Waizviziva Here?
Vazivi venyeredzi vakashanyira Jesu rini?
MuEvhangeri yaMateu, tinoudzwa kuti “vazivi venyeredzi vokumativi okumabvazuva” vakashanyira Jesu uye vakamuunzira zvipo. (Mateu 2:1-12) Hazvizivikanwi kuti vazivi venyeredzi ava vakashanyira mwana muduku Jesu vaiva vangani, uye hapana panotsigira maonero akajairika okuti vangadaro vaiva vatatu; zvakare mazita avo haataurwi munyaya iri muBhaibheri.
Bhaibheri rinonzi New International Version Study Bible rinotsinhira Mateu 2:11 richiti: “Kusiyana nezvinotaurwa, vazivi venyeredzi havana kushanyira Jesu ari muchidyiro usiku hwaakaberekwa sezvakaita vafudzi. Vakazouya papera mwedzi yakati kuti uye akanga ava ‘mwana’ ari ‘mumba.’” Izvi zvinotsigirwa nepfungwa yokuti Herodhi paaida kuuraya mwana muduku uyu, akarayira kuti vakomana vose vaiva nemakore maviri zvichidzika vaiva muBhetrehema vapondwe. Akasarudza vaiva nemakore aya “maererano nenguva yaakanga anyatsowana kuvazivi venyeredzi.”—Mateu 2:16.
Kudai vazivi ava vakanga vashanyira Jesu usiku hwaakaberekwa uye vamuunzira ndarama nezvimwe zvipo zvinokosha, Maria angadai asina kupa shiri mbiri chete paakaenda naJesu kutemberi muJerusarema kwapera mazuva 40. (Ruka 2:22-24) Uhwu hwaiva urongwa hwaiva muMutemo hwevarombo vakanga vasingakwanisi kuwana gondohwe duku. (Revhitiko 12:6-8) Zvisinei, zvipo izvi zvaikosha zvakauya panguva yakanaka uye zvaizobatsira mhuri yaJesu kuwana chouviri payaizogara muIjipiti.—Mateu 2:13-15.
Nei zvakatorera Jesu mazuva mana kuti asvike paguva raRazaro?
Kutaura zvazviri, zvinoita sokuti Jesu akaronga kuti zvidaro. Nei tingadaro? Chimbotarisa nyaya yakanyorwa pana Johani chitsauko 11.
Pakarwara Razaro, uyo aigara kuBhetani uye aiva shamwari yaJesu, hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kuna Jesu. (Ndima 1-3) Panguva iyoyo, Jesu aiva kure neBhetani zvokuti zvaida rwendo rwemazuva anenge maviri kusvikako. (Johani 10:40) Zviri pachena kuti Razaro akashaya panenge panguva Jesu yaakagamuchira shoko racho. Jesu akaitei? “Akabva aramba ari munzvimbo yaakanga ari kwemazuva maviri,” ndokuzoenda kuBhetani. (Ndima 6, 7) Saka paakambomira mazuva maviri ndokuzofamba rwendo rwemazuva maviri, akasvika paguva Razaro ava nemazuva mana afa.—Ndima 17.
Izvi zvisati zvaitika, Jesu akanga ambomutsa vanhu vaviri, mumwe paakanga achangofa uye mumwe wacho pave paya zuva raakanga afa. (Ruka 7:11-17; 8:49-55) Aizokwanisa here kumutsa munhu akanga ava nemazuva mana afa uye atotanga kuora? (Ndima 39) Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinotaura mashoko anobata pfungwa okuti vaJudha vaidavira kuti pakanga pasisina tariro “kumunhu anenge ava nemazuva mana afa; zvinenge zvave kuonekwa kuti muviri wave kuora uye mweya waifungwa kuti unenge uchiyangarara pamusoro pomuviri unenge waenda.”
Pavanhu vaiva paguva, kudai paiva nevamwe vakanga vasina chokwadi, vakanga vave kuzoona simba raJesu pamusoro porufu. Akamira mberi kweguva, Jesu akashevedzera kuti: “Razaro, buda!” Zvadaro, “murume akanga akafa akabuda.” (Ndima 43, 44) Kumuka ndiyo tariro yechokwadi yevakafa, kwete pfungwa isiri yechokwadi yokuti mweya unoramba uchirarama pashure porufu.—Ezekieri 18:4; Johani 11:25.