Zvevechiduku
Kutsamwa Kwomukoma
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Nakidzwa nenyaya yacho sowaivapo.
ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA GENESISI 4:1-12.
Uchiita zvokufungidzira, ungarondedzera sei zvainge zvakaita Kaini, chiso chake, nounhu hwake? Zvakadini naAbheri?
․․․․․
Kaini aiita ‘mabasa api enyama,’ uye izvi zvakaoneka sei? (VaGaratiya 5:19-21)
․․․․․
DZAMISA PFUNGWA.—VERENGAZVE NDIMA 4-7.
Jehovha aingotarisa chibayiro here kana kuti pane zvimwe zvaaida? (Zvirevo 21:2)
․․․․․
Ndepapi pazvinenge zvakakodzera kutsamwa, asi nei zvakanga zvakaipa kuti Kaini ‘atsamwe kwazvo’?
․․․․․
Ndepapi pazvinenge zvakakodzera kuva negodo, asi nei zvakanga zvisina kukodzera kuna Kaini? (1 Madzimambo 19:10)
․․․․․
Kaini angadai akaita sei kuti ‘akunde’ kutsamwa?
․․․․․
ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE . . .
Kutsamwa.
․․․․․
Godo.
․․․․․
‘Kukunda’ kwaungaita pfungwa dzokuda kuita zvakaipa.
․․․․․
CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?
․․․․․