Nhaka Yedu Inokosha—Inorevei Kwauri?
“Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka youmambo hwamakagadzirirwa kubvira pakuvamba kwenyika.”—MATEU 25:34.
1. Zvinhu zvorudzii zvakagamuchirwa navanhu senhaka?
VANHU vose vane zvinhu zvavakagara nhaka. Kune vamwe nhaka yacho ingasanganisira mararamire anogutsa mune zvokunyama. Kune vamwe upenyu hwourombo. Mune zvimwe zviitiko, zvizvarwa zvaimbovapo zvakapfuudza nhaka yoruvengo rukuru kune rimwe boka redzinza pamusana pezvakanga zvaitika kwazviri kana kuti zvazvakanga zvanzwa. Zvisinei, tose zvedu tine chinhu chimwe chakafanana. Tose takagamuchira nhaka yechivi kubva kune munhu wokutanga, Adhamu. Nhaka iyoyo pakupedzisira inotungamirira kurufu.—Muparidzi 9:2, 10; VaRoma 5:12.
2, 3. Inhaka ipi iyo Jehovha akatanga kuita kuti ikwanise kuwanika navana vaAdhamu naEvha, uye nei vasina kuigamuchira?
2 Jehovha, zvaari Baba vokudenga vane rudo, pakutanga akapa vanhu nhaka yakasiyana kwazvo—upenyu husingaperi hwakakwana muParadhiso. Vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha, vakapiwa mavambo akakwana, asina chivi. Jehovha Mwari akapa Pasi kuvanhu sechipo. (Pisarema 115:16) Akapa bindu reEdheni somuenzaniso wezvaizogona kuita denderedzwa rose rapasi uye akapa vabereki vedu vokutanga basa rakanaka kwazvo, rinonakidza. Vaifanira kubereka vana, kutarisira pasi nemiti yaro yose uye mhuka zvakasiyana-siyana, ndokuita kuti Paradhiso izadze pasi rose. (Genesi 1:28; 2:8, 9, 15) Vana vavo vaizobatsirana navo kuita izvi. Inhaka yakaisvonaka zvakadini yavaizopfuudza kwavari!
3 Zvisinei, kana vaizofanira kuva neizvi zvose, Adhamu naEvha navana vavo vaizofanira kuva noukama hwakanaka naMwari. Vaiva nechikwereti kuna Jehovha chorudo nokuteerera, asi Adhamu naEvha vakatadza kuonga zvavakanga vapiwa naMwari uye havana kuteerera murayiro wake. Vakarasikirwa nomusha wavo weParadhiso netarisiro dzavo dzakaisvonaka dzavakanga vaisirwa naMwari pamberi pavo. Naizvozvo, vakanga vasingagoni kudzipfuudza kuvana vavo.—Genesi 2:16, 17; 3:1-24.
4. Tingawana sei nhaka yakaraswa naAdhamu?
4 Nengoni, Jehovha akaita gadziriro kuitira kuti vana vaAdhamu naEvha vawane mukana wokugamuchira nhaka yakaraswa naAdhamu. Sei? Panguva yaMwari yakatemwa, mwanakomana wake, Jesu Kristu, akapa upenyu hwake hwomunhu hwakakwana kuitira vana vaAdhamu. Nenzira iyi Kristu akavatenga vose. Zvisinei, nhaka yacho haingoerekani yava yavo. Vanofanira kutenderwa naMwari, kutenderwa kwavangaitwa kana vakatenda muukoshi hwechibayiro chaJesu hunoyananisira chivi uye nokuratidza kutenda ikoko nokuteerera. (Johani 3:16, 36; 1 Timoti 2:5, 6; VaHebheru 2:9; 5:9) Mararamire ako anoratidza kuonga gadziriro iyoyo here?
Nhaka Yakapfuudzwa Nokuna Abrahamu
5. Abrahamu akaratidza sei kukoshesa ukama hwake naJehovha?
5 Sezvaaiita chinangwa chake chapasi, Jehovha akabata naAbrahamu munzira yakasiyana nedzimwe. Akaudza murume iyeye akatendeka kuti abve munyika yake otamira kunyika iyo Mwari pachake aizomuratidza. Abrahamu akabvuma achida. Abrahamu asvika ikoko, Jehovha akataura kuti vana vaAbrahamu, kwete Abrahamu pachake, vaizowana nyika yacho senhaka. (Genesi 12:1, 2, 7) Abrahamu akaita sei? Aida kushumira Jehovha chero kupi zvakwo uye nenzira ipi zvayo iyo Mwari aitaura kuitira kuti vana vake vagamuchire nhaka yavo. Abrahamu akashumira Jehovha munyika isiri yake kwamakore 100, kusvikira afa. (Genesi 12:4; 25:8-10) Iwe ungadai wakaita kudaro here? Jehovha akati Abrahamu yaiva “shamwari” yake.—Isaya 41:8.
