Upenyu Pashure Porufu—Mibvunzo Isingapindurwi
“KANA munhu akagwinya akafa anogona kuraramazve here?” (Jobho 14:14, NW) Uyu mubvunzo, wakabvunzwa mazana amakore akapfuura natateguru Jobho, wakarangarirwa navanhu muchaunga chiri chose mumazera apfuura, uye kwave kusina perevedzo yemhinduro dzinokarakadzwa.
VaGiriki vakare vaitaura kuti mweya yavakafa yaipfuurira kurarama. Iyoyi yaiyambutswa rwizi Styx ichienda kunzvimbo huru iri pasi pevhu inonzi nyika yavakafa. Ikoko vatongi vaitongera mweya kukutambudzwa mutorongo rine masvingo marefu kana kuti zvimwe kumufaro muminda yeElysium. Mamwe marudzi akare aifunga kuti mweya yaiva nyeredzi kana kuti mitumbi yokudenga ine muswe wechiedza. Vamwezve vairangarira kuti mweya yakanga yakajeka uye yaikwidzwa kumwedzi; mwedzi uri wose sezvo mwedzi waizara, yaitamisirwa kuzuva.
Nhasi, rondedzero pamusoro poupenyu hwapashure porufu dzinopfuurira kuwanda. VaHindu navaBuddha vanodavira mukuberekwazve. VaMuslim vanodzidzisa kuti mweya unopukunyuka rufu rwomuviri uye parutongeso rwokupedzisira ichaenda zvimwe kuparadhiso kana kuti kuhero. VaPurotesitendi vazhinjisa vanodzidziswa kuti mweya inopfuurira kurarama pashure porufu kuti iwane mufarwa wokudenga kana kuti kutambudzwa mumarimi ehero. Kuiyi nhevedzano yezvinoitika chiKaturike chinowedzera Limbo nepurigatori.
Mudzimwe nyika, zvitendero pamusoro pemweya inofungidzirwa yavakafa pano mubatanidzwa wechienzi wegamuchidzanwa romunzvimbomo nechiKristu chezita. Somuenzaniso, muitiro pakati pavaKaturike vazhinji navaPurotesitendi muWest Africa kufukidza zviringiriro apo mumwe munhu anofa kuitira kuti kugorega kuva nomunhu anotarira ndokuona mudzimu womunhu akafa. Mazuva ana makumi mana pashure porufu rwomudiwa, mhuri neshamwari vachaita kuti vachengete kukwira kwomweya kudenga. Pashure paikoko, kazhinji kazhinji paKrisimisi kana kuti paZuva reGore Idzva, hama dzokunyama dzichashanyira makuva ndokudurura zvinwiwa zvinodhaka paguva. Ivo vachatotaura kuakafa, vachikumbira nyasha nokurondedzera nhau dzemhuri.
Sezvinooneka, pane bvumirano duku pakati pamarudzidziso enyika pamusoro pechinoitika chaizvoizvo pashure porufu. Bva, pane inodokuva bvumirano yavose paziviso imwe huru: kusafa kwomweya womunhu. Dzidziso zhinjisa pamusoro poupenyu pashure porufu dzinongova hadzo misiano youyu musoro mukuru.
Kunyanguvezvo, mibvunzo inonetsa inoverengeka inozvipa imene: Pfungwa yokuti mweya haufi yakabva kupi chaizvo? Inodzidziswa here muRugwaro? Kana zvakadaro, neiko kunyange marudzidziso asiri echiKristu achiidzidzisa? Iyi haisi mibvunzo inofanira kufuratirwa. Chipi kana chipi chiri chitendero chako chorudzidziso, rufu iidi rinofanira kutarisanwa naro. Zvirevo zvacho nokudaro zvinokubatanidza nenzira huru somunhu oga. Naizvozvo tinokukumbira kunzvera idzi nhau nendangariro yakazaruka.