mwanakomana wake pasi pano. Achiramba akatendeka kusvika parufu, Jesu Kristu akagovera nzira yokudzikinura rudzi rwomunhu kubva muchivi norufu. Chaizvoizvo, Jesu akati: “Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani nani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.”—Johane 3:16.

Kare kare, Mwari akapikira kuti aizosika “denga idzva nenyika itsva.” (Isaya 65:17; 2 Petro 3:13) Zvaizobatanidza kusarudza kwake boka rakaganhurirwa revaKristu vakatendeka nokuda kwoupenyu kudenga. Pamwe naJesu Kristu, vanoumba musimboti wehurumende. Bhaibheri rinotaura nezvayo se“ushe hwokudenga,” kana kuti “ushe hwaMwari,” huchadzora “zviri pasi.” (Mateo 4:17; 12:28; VaEfeso 1:10; Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1, 3) Aparadza kusada Mwari kwose papasi redu nokurichenesa, Mwari achaunza nzanga itsva yavanhu vakarurama, kana kuti “nyika itsva.” Ichabatanidza vanhu avo Mwari anochengetedza kupfuura nomuruparadziko rwuri kuuya rwegadziriro yezvinhu yakaipa. (Mateo 24:3, 7-14, 21; Zvakazarurwa 7:9, 13, 14) Vachabatana nevachadzorerwa kuupenyu kuburikidza nerumuko rwakavimbiswa.—Johane 5:28, 29; Mabasa 24:15.

“Upenyu Chaihwo” Panguva Iyoyo

Mukutsigira kurondedzerwa kunofadza kweupenyu mune remangwana muParadhiso yapasi, Mwari anoti: “Tarirai! Ndinovandudza zvose.” (Zvakazarurwa 21:5) Hazvigoni kuti pfungwa dzemunhu dzinzwisise zvakakwana mabasa aMwari anoshamisa aachaitira vanhu. Mwari achasika paradhiso yemunyika yose, yakafanana neEdheni. (Ruka 23:43) SemuEdheni, runako nokufadza kweruvara, mazwi, nekuravira zvichave zvawanda. Urombo nekushayikwa kwezvekudya zvichava zvisisipo, nokuti nezvenguva iyoyo Bhaibheri rinoti: “Zvokutanga zvapfuura.” (Zvakazarurwa 21:4; Pisarema 72:16) Hakuchinazve uchati, “ndinorwara,” sezvo chirwere chichave chabviswa zvachose. (Isaya 33:24) Hungu, zvese zvinokonzera kurwadziwa zvichapera, kubatanidza muvengi wenguva yakareba werudzi rwemunhu, rufu. (1 VaKorinte 15:26) Pane zvaakaratidzwa zvinoshamisa zve“nyika itsva,” nzanga itsva yevanhu mukutonga kwaKristu, muapostora Johane akanzwa inzwi richiti: “[Mwari] uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo.” Chii chingaunza nyaradzo huru nemufaro kukunda kuzadzika kweichi chipikirwa chaMwari?

Richitsanangura upenyu hwamangwana, Bhaibheri rinonyanya kusimbisa migariro ichagutsa zvido zvemunhu zvetsika nezvemudzimu. Zvinhu zvose zvakarurama izvo rudzi rwemunhu rwave rwuchitsvaga rwuchishaya kusvika nhasi zvichanyatsowanikwa pakupedzisira. (Mateo 6:10) Pakati peizvi pane chido chekururamisira, kwave kuchishayikwa nokuti munhu kakawanda ave achirwadziwa nekudzvinyirira kwevane utsinye vanodzora vasina simba. (Muparidzi 8:9) Munyori wemapisarema nenzira youprofita akanyora migariro mukutonga kwaKristu, kuti: “Nemisi yake kururama kuchatekeshera, norugare rwakawanda.”—Pisarema 72:7, The New Jerusalem Bible.

Kuenzana ndechimwe chido icho vakawanda vakatambudzikira. “Pakuberekwa kutsva,” Mwari achabvisa rusaruro. (Mateo 19:28) Vose vachafara kuva nechiremera chakafanana. Uku hakuzovi kuenzana kunogadzwa nekutonga kwehurumende ine utsinye. Mukupesana, zvinokonzera rusaruro zvichabviswa, kubatanidza makaro nekudada zvinotungamirira vanhu kutsvaka kudzora vamwe kana kuti kuunganidza zvinhu zvakawanda. Isaya akaprofita kuti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya.”—Isaya 65:21, 22.

Munhu atambura zvakadini nokuteurwa kweropa mudzose dziri mbiri hondo dzomunhu oga nedzevazhinji! Izvi zvakapfuurira kubva pakupondwa kwaAbheri kusvikira kuhondo dzemunguva ino. Vanhu vatarisira uye kumirira kwenguva yakareba zvakadini, zvichiita sezvisina maturo, kuti rugare rwuvepo! MuParadhiso ichadzorerwa, vanhu vose vachava norugare navanyoro; vacha“farikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:11.

Isaya 11:9 inoti: “Nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.” Nemhaka yekusakwana kwatakaberekwa nakwo, hazvibviri nhasi kuti tinzwisise zvakakwana zvinoreva mashoko aya. Kuti zivo yakakwana yaMwari ichatibatanidza zvakadini naye uye kuti izvozvo zvichaguma nemufaro wakakwana zvakadini, tichazoziva gare gare. Asi sezvo Magwaro achitiudza kuti Jehovha ndiMwari anoshamisa musimba, uchenjeri, ruramisiro, nerudo, tinogona kuva nechokwadi kuti achanzwa minyengetero yose inotaurwa nevagari ve“nyika itsva.”

