2000—Igore Rakasiyana Nemamwe Here?
PANE chinhu chinoshamisira negore ra2000 here? Vanhu vanogara munyika dzakabudirira vanongoriona havo segore rokutanga rechiuru chemakore chechitatu. Kugadzirira kwemaoresa kwekuzoripemberera kuri kuitwa. Wachi huru dziri kugadzirwa kuti dziverenge masekondi ari kupera kusvika chiuru chemakore chitsva chasvika. Mitambo yokupemberera Usiku hweGore Idzva iri kurongwa. MaT-shirt ane mashoko okupera kwechiuru chemakore ari kutengeswa muzvitoro zvomumaguta madiki uye muzvitoro zvomumaguta makuru.
Machechi, makuru nemadiki, achave akabatana mumhemberero dzegore rose. Mukuvamba kwegore rinouya, Pope John Paul II ari kutarisirwa kuenda kuIsrael kundotungamirira vaRoma Katurike mune yakanzi “mhemberero huru yechiuru chemakore yeChechi yeRoma Katurike.” Zvinofungidzirwa kuti pakati pemamiriyoni maviri nehafu uye mamiriyoni matanhatu evashanyi, kubva kune vakazvipira kusvika kune vanongoda kuziva, vari kuronga kushanyira Israel mukuvamba kwegore rinouya.
Neiko vanhu vakawanda kudaro vari kuronga kushanyira Israel? Achitaura akamiririra papa, Bhishopi Roger Etchegaray, mukuru mukuru muVatican, akati: “Gore ra2000 kupemberera Kristu uye upenyu hwake munyika ino. Naizvozvo zvinonzwisisika kuti Papa vachauya kuno.” Gore ra2000 riri kubatana papi naKristu? Gore ra2000 rinofungwa nevakawanda kuva gore rechi2 000 kubva zvakaberekwa Kristu. Asi ndiro here? Tichaona.
Gore ra2000 rinotonyanya kukosha kunhengo dzemamwe mapoka echitendero. Dzinotenda kuti mugore rinouya kana kuti kupfuura, Jesu achadzoka kuGomo reMiorivhi uye hondo yeAmagedhoni, inotaurwa nezvayo mubhuku raZvakazarurwa, icharwiwa mumupata weMegidho. (Zvakazarurwa 16:14-16) Achitarisira zviitiko izvi, mazana evagari vokuAmerica ari kutengesa dzimba dzao uye zvinhu zvao zvakawanda uye ari kutamira kuIsrael. Kubatsira vasingakwanisi kusiya misha yavo, mumwe muevhangeri wokuAmerica ane mukurumbira anonzi akavimbisa kutepfenyura kudzoka kwaJesu paterevhizheni—mumavara akasiyana-siyana!
Munyika dzakabudirira, zvirongwa zvokupemberera kusvika kwechiuru chemakore chechitatu zviri kuwanda. Zvisinei, vanhu vari kune dzimwe nyika vari kungoita zvavagara vachiita. Vanhu ava—ruzhinji rwevagari vepasi—havadaviri kuti Jesu wekuNazareta aiva Mesiya. Uyewo havabvumi kuverenga nguva kunoitwa kunonzi B.C.-A.D.a Somuenzaniso, vaMuslim vakawanda vanoshandisa karenda ravo voga, maererano naro gore rinouya richava riri 1420—kwete 2000. VaMuslim vanoverenga makore kubva pamusi wakatiza muprofita Muhammad kubva muMecca achienda kuMedina. Pamwe chete, vanhu munyika yose vanoshandisa makarenda 40 akasiyana-siyana.
Gore ra2000 rinofanira kuva nezvarinoreva kuvaKristu here? Chaizvoizvo January 1, 2000 izuva rinoshamisira here? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mukuverenga nguva kunonzi B.C.-A.D., nguva yezvakaitika Jesu asati aberekwa inonzi makore e“B.C.” (Kristu asati auya); yezvakaitika aberekwa inonzi makore e“A.D.” (Anno Domini—“mugore raShe wedu.”) Zvisinei, dzimwe nyanzvi dzinoziva zvakawanda dzinosarudza kushandisa zvinozivikanwa nevamwe zvekuti “B.C.E.” (Nguva Yedu isati yasvika) uye “C.E.” (yemuNguva Yedu.)