Vaverengi Vanobvunza Kuti
Nei Zvapupu zvaJehovha Zvisingashandisi Mifananidzo Pazvinenge Zvichinamata?
Pasi rose, veChechi yeRoma, veChechi yeOrthodox, vaHindu, uye vaBhudha vanoti kushandisa zvidhori, mifananidzo, kana kuti zviratidzo kunokosha pakunamata kwavo. Mune dzimwe nzvimbo dzomuAfrica, vanonamata matombo kana kuti matanda akavezwa vachiti ndimo munogara mwari kana kuti mudzimu wamwari.
Kusiyana neizvi, Zvapupu zvaJehovha hazvishandisi zvidhori kana kuti zviratidzo zvipi zvazvo pazvinenge zvichinamata. Kana ukaenda pazvinonamatira, panonzi paImba yoUmambo, haumbowani zviratidzo zve“vasande” kana kuti zvidhori zvaJesu kana kuti Mariya.a Nei? Ona zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyaya yacho.
Mwari Aitarisira Kuti vaIsraeri Vamunamate Sei?
Anunura vaIsraeri kubva kuIjipiti, Jehovha Mwari akavapa mirayiridzo yakajeka yairatidza kuti aida kunamatwa sei. Murayiro wechipiri paiya inonzi Mirayiro Gumi unoti: “Usazvigadzirira mufananidzo wakavezwa, kana mufananidzo wechinhu chero chipi zvacho chiri kumatenga kumusoro, kana chiri panyika pasi, kana chiri mumvura pasi penyika. Usazvikotamira kana kunyengedzwa kuti uzvishumire, nokuti ini Jehovha Mwari wako ndiri Mwari anoda kuzvipira kwakazara.”—Eksodho 20:4, 5.
Panguva chaiyo yaipa Mwari mirayiro iyi kuna Mosesi, vaIsraeri vakanga vari kutogadzira mhuru yendarama, zvichida vachitevedzera vaIjipiti pakunamata kwavaiita mhuka. Havana kudana chifananidzo chacho nezita ramwari wevaIjipiti. Asi, vakati chaivabatsira kunamata Jehovha. (Eksodho 32:5, 6) Mwari akaitei? Akatsamwira kwazvo vaya vainamata chidhori chacho, uye Mosesi akachiparadza.—Eksodho 32:9, 10, 19, 20.
Jehovha akazowedzera mamwe mashoko pamutemo wechipiri. Achishandisa Mosesi, Mwari akayeuchidza vaIsraeri kuti vaisafanira kuzvigadzirira “mufananidzo wakavezwa, mufananidzo wechiratidzo chero wechinhu chipi zvacho, mufananidzo womunhurume kana kuti munhukadzi, mufananidzo wemhuka chero ipi zvayo iri panyika, mufananidzo weshiri chero ipi zvayo ine mapapiro inobhururuka mumatenga, mufananidzo wechinhu chero chipi zvacho chinofamba panyika, mufananidzo wehove chero ipi zvayo iri mumvura pasi penyika.” (Dheuteronomio 4:15-18) Zviri pachena kuti vaIsraeri vaisafanira kushandisa chero chifananidzo chipi nechipi pakunamata Mwari.
Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vakazongonamata zvidhori. Kuti avaruramise, Jehovha akatuma vaprofita vakavanyevera nezvokuvaranga kwaaizoita pamusana pokuti vakanga vanamata zvidhori. (Jeremiya 19:3-5; Amosi 2:8) Rudzi rwose rwevaIsraeri haruna kuteerera nyevero dzaMwari. Saka, muna 607 B.C.E., Jehovha akabvumira kuti vaBhabhironi vaparadze Jerusarema uye kutora rudzi rwacho senhapwa.—2 Makoronike 36:20, 21; Jeremiya 25:11, 12.
VaKristu Vomuzana Remakore Rokutanga Vaidavirei?
Vemamwe marudzi pavakatendeukira kuchiKristu muzana remakore rokutanga, havana kuramba vachishandisa zvidhori pakunamata Mwari. Ona kuti Dhemetriyo, mupfuri wesimbi aigadzira zvidhori muEfeso, akatii nezvokuparidzira kwomuapostora Pauro: “Varume, munonyatsoziva kuti tinobudirira nebasa iri. Uyewo, munoona nokunzwa kuti Pauro uyu akanyengetedza sei boka guru revanhu, akaita kuti vave nedzimwe pfungwa, kwete muEfeso chete asi munenge mumaruwa ose eEzhiya, achiti vaya vakagadzirwa nemaoko havasi vanamwari.”—Mabasa 19:25, 26.
Mashoko aPauro anoenderana nokupomera kwakaitwa naDhemetriyo. Paaitaura kuvaGiriki vaiva muAtene, Pauro akati: “Hatifaniri kufunga kuti Mwari akafanana nendarama kana sirivha kana dombo, kufanana nechimwe chinhu chakavezwa nounyanzvi nouchenjeri hwomunhu. Chokwadi, Mwari akafuratira nguva dzokusaziva kwakadaro, asi zvino ari kuudza vanhu kuti kwose kwose vose vanofanira kupfidza.” (Mabasa 17:29, 30) Nezvenyaya iyoyo, Pauro akanyorera vokuTesaronika ndokuvarumbidza nemashoko anoti: ‘Makatendeukira kuna Mwari muchibva kuzvidhori zvenyu.’—1 VaTesaronika 1:9.
Haasi Pauro chete asi muapostora Johani akanyeverawo vaKristu kuti vasashandisa zvidhori pakunamata kwavo. Pakupera kwezana remakore rokutanga, Johani akanyatsovataurira kuti: “Zvichenjererei pazvidhori.”—1 Johani 5:21.
Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera zvinotaurwa naMwari nenzira yakajeka yokusashandisa zvidhori pakumunamata. Zvinodavira zvinotaurwa naJehovha paanoti: “Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; handizopi kukudzwa kwangu kune mumwe munhu, nokurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.”—Isaya 42:8.
[Mashoko Omuzasi]
a Dzimwe Dzimba dzoUmambo dzine mapikicha evanhu vomuBhaibheri. Zvisinei, mapikicha aya ndeekushongedza uye haanamatwi sezvinoitwa zviratidzo zvinonamatwa nezvimwe zvitendero. Zvapupu zvaJehovha hazvinyengeteri kumapikicha aya kana kuapfugamira.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 31]
“Ndini Jehovha. Ndiro zita rangu; handizopi kukudzwa kwangu kune mumwe munhu, nokurumbidzwa kwangu kumifananidzo yakavezwa.”—Isaya 42:8