Bhaibheri Rinochinja Upenyu
Chii chakaita kuti mumwe mukomana aiva muchikwata chevechiduku chokuMexico chainzi Junior Satans (vanaSatani vaduku) achinje ndokuva mugari womuguta akavimbika uye anoshanda nesimba? Nei mumwe muzvinabhizimisi wechikadzi aibudirira wokuJapan akarega kutsvaka pfuma sechinangwa chake chikuru muupenyu uye ari kunzwa sei nokuchinja kwaakaita? Chii chakaita kuti mumwe murume wokuRussia aitengesa zvombo arege bhizimisi rake raimupa mari kunyange zvazvo raisava pamutemo? Inzwa kuti vanhu ava vanotii.
NHOROONDO YOUPENYU
ZITA: ADRIAN PEREZ
MAKORE: 30
NYIKA: MEXICO
ZVAAIMBOITA: AIVA MUCHIKWATA CHAINZI JUNIOR SATANS
UPENYU HWANGU KARE: Pandaiva nemakore anenge 13, mhuri yedu yakatamira kuEcatepec de Morelos, kuMexico State. Panguva iyoyo, nzvimbo yacho yaiva nedambudziko nokuti maiva nevaduku vaiva nemisikanzwa, matsotsi anopaza zvivako, uye vanhu vanoshandisa zvinodhaka nguva dzose. Nenguva isipi ndakatanga kudhakwa nedoro, kupaza zvivako ndichiba uye kuita unzenza.
Pave paya takatamirazve kuSan Vicente, guta randakaberekerwa. Zvisinei, kwaiva nedambudziko rokuti vanhu vakawanda vaiva vapindwa muropa nezvinhu zvinodhaka. Zvakanga zvisingashamisi kuona zvitunha zvevaduku mumugwagwa. Ndakapinda muchikwata chainzi Junior Satans. Taiba nokushandisa zvinodhaka, tichiita zvokufemba guruu. Kakawanda ndaisaziva kuti ndaisvika sei kumba, uye dzimwe nguva ndaingozvambarara mumugwagwa ndisina chandaiziva. Dzimwe shamwari dzangu dzakagumisira dzaiswa mujeri pamusana pokuba nokuponda.
Pasinei nezvose zvakaipa zvandaiita izvi, ndaitenda muna Mwari. Kuti ndisanyanya kunzwa ndiine mhosva, ndaipinda mumhemberero dzechitendero zvakadai sokunyengetera kumichinjikwa 14 muVhiki Tsvene. Zvisinei, patainge tapedza, tose zvedu, kusanganisira uya aiedzesera kuvaKristu, taipemberera zvatainge taita tichidhakwa.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Ndava kuda kusvitsa makore 20, ndakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndaiziva kuti upenyu hwangu hwakanga husina chinangwa chaicho uye kudai ndaizoramba ndichirarama sezvandaiita, ndaizopinda muna taisireva. Chakandibaya mwoyo ipfungwa iri pana VaGaratiya 6:8, inoti: “Anodyara nokuda kwenyama yake achakohwa kuora kunobva panyama yake, asi anodyara nokuda kwomudzimu achakohwa upenyu husingaperi hunobva pamudzimu.” Rugwaro urwu rwakandibatsira kuziva kuti kana ndaida kuti zvinhu zvindifambire zvakanaka, ndaifanira kudyara ndichifunga remangwana.
Pandaidzidza Bhaibheri, ndakatanga kunzwisisa kuti Jehovha ndiMwari mupenyu anondifarirawo somunhu, uye kuti anoda kundikanganwira zvivi zvandakaita kare. Ndakazvionera ndoga kuti anonzwa minyengetero uye anoipindura.
Zvakanga zvisiri nyore kuti ndichinje mararamiro angu. Zvaiva zvakaoma kuti ndisiyane nechikwata chiya. Dzimwe nzvimbo dzairambidzwa nokuti dzaiva dzezvimwe zvikwata, saka ndakanga ndisingapfuuri nemadziri kunyange zvazvo ndakanga ndisisiri muchikwata chacho. Dzimwe nguva ndaifanira kuhwanda vandaimboshamwaridzana navo nokuti vainditsvaka voedza kundimanikidza kuti ndiitezve zvandaimboita.
Kusiyana neizvi, pandakatanga kupinda misangano neZvapupu paImba yoUmambo, ndakaona kuti ungano yacho yaiva norudo uye ushamwari. Ndakafara kuti vanhu ava vakanga vane kutenda kwakasimba uye kuti vaiita zvavaidzidzisa. Vairarama upenyu hwakasiyana zvikuru nehwandakanga ndakajaira.
KUBATSIRWA KWANDAVE NDICHIITWA: Ndave ndiri Chapupu chaJehovha kwemakore gumi. Ndinoedza nepandinogona napo kushandisa zvandinodzidza muBhaibheri muupenyu hwangu. Saka ndava kuremekedzwa nemhuri yangu. Iko zvino vava kundiziva somunhu anoshanda nesimba, uye ndave ndichikwanisa kuvabatsira nemari. Amai vangu vakatangawo kudzidza Bhaibheri uye iye zvino vava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Baba vangu vari kuchinjawo mararamiro avo. Hama dzangu dzakawanda hadzisi Zvapupu zvaJehovha, asi dzaongoroora zvakaitika muupenyu hwangu, dziri kubvuma kuti Bhaibheri rinogona kubatsira munhu kuti ararame upenyu hwakanaka.
NHOROONDO YOUPENYU
ZITA: YAYOI NAGATANI
MAKORE: 50
NYIKA: JAPAN
ZVAAIMBOITA: AIVA MUZVINABHIZIMISI AIBUDIRIRA
UPENYU HWANGU KARE: Ndakakurira muguta duku romumaruwa rakanga rakazara nevanhu vaiva noushamwari. Baba vangu vaiva nechitoro chakakura chaiva muguta vaine vashandi gumi. Imba yedu yaiva pedyo nechitoro, saka kunyange zvazvo Baba naAmai vainge vakabatikana nebasa, handaimbosurukirwa.
Ndini dangwe pavasikana vatatu, uye ndakadzidziswa kutarisira bhizimisi remhuri ndichiri muduku. Ndakaroorwa ndichiri muduku. Murume wangu akasiya basa raaiita rokubhengi akauya kuzobatsira mubhizimisi remhuri. Munguva pfupi, takanga tatova nevana vatatu. Amai vangu vaiita mabasa epamba vachitarisira vana ava, sezvo ini ndaishanda kuchitoro kubva mangwanani kusvika usiku. Kunyange zvakadaro, taimbova nenguva yataitandara semhuri.
Zvadaro mabhizimisi akanga ava kudzikira munzvimbo yacho, uye bhizimisi redu rakatanga kubhuroka. Kuti tigadzirise dambudziko racho, takasarudza kuvhura chimwe chitoro chaitengesa zvinhu zvinoshandiswa pamusha chaiva pedyo nomugwagwa mukuru. Zuva rimwe chete tisati tatanga kupemberera kuvaka chitoro ichi, baba vangu vaiva purezidhendi wekambani yedu vakadonhera pasi nokuti vakanga vangoerekana vabatwa nechirwere chouropi. Izvi zvakaita kuti vatadze kutaura saka ndini ndakapiwa basa rokutarisira kuvhurwa nokushanda kwechitoro chitsva. Murume wangu akasara achishanda kuchitoro chekare. Takabva tava nezvakawandisa zvokuita.
Chitoro chedu chitsva chakabudirira chaizvo. Ndaidada nokugona kwangu basa, saka ndaigara ndichingoshanda. Kunyange zvazvo ndaida vana vangu, basa ndiro randaingofunga chete. Ndakanga ndisingawani nguva yokukurukura zvimwewo zvinhu nomurume wangu, asi pataidaro, dzaingova nharo dzoga dzoga. Kuti ndimbozorodza pfungwa, ndakatanga kuenda kumabhawa usiku hwoga hwoga kuti ndinonwa doro neshamwari dzangu nevandaiita navo zvebhizimisi. Zvandaingoita, kwaiva kushanda, kudhakwa, nokurara. Mune zvemari ndakanga ndichibudirira asi uku ndakanga ndichitowedzera kusafara uye handina kunzwisisa kuti nei.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI: Pandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, pane ndima nhatu dzomuBhaibheri dzakandibaya mwoyo zvikuru. Ndakachema pandakanzwisisa zvinorehwa nemashoko ari pana Mateu 5:3 anoti: “Vanofara vaya vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, nokuti umambo hwokumatenga ndohwavo.” Ndima iyi yakatsanangura kuti nei ndaisafara kunyange zvazvo ndakanga ndichibudirira mune zvemari uye ndichiyemurwa neshamwari dzangu. Ndakaziva kuti kana ndaida kufara zvechokwadi ndaifanira kuziva uye kugutsa zvandaida mune zvokunamata.
Panguva iyoyo, upfumi hweJapan hwakanga hwadzikira zvikuru, uye ndakaona pashamwari dzangu kuti mashoko ari pana 1 Timoti 6:9 ndeechokwadi anoti: “Vaya vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo nomukuchiva zvinhu zvizhinji zvoupenzi nezvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa.” Ndakaona kuti mashoko aJesu ari pana Mateu 6:24 aishanda kwandiri, anoti, “Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma,” saka ndakasarudza kuchinja zvimwe zvinhu pamararamiro angu.
Ndakaona kuti ndakanga ndisina hanya nevabereki vangu, murume wangu, nevana vangu. Zvakavawo pachena kuti ndakanga ndava noumwe unhu husina kunaka. Ndakanga ndava kudada. Ndaiva ndisina mwoyo murefu. Ndaikurumidza kutsamwa. Pakutanga ndakafunga kuti handaikwanisa kuchinja kuti ndive muKristu. Zvisinei, ndaida chaizvo vana vangu uye ndakacherechedza kuti pandaishandisa zano reBhaibheri muupenyu hwemhuri yedu, vana vangu vainyatsoteerera. Ndaipedza nguva yakawanda navo uye ndaienda navo kumisangano yechiKristu.
KUBATSIRWA KWANDAVE NDICHIITWA: Kuziva chinangwa choupenyu uye kukwanisa kushumira Mwari, kurarama upenyu hunomufadza, kwave kuchiita kuti ndifare uye ndigutsikane zvechokwadi. Handichanyanyi kukoshesa basa rangu kupfuura mhuri yangu, saka ndava kuzviremekedza zvakare.
Amai vangu pavakaona ndichichinja kuva munhu kwaye sezvandaishandisa mitemo yeBhaibheri, vakatanga kudzidza Bhaibheri ndokuva muKristu. Zvinofadza ndezvokuti baba vangu nomurume wangu havana kupikisa zvatakasarudza. Iye zvino ndava kufara chaizvo nemhuri yangu nokuti ndava noukama hwepedyo zvikuru nevana vangu.
NHOROONDO YOUPENYU
ZITA: MIKHAIL ZUYEV
MAKORE: 51
NYIKA: RUSSIA
ZVAAIMBOITA: MUTENGESI WEZVOMBO ASIRI PAMUTEMO
UPENYU HWANGU KARE: Guta rokumusha kwangu, Krasnogorsk, rakangosvibirira nezvinomera. Rwizi runonzi Moscow ruri nechokumaodzanyemba. Misha iri kumadokero nokuchamhembe inenge isingatombooneki zvayo iri nechomukati memiti yakasvibirira.
Pandaiva muduku, ndaifarira zvezvibhakera, uye kutamba nezvombo zvokurwa nazvo. Ndaipedza nguva yakawanda ndichisimbisa muviri. Ndaigadzirawo zvombo zvisiri pamutemo, mabara, nemapanga. Nokufamba kwenguva, iri ndiro rakazova bhizimisi rangu. Ndakanga ndakarongeka chaizvo uye ndaibudirira zvikuru pakutengesa zvombo zvangu kumatsotsi.
KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHABHAIBHERI: Pakutanga-tanga kwema1990, ndakasangana neZvapupu zvaJehovha, asi pakutanga ndaizvinyumwira. Ndaiona sokuti zvaibvunza mibvunzo yakawandisa.
Rimwe zuva, mumwe wavo akandiverengera VaRoma 14:12 inoti: “Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.” Zvakandinetsa kuti ndaizoti kudii kuna Mwari. Rugwaro urwu rwakaita kuti ndidzidze zvandaitarisirwa naMwari.
Ndakashanda nesimba kuti nditevedzere zano reBhaibheri rakanyorwa pana VaKorose 3:5-10 rinoti: “Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora uko kunoreva kunamata zvidhori. Hasha dzaMwari dziri kuuya nokuda kwezvinhu izvozvo. . . . Bvisai zvose pamuri zvinoti, hasha, kutsamwa, zvinhu zvakaipa, kutuka, uye bvisai kutaura kunonyadzisa mumiromo yenyu. Musareverana nhema. Pfekenurai unhu hwekare nemabasa ahwo, mupfeke unhu hutsva.”
Zvakanga zvisiri nyore kuti ndichinje mararamiro andaiita. “Shamwari dzangu dzandaiita nadzo bhizimisi” dzakaramba dzichindipa mari kuti ndidzitengesere zvombo, uye zvaive zvakandiomera kuti ndizvidzore pandaitukwa nevanhu. Kunyange zvakadaro, ndakaparadza zvombo zvangu zvose uye zvaikosha. Pandaidzidza nezvorudo rwandakaratidzwa naMwari naKristu, ndakavadawo. Ndakaramba ndichidzidza Bhaibheri ndiri ndoga, ndichipinda misangano neungano yokwedu, uye ndainyengetera kuna Mwari kuti andibatsire.
KUBATSIRWA KWANDAVE NDICHIITWA: Zvishoma nezvishoma, ndave ndichiedza zvose zvandinogona uye ndichibatsirwa nehama dzangu dzechiKristu, uye iye zvino ndava nounhu huri nani. Kunzwisisa kuti Jehovha Mwari ane hanya nesu tose, kunyange vanhu vaya vakafa, kunoita kuti ndifare. (Mabasa 24:15) Ndinokoshesa kuti Zvapupu zvaJehovha vanhu vakavimbika uye vanoita zvinhu nomwoyo wose. Uye ndinoonga kuti vakandifarira nomwoyo wose uye kuti vakavimbika kuna Mwari.
Pakutanga, vamwe vomumhuri mangu neshamwari dzangu vakapikisa zvandakanga ndava kutenda. Asi vakabva vazvinyaradza nokuti zvaiva nani kuti ndakanga ndava kunamata pane kuti ndigare ndichipara mhosva. Ndiri kufara kuti handisisiri kurarama upenyu hwokutengesa zvombo zvehondo asi kuti ndazvipira kuti ndibatsire vamwe kudzidza nezvaMwari worugare.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Ndaipembererawo mhemberero dzechechi yeRoma kuti hana yangu isanyanya kunetseka
[Mufananidzo uri papeji 28]
Ndaibudirira pakuwana mari asi ndisingatombofari zvachose