Kune Upenyu Pashure Porufu Here?
“KANA munhu achinge afa, angararamazve here?” akabvunza kudaro tateguru Jobho makore 3 500 akapfuura. (Jobho 14:14) Mubvunzo iwoyu wakangaidza vanhu kwezviuru zvemakore. Muzvizvarwa nezvizvarwa, vanhu vari mumagariro ose vave vachifungisisa nezvenhau iyi uye vakabudisa pfungwa dzakasiyana-siyana.
Vazhinji vanozviti vaKristu vanodavira kuenda kudenga nokuhero. VaHindu, kuno rumwe rutivi, vanodavira kuzvarwa patsva. Achitaura nezvemaonero anoita vaMuslim, Emir Muawiyah, anoshanda pane mumwe muzinda wechiIslam, anoti: “Tinodavira kuti kuchava nezuva rokutongwa pashure porufu, paunoenda pamberi paMwari, Allah, zvinenge zvakangofanana nokufamba uchipinda mudare redzimhosva.” Maererano nechitendero chechiIslam, Allah anozoongorora zvino upenyu hwomunhu mumwe nomumwe omuendesa kungava kuparadhiso kana kuti kumoto wehero.
MuSri Lanka, vose vaBuddha nevaKaturike vanosiya masuo avo nemahwindo akashama kana paine munhu afa mudzimba dzavo. Rambi remafuta rinobatidzwa, uye bhokisi racho rinogadzikwa makumbo omufi akatarisa kusuo rokumberi. Vanodavira kuti matanho aya anoita kuti zvibvire kuti mudzimu womufi ubude.
Maererano naRonald M. Berndt wokuUniversity of Western Australia, vaAborigine vokuAustralia vanodavira kuti “vanhu havaparadziki mumudzimu.” Mamwe madzinza omuAfrica anodavira kuti pashure porufu vanhuwo zvavo vanova zvipoko, ukuwo vanhu vakakwirira vova midzimu yemadzitateguru anozoremekedzwa nokukumbirwa sevatungamiriri vomumusha vasingaoneki.
Mune dzimwe nyika, zvinodavirwa pamusoro pevakafa musanganiswa wetsika dzaimomo nechiKristu chezita. Pakati pevaKaturike nevaPurotesitendi vakawanda muWest Africa, somuenzaniso, itsika kufukidza magirazi kana mumwe munhu afa kuitira kuti munhu asaone mudzimu womufi.
Vanhu vanopindura mubvunzo wokuti, ‘Chii chinoitika kwatiri patinofa?’ nemhinduro dzakasiyana-siyana zvechokwadi. Asi pfungwa iri madziri dzose imwe chete, yokuti: Chimwe chinhu chiri mumunhu hachifi uye chinosara paanofa. Vamwe vanhu vanodavira kuti “chimwe chinhu” ichocho mudzimu. Somuenzaniso, mune dzimwe nzvimbo dzomuAfrica neAsia uye munharaunda dzePacific dzePolynesia, Melanesia, uye Micronesia, vakawanda vanodavira kuti mudzimu—kwete mweya—haufi. Chaizvoizvo, mimwe mitauro haitomborina shoko rokuti “mweya.”
Mune mudzimu here mumunhu ari kurarama? Mudzimu iwoyo chaizvoizvo unosiya muviri parufu here? Kana zvakadaro, chii chinoitika kwauri? Uye pane tariroi iripo kuvakafa? Mibvunzo iyi haifaniri kungosiyiwa? Ungava uchibva kunoitwa tsika dzipi kana kuti chitendero chipi zvacho, rufu ichokwadi chinofanira kutarisanwa nacho. Saka nyaya dzacho dzine chokuita newe sezvauri woga. Tinokukurudzira kuongorora nyaya yacho.