6. (a) Abrahamu akaratidza chii nokuda kwake kubayira mwanakomana wake? (b) Inhaka ipi inokosha iyo Abrahamu aigona kupfuudza kuvana vake?
6 Abrahamu akanga amirira kwemakore akawanda kuti awane mwanakomana waaida kwazvo, Isaka. Mukomana wacho paakanga akura kuva jaya, Jehovha akarayira Abrahamu kuti atore mukomana wacho amubayire. Abrahamu haana kuziva kuti akanga ava kuda kuratidza izvo Mwari pachake aizoita mukupa Mwanakomana wake kuti ave rudzikinuro; asi, akateerera uye akanga ava kutobayira Isaka apo ngirozi yaJehovha yakamumisa. (Genesi 22:9-14) Jehovha akanga atotaura kare kuti zvipikirwa zvake kuna Abrahamu zvaizozadzika nokuna Isaka. Nokudaro, zviri pachena kuti Abrahamu aitenda kuti Mwari aigona kudzorera Isaka kubva kune vakafa kana zvakakodzera, kunyange chinhu chakadaro chakanga chisati chamboitika. (Genesi 17:15-18; VaHebheru 11:17-19) Nokuti Abrahamu haana kuramba kunyange nomwanakomana wake, Jehovha akazivisa kuti: “Ndudzi dzose dzenyika dzicharopafadzwa muvana vako.” (Genesi 22:15-18) Izvi zvakaratidza kuti Mbeu inodudzwa pana Genesi 3:15, (NW) mununuri ari Mesiya, yaizouya nokudzinza raAbrahamu. Yaiva nhaka inokosha zvakadini yokupfuudza!
7. Abrahamu, Isaka, naJakobho vakaratidza sei kuti vaikoshesa nhaka yavo?
7 Abrahamu haana kuziva zvairehwa nezvakanga zvichiitwa naJehovha panguva iyoyo; kunyange mwanakomana wake Isaka kana muzukuru wake Jakobho, avo vakava “vagari venhaka pamwe naye yechipikirwa ichocho.” Asi vose vaivimba naJehovha. Havana kuzvibatanidza noumambo chero hupi zvahwo hwemaguta hwaiva munyika iyoyo nokuti vakanga vachitarisira chimwe chinhu chiri nani—“guta rine nheyo chaidzo, Mwari ari muvaki nomuiti weguta racho.” (VaHebheru 11:8-10, 13-16) Asi, havasi vana vose vaAbrahamu vaiziva kukosha kwenhaka yaiwanika nokuna Abrahamu.
Vamwe Vakazvidza Nhaka Yacho
8. Isau akaratidza sei kuti akanga asinganzwisisi makoshere aiita nhaka yake?
8 Isau, mwanakomana mukuru waIsaka, akatadza kukoshesa kodzero yake youdangwe. Haana kukoshesa zvinhu zvitsvene. Saka rimwe zuva Isau paakanga ava nenzara, akatengesera munun’una wake Jakobho kodzero yake yokuva dangwe. Achipiwei? Kudya kumwe chete kwechingwa nezvokudya zvenyemba! (Genesi 25:29-34; VaHebheru 12:14-17) Rudzi urwo Mwari aizozadzika narwo zvipikirwa zvake kuna Abrahamu rwakabva kuna Jakobho, ane zita rakachinjwa naMwari kuti rinzi Israeri. Nhaka iyoyo yakavazarurira mikana yei?
9. Nemhaka yenhaka yavo yomudzimu, vana vaJakobho, kana kuti Israeri, vakawana kununurwa kwakadini?
9 Panguva yenzara, Jakobho nemhuri yake vakatamira kuIjipiti. Vari ikoko vakawedzera vakava vazhinji kwazvo, asi vakavawo varanda. Zvisinei, Jehovha haana kukanganwa sungano yaakaita naAbrahamu. Panguva yaMwari yakatemwa, akanunura vanakomana vaIsraeri muusungwa ndokuvazivisa kuti akanga achizovapinza mu“nyika inoyerera mukaka nouchi,” nyika yaakanga apikira kuna Abrahamu.—Eksodho 3:7, 8; Genesi 15:18-21.
10. PaGomo reSinai, zvii zvimwe zvakaitika zvisiri zvenguva dzose zvine chokuita nenhaka yavanakomana vaIsraeri?
10 Vanakomana vaIsraeri pavakanga vachienda kuNyika Yakapikirwa, Jehovha akavaunganidza paGomo reSinai. Ipapo akati kwavari: “Kana mukateerera inzwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu; muchava kwandiri ushe hwavapristi, norudzi rutsvene.” (Eksodho 19:5, 6) Pashure pokunge vanhu vabvumirana neizvi nokuzvidira, Jehovha akabva avapa Mutemo wake—chimwe chinhu chaakanga asina kuita kune vamwe vanhu.—Pisarema 147:19, 20.
11. Ndezvipi zvaiva zvimwe zvezvinhu zvinokosha zvaisanganisirwa munhaka yomudzimu yavanakomana vaIsraeri?
11 Rudzi rutsva irworwo rwaiva nenhaka yomudzimu yakadini! Vainamata Mwari wechokwadi bedzi. Vakanga vanunurwa naye muIjipiti uye vaiva zvapupu zvakaona zviitiko zvinotyisa apo Mutemo wakapiwa paGomo reSinai. Nhaka yavo yakawedzerwazve sezvavakagamuchira nokuvaprofita mamwe “mashoko matsvene aMwari.” (VaRoma 3:1, 2) Vakasarudzwa naJehovha kuti vave zvapupu zvake. (Isaya 43:10-12) Mbeu yaizova Mesiya yakanga ichizobuda murudzi rwavo. Mutemo wakataura nezvake, waizomuzivisa, uye waifanira kuvabatsira kunzwisisa kumuda kwavo. (VaGaratiya 3:19, 24) Uyezve, vaizopiwa mukana wokushanda pamwe neMbeu yaizova Mesiya iyoyo vari ushe hwavapristi uye rudzi rutsvene.—VaRoma 9:4, 5.
12. Kunyange zvazvo vakapinda muNyika Yakapikirwa, vaIsraeri vakatadza kuwana chii? Nei?
12 Maererano nechipikirwa chake, Jehovha akatungamirira vaIsraeri kuNyika Yakapikirwa. Asi sokutsanangura kwakazoita muapostora Pauro, nemhaka yokushayiwa kwavo kutenda, nyika iyoyo haina kuratidza kuva “nzvimbo yezororo” zvechokwadi. Sorudzi, havana kupinda mu“zororo raMwari” nokuti vakatadza kunzwisisa ndokushanda maererano nechinangwa chezuva raMwari rokuzorora, rakatanga Adhamu naEvha vasikwa.—VaHebheru 4:3-10.
13. Nemhaka yokutadza kukoshesa nhaka yarwo yomudzimu, rudzi rwavaIsraeri rwakarasa chii?
13 VaIsraeri chaivo vangadai vakakwanisa kusvitsa nhamba yakazara yavaya vaizova naMesiya muUmambo hwake hwokudenga soushe hwavapristi, norudzi rutsvene. Asi havana kukoshesa nhaka yavo inokosha. Vakasara bedzi vevaIsraeri chaivo vakabvuma Mesiya paakauya. Saka vashomanana chete ndivo vakabatanidzwa muushe hwavapristi hwakafanotaurwa. Umambo hwakabviswa kuvaIsraeri chaivo ndoku“piwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.” (Mateu 21:43) Rudzi rupi irworwo?
Nhaka Kudenga
14, 15. (a) Jesu afa, marudzi akatanga sei kuzvikomborera ne“mbeu” yaAbrahamu? (b) Nhengo dza“Israeri waMwari” dzinogamuchira chii senhaka?
14 Rudzi rwakapiwa Umambo ndi“Israeri waMwari,” Israeri womudzimu, anoumbwa navateveri vaJesu Kristu vakaberekwa nomudzimu 144 000. (VaGaratiya 6:16; Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1-3) Vamwe ve144 000 ivavo vaiva vaJudha chaivo, asi vakawanda vaibva kune mamwe marudzi. Nenzira iyoyo chipikirwa chaJehovha kuna Abrahamu, chokuti marudzi ose aizozvikomborera ne“mbeu” yake, chakatanga kuzadzika. (Mabasa 3:25, 26; VaGaratiya 3:8, 9) Mukuzadzika ikoko kwokutanga, vanhu vamarudzi vakazodzwa nomudzimu mutsvene ndokugamuchirwa naJehovha Mwari savanakomana vomudzimu, hama dzaJesu Kristu. Nokudaro, ivowo vakava rutivi rwechipiri rwe“mbeu” iyoyo.—VaGaratiya 3:28, 29.
15 Asati afa, Jesu akatanga sungano itsva nenhengo dzaitarisirwa dzechiJudha dzorudzi irworwo, iyo yaizosimbiswa neropa rake pachake. Pahwaro hwokutenda kwavo muchibayiro ichocho chinosimbisa, vaya vaipinzwa musungano iyoyo vaizoitwa kuti “vakwane nokusingaperi.” (VaHebheru 10:14-18) Vaigona ‘kunzi vakarurama’ uye zvivi zvavo zvokanganwirwa. (1 VaKorinde 6:11) Nokudaro, mupfungwa iyoyo, vakaita sezvakanga zvakaita Adhamu asati aita chivi. Zvisinei, ava havasi kuzorarama muparadhiso yapasi. Jesu akati akanga ari kuenda kunovagadzirira nzvimbo kudenga. (Johani 14:2, 3) Vanorega zvavanotarisira pasi pano kuitira kuti vave ne‘nhaka yavakachengeterwa kudenga.’ (1 Petro 1:4) Chii chavanoita ikoko? Jesu akatsanangura kuti: “Ndinoita sungano nemi . . . youmambo.”—Ruka 22:29.
16. Ibasa ripi rakanaka kwazvo riri mberi nokuda kwavaKristu vakazodzwa?
16 Pakati pezvimwe zvose, vaya vachatonga naKristu vari kudenga vachabatsira kubvisa pasi pano zvisaririra zvose zvokupandukira uchangamire hwaJehovha. (Zvakazarurwa 2:26, 27) Sorutivi rwechipiri rwembeu yomudzimu yaAbrahamu, vachabatsirana kuunza zvikomborero zvoupenyu hwakakwana kuvanhu vamarudzi ose. (VaRoma 8:17-21) Vane nhaka inokosha zvakadini!—VaEfeso 1:16-18.
17. VaKristu vakazodzwa vanowana zvinhu zvipi zvenhaka yavo pavanenge vachiri pasi pano?
17 Asi nhaka yavateveri vaJesu vakazodzwa haisi yose yomunguva yemberi. Jesu akavabatsira kuziva Jehovha, Mwari bedzi wechokwadi, nenzira isingagoni kuitwa nayo nomumwe munhu upi noupi. (Mateu 11:27; Johani 17:3, 26) Neshoko nomuenzaniso, akavadzidzisa zvinorehwa noku‘vimba naJehovha’ uye kuti kuteerera Jehovha kunosanganisirei. (VaHebheru 2:13; 5:7-9) Jesu akavapa zivo yechokwadi chine chokuita nechinangwa chaMwari uye akavavimbisa kuti mudzimu mutsvene waizovatungamirira kuti vachinzwisise zvakazara. (Johani 14:24-26) Akaroverera mupfungwa dzavo nomwoyo kukosha kwoUmambo hwaMwari. (Mateu 6:10, 33) Jesu akavapawo basa rokupupurira nokuita vadzidzi vavanhu muJerusarema, Judhiya, Samariya, nokunzvimbo dziri kure zvikuru dzapasi.—Mateu 24:14; 28:19, 20; Mabasa 1:8.
Nhaka Inokosha Yeboka Guru
18. Chipikirwa chaJehovha chokuti marudzi ose achazvikomborera ne“mbeu” yaAbrahamu chiri kuzadzika munzira ipi nhasi?
18 Zvingangodaro kuti nhamba yakazara yaIsraeri womudzimu, “boka duku” riya ravadyi venhaka yoUmambo, rakasarudzwa. (Ruka 12:32) Kwamakumi emakore zvino, Jehovha ave achiunganidza boka guru ravamwe vanobva mumarudzi ose. Nokudaro, chipikirwa chaJehovha kuna Abrahamu chokuti marudzi ose aizozvikomborera ne“mbeu” yake chiri kuzadzika munzira yakakura. Vachifara, ava vakakomborerwa vanoitirawo Jehovha basa dzvene uye vanoziva kuti ruponeso rwavo runotsamira pakutenda muGwayana raMwari, Jesu Kristu. (Zvakazarurwa 7:9, 10) Wakabvuma chikumbiro chaJehovha chenyasha chokuti uve mumwe weboka rinofara iroro here?
19. Vaya vamarudzi vari kukomborerwa iye zvino vari kutarisira nhaka ipi?
19 Jehovha anopa vaya vasiri veboka duku nhaka ipi inokosha? Aiwa, haisi nhaka kudenga. Inhaka iyo Adhamu angadai akapfuudza kuvana vake—tarisiro youpenyu husingagumi mukukwana muparadhiso ichazadza pasi rose zvishoma nezvishoma. Ichava nyika umo “rufu [rusinga]zovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa.” (Zvakazarurwa 21:4) Saka Shoko raMwari rakafuridzirwa rinotaura kwauri kuti: “Vimba naJehovha, uite zvakanaka; gara panyika, ushingairire kutendeka. Farikanya kwazvo kuna Jehovha; iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako. Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru. Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.”—Pisarema 37:3, 4, 10, 11, 29.
20. “Mamwe makwai” anowana sei nhaka yomudzimu yakakura yavaKristu vakazodzwa?
20 “Mamwe makwai” aJesu ane nhaka munzvimbo yapasi yoUmambo hwokudenga. (Johani 10:16a) Kunyange zvazvo achava asiri kudenga, nhaka yomudzimu yakakura ichava navakazodzwa inopfuudzwa kwaari. Mamwe makwai akazarurirwa nzwisiso yezvipikirwa zvinokosha zviri muShoko raMwari nokuboka rose revakazodzwa, “muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45-47; 25:34) Pamwe chete, vakazodzwa namamwe makwai vanoziva uye vanonamata Mwari mumwe bedzi wechokwadi, Jehovha. (Johani 17:20, 21) Pamwe chete, vanoonga Mwari nokuda kwoukoshi hwechibayiro chaJesu hunoyananisira chivi. Vanoshumira pamwe seboka rimwe pasi poMufudzi mumwe, Jesu Kristu. (Johani 10:16b) Vose ihama dzine rudo, dzomunyika yose. Vose vane ropafadzo yokuva Zvapupu zvaJehovha uye zvoUmambo hwake. Hungu, kana uri mushumiri waJehovha akazvitsaurira uye akabhabhatidzwa, zvose izvi zvirimo munhaka yako yomudzimu.
21, 22. Isu tose tingaratidza sei kuti tinokoshesa nhaka yedu yomudzimu?
21 Nhaka yomudzimu iyi inokosha sei kwauri? Unoikoshesa zvakakwana kuti uite kuti kuda kwaMwari kuve chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwako here? Kuratidza izvozvo, uri kuteerera zano reShoko rake nesangano rokuti upinde misangano yose yeungano yechiKristu nguva dzose here? (VaHebheru 10:24, 25) Nhaka iyoyo inokosha kwauri zvokuti unoramba uchishumira Mwari pasinei zvapo nenhamo here? Kuikoshesa kwako kwakasimba zvakakwana kuti kukutsigire kurwisa muedzo upi noupi wokutevera nzira ingaita kuti uirase here?
22 Tose zvedu ngatikoshesei nhaka yomudzimu yatakapiwa naMwari. Tichiramba takatarira Paradhiso iri mberi, ngatibatanidzwei zvakazara muropafadzo dzomudzimu idzo Jehovha ari kutipa iye zvino. Nokuvakira upenyu hwedu zvechokwadi paukama hwedu naJehovha, tinopa uchapupu hunogutsa hwokuti nhaka yedu yatakapiwa naMwari inokosha sei kwatiri chaizvoizvo. Ngativewo pakati pavaya vanozivisa kuti: “Ndichakukudzai kwazvo, Mwari wangu, imi Mambo; ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi-peri.”—Pisarema 145:1.
Ungatsanangura Sei?
• Kudai Adhamu akanga akavimbika kuna Mwari, inhaka ipi yaangadai akapfuudza kwatiri?
• Vana vaAbrahamu vakabata sei nhaka yavaigona kuwana?
• Chii chinosanganisirwa munhaka yavateveri vaJesu vakazodzwa?
• Nhaka yeboka guru ndeyei, uye ringaratidza sei kuti rinoikoshesa zvechokwadi?
[Mifananidzo iri papeji 20]
Vana vaAbrahamu vakapikirwa nhaka inokosha
[Mifananidzo iri papeji 23]
Unokoshesa nhaka yako yomudzimu here?