“Upenyu Chaihwo” Ndehwechokwadi—Hubatisise!

Kuvakawanda, upenyu husingaperi munyika iri nani kunongova kurota kana kuti kufungidzira. Zvisinei, nokuda kwaavo vane kutenda muchipikirwa cheBhaibheri, iyi tariro ndeyechokwadi. Yakaita sechibatiso choupenyu hwavo. (VaHebheru 6:19) Sechibatiso chinodzikamisa ngarava ndokuidzivisa kufamba-famba, tariro youpenyu husingaperi inoita kuti vanhu vadzikame ndokuva nechivimbo uye kuvagonesa kunangana nezvinhu zvakaoma zvikuru zvemuupenyu uye kunyange kuzvikunda.

Tinogona kuva nechokwadi kuti Mwari achazadzika zvipikirwa zvake. Akatosimbisira kuburikidza nekuita mhiko, kuzvipira kusingachinji. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mwari wakati achida zvikuru kuratidza vadyi venhaka yechipikirwa, kuti chirevo chake hachishandurwi, wakapinda pakati nokupika; kuti nezvinhu zviviri zvisingashandurwi, (nokuti pazviri Mwari haagoni kureva nhema), tive nesimbiso yakabata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi pedu, kuti tiibate.” (VaHebheru 6:17, 18) “Zvinhu zviviri zvisingashandurwi” izvo Mwari asingadzimi chipikirwa nemhiko yake, patinoisa tarisiro dzedu.

Kutenda muzvipikirwa zvaMwari kunopa nyaradzo huru nesimba rokumudzimu. Joshua, mutungamiri wevanhu vaIsraeri, aiva nekutenda kwakadaro. Apo Joshua akapa hurukuro yake yokuonekana nevaIsraeri, ainge akwegura uye aiziva kuti ainge ofa. Asi, akaratidza simba neruvimbiko rusingakundikani, zvakabva mukuvimba zvakazara nezvipikirwa zvaMwari. Ataura kuti akanga oenda “nenzira yenyika yose;” nzira inotungamirira vanhu vose kurufu, Joshua akati: “Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu, chakakona.” Hungu, katatu Joshua akadzokorodza kuti Mwari nguva dzose anochengeta zvipikirwa zvake zvose.—Joshua 23:14.

Iwewo unogona kuva nekutenda kwakafanana muzvipikirwa zvaMwari zvenyika itsva ichaunzwa nokukurumidza. Nokufunda Bhaibheri nomwoyo wose, uchasvika pakunzwisisa kuti Jehovha ndiani uye kuti nei uchifanira kumuvimba zvakakwana. (Zvakazarurwa 4:11) Abrahama, Sara, Isaka, Jakobho, nevamwe vakatendeka vekare vaiva nekutenda kwakasimba, kwaiva kwakavakirwa pakunyatsoziva Mwari wechokwadi, Jehovha. Vakaramba vakasimba mutariro, pasinei zvapo nekuti hava“na kupiwa zvipikirwa” vachiri vapenyu. Nyange zvakadaro, “vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa.”—VaHebheru 11:13.

Tichinzwisisa uprofita hweBhaibheri, zvino tinoona kuuya kwe“zuva iro guru raMwari wamasimba ose,” apo pasi richacheneswa pauipi hwose. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Savarume vakatendeka vekare, tinofanira kuramba tichitarira kuzviitiko zvemunguva yemberi nechivimbo, tichikurudzirwa nekutenda norudo nokuda kwaMwari no“upenyu chaihwo.” Kuva pedyo kwenyika itsva kunopa simba guru kuavo vanotenda muna Jehovha nokumuda. Kutenda kwakadaro norudo zvinoda kusakurirwa kuti tiwane nyasha dzaMwari nekudzivirirwa muzuva rake guru, rava pedyo.—Zefania 2:3; 2 VaTesaronika 1:3; VaHebheru 10:37-39.

Saka, unoda upenyu here? Uye unotova nechido chikuru che“upenyu chaihwo”—upenyu semubatiri anotenderwa waMwari, ane tarisiro yeramangwana rinofadza, hungu, uchitarisira upenyu husingaperi here? Kana zvirizvo zvaunotsvaka, teerera kukurudzira kunoita muapostora Pauro, akanyora kuti tirege “kuvimba nepfuma isingagari, asi naMwari.” Pauro akapfuurira kuti: ‘Uve mupfumi pamabasa akanaka,’ ayo anokudza Mwari, kuti ‘ubatisise upenyu chaihwo.’—1 Timotio 6:17-19.

Nekubvuma fundo yeBhaibheri inopiwa neZvapupu zvaJehovha, unogona kuwana zivo ino“reva upenyu husingaperi.” (Johane 17:3, NW) Norudo, Bhaibheri rakanyorwa iyi kokero youbaba kuvose, yokuti: “Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; asi mwoyo wako ngauchengete mirayiro yangu; nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, namakore oupenyu norugare.”—Zvirevo 3:1, 2.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwemashoko akadzama anotsanangura nyaya iyi, ona bhurocha rinonzi Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe