RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 1/1 p. 31
  • Jaya Raiva Nechivindi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jaya Raiva Nechivindi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparadzwa kweSodhoma neGomora
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anoporesa Vanhu Zvinoshamisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jesu Anokunda Muedzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Jesu Anoshamisa Vateereri Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 1/1 p. 31

Zvevechiduku

Jaya Raiva Nechivindi

Mirayiridzo: Ita basa iri uri panzvimbo isina zvinokukanganisa. Paunoverenga magwaro, fungidzira uripowo pazvaiitika. Ona zvaiitika mupfungwa dzako. Inzwa manzwi acho. Iva nemanzwiro evanhu vanonyanya kutaurwa. Nakidzwa nenyaya yacho sowaivapo.

ONGORORA ZVAKAITIKA.—VERENGA 1 SAMUERI 17:1-11, 26, 32-51.

Rondedzera zvaunofungidzira kuti ndizvo zvaiva zvakaita Goriyati uye inzwi rake.

_______

_______

Kunyange zvazvo Dhavhidhi akanga asiri muuto revaIsraeri, chii chakaita kuti ade kurwisana naGoriyati? (Ona ndima 26.)

_______

_______

Zvii zvakaita kuti Dhavhidhi adavire kuti Jehovha aizomubatsira? (Verengazve ndima 34-37.)

_______

_______

DZAMISA PFUNGWA.

Uchishandisa mabhuku okutsvakurudzisa aunawo, edza kuona

(1) Kureba kwaiva kwakaita Goriyati. (1 Samueri 17:4) Makubhiti matanhatu nepanoyerwa neminwe ikatambanudzwa =

_______.

(2) Kurema kwenguo yaGoriyati yokuzvidzivirira nayo ine simbi. (1 Samueri 17:5)

Mashekeri 5 000 emhangura =

_________.

(3) Kurema kwechipasa chepfumo raGoriyati. (1 Samueri 17:7)

Mashekeri 600 esimbi =

_________.

ITA ZVAWADZIDZA. NYORA ZVAWADZIDZA PAMUSORO PE...

Chivindi.

_______

Kuvimba naJehovha pane kuvimba nesimba rako.

_______

ZVIMWE ZVOKUTI UITE.

Ungatarisana nezvinetso zvakaita sezvipi zvakaoma kukunda sokuoma kwazvaiva zvakaita kukunda Goriyati?

_______

_______

Zvii zvakamboitika (kwauri kana kuti kune vamwe) zvinoita kuti uve nechokwadi chokuti Jehovha haazombokusiyi?

_______

_______

CHII CHIRI MUNYAYA IYI CHANYANYA KUKUBATSIRA, UYE NEI?

_______

_______

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe