Zvevechiduku
Jaya Raiva Nechivindi
Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Nakidzwa nenyaya yacho sowaivapo.
ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA 1 SAMUERI 17:1-11, 26, 32-51.
Rondedzera zvaunofungidzira kuti ndizvo zvaiva zvakaita Goriyati uye inzwi rake.
_______
_______
Kunyange zvazvo Dhavhidhi akanga asiri muuto revaIsraeri, chii chakaita kuti ade kurwisana naGoriyati? (Ona ndima 26.)
_______
_______
Zvii zvakaita kuti Dhavhidhi adavire kuti Jehovha aizomubatsira? (Verengazve ndima 34-37.)
_______
_______
DZAMISA PFUNGWA.
Uchishandisa mabhuku okutsvakurudzisa aunawo, edza kuona
(1) Kureba kwaiva kwakaita Goriyati. (1 Samueri 17:4) Makubhiti matanhatu nepanoyerwa neminwe ikatambanudzwa =
_______.
(2) Kurema kwenguo yaGoriyati yokuzvidzivirira nayo ine simbi. (1 Samueri 17:5)
Mashekeri 5 000 emhangura =
_________.
(3) Kurema kwechipasa chepfumo raGoriyati. (1 Samueri 17:7)
Mashekeri 600 esimbi =
_________.
ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE...
Chivindi.
_______
Kuvimba naJehovha pane kuvimba nesimba rako.
_______
ZVIMWE ZVOKUTI UITE.
Ungatarisana nezvinetso zvakaita sezvipi zvakaoma kukunda sokuoma kwazvaiva zvakaita kukunda Goriyati?
_______
_______
Zvii zvakamboitika (kwauri kana kuti kune vamwe) zvinoita kuti uve nechokwadi chokuti Jehovha haazombokusiyi?
_______
_______
CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?
_______
